Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 24:1-28

Mateu 24:1-28 SNA2002

Zvino Jesu akabuda mutemberi, akati oenda, vadzidzi vake vakauya kwaari kuzomuratidza dzimba dzetemberi. Akapindura, akati kwavari, “Munoona zvinhu izvi zvose here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakungaregwi dombo pamusoro pedombo, risingazowisirwi pasi.” Akati agara pagomo reMiorivhi, vadzidzi vake vakauya kwaari, vari voga, vakati, “Tiudzei, kuti izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chokuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?” Jesu akapindura, akati kwavari, “Chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu. Nokuti vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti, ‘Ndini Kristu;’ vachitsausa vazhinji. Muchanzwa zvokurwa nenyaya yokurwa; chenjerai, musavhunduka, nokuti izvozvi zvose zvinofanira kumboitwa, asi kuguma kuchigere kusvika. Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, noushe huchamukira ushe; nenzara dzichavapo, nehosha, nokudengenyeka kwenyika kunzvimbo zhinji. “Asi zvinhu izvozvi zvichava kutanga kwenhamo. “Zvino vachakuisai kumadambudziko, vachakuurayai, muchavengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu. Vazhinji vachagumburwa, vachaisana kuvatongi nokuvengana. “Vaporofita vazhinji venhema vachamuka, vachitsausa vazhinji. Rudo rwavazhinji ruchatonhora, nokuti kusarurama kuchawanda. Asi anotsungirira kusvikira pakuguma, achaponeswa. Vhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika. “Naizvozvo kana muchiona nyangadzi yokuparadza, yakarehwa nomuporofita Dhaniere, imire panzvimbo tsvene (anorava ngaacherekedze); zvino vari muJudhea ngavatizire kumakomo; ari pamusoro pedenga reimba, ngaarege kuburuka kuzotora zviri mumba make; naari mumunda, ngaarege kudzokera shure kuzotora nguo yake. “Vachava nenhamo vane pamuviri navanoyamwisa namazuva iwayo; Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva panguva yechando kana neSabata. Nokuti nenguva iyo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye hakuchazovipo. “Dai mazuva iwayo asaitapudzwa, hakuna munhu airarama; asi nokuda kwavakasanangurwa mazuva iwayo achatapudzwa. “Zvino kana munhu akati kwamuri, ‘Tarirai, Kristu ari pano’, kana, ‘Apo’ regai kutenda. Nokuti vachamuka vanaKristu venhema, navaporofita venhema, vacharatidza zviratidzo zvikuru nezvinoshamisa, kuti kana zvichibvira, vatsause navakasanangurwawo. “Tarirai, ndagara ndakuudzai. Zvino, kana vakati kwamuri, ‘Tarirai, ari kurenje,’ regai kubuda; ‘Tarirai, ari mudzimba dzomukati,’ regai kutenda. “Nokuti semheni inobva mabvazuva, ichipenyeresa kumavirira, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu. Apo pane chitunha, ndipo pachaunganira magora.

Verenga chikamu Mateu 24