Zvino Jesu akasvika navo panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi, “Garai pano, ini ndichaenda kundonyengetera uko.” Akatora Petirosi navanakomana vaZebhedhi vaviri, akatanga kuva neshungu nokudumbirwa. Akati kwavari, “Mweya wangu une shungu kwazvo, kusvikira pakufa; garai pano murinde neni.”
Akapfuura mberi zvishomanene, akawira pasi nechiso chake, akanyengetera, achiti, “Baba vangu, kana zvichibvira, mukombe uyu ngaupfuure kwandiri; kunyange zvakadaro kurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu.”
Akaenda kuvadzidzi, akavawana vavata; akati kuna Petirosi, “Makanga musingagoni seiko kurinda neni awa imwechete? Rindai, munyengetere, kuti murege kupinda mukuedzwa; mweya unoda hawo, asi nyama haina simba.”
Akaendazve rwechipiri, akanyengetera, achiti, “Baba vangu, kana mukombe uyu usingagoni kupfuura ndisingaunwi, kuda kwenyu ngakuitwe.”
Akaendazve, akavawana vavata; nokuti meso avo akanga abatwa nehope.
Akavasiyazve, akandonyengetera rwechitatu, achitaurazve mashoko iwayo.