Mateo 24:1-28
Mateo 24:1-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akabuda mutemberi, uye paakanga achifamba kudaro, vadzidzi vake vakaswedera kwaari vakamuratidza dzimba dzetemberi. Iye akati kwavari, “Muri kuona zvinhu izvi zvose here? Ndinokuudzai chokwadi kuti hakuna ibwe richasara pano riri pamusoro perimwe; ose achawisirwa pasi.” Jesu akati agara paGomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari voga vakati, “Tiudzei kuti zvinhu izvi zvichaitika rini, uye kuti chiratidzo chokuuya kwenyu nokuguma kwenyika chichava chei?” Jesu akapindura akati, “Chenjerai kuti murege kunyengerwa nomunhu. Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ndini Kristu,’ uye vachinyengera vazhinji. Muchanzwa nezvehondo uye neguhu rehondo, asi chenjerai kuti murege kuvhundutswa nazvo. Zvinhu zvakadaro zvinofanira kuitika asi kuguma kunenge kusati kwasvika. Nokuti rudzi ruchamukira rumwe rudzi noumambo huchamukira humwe umambo. Kuchava nenzara nokudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana-siyana. Asi zvose izvi mavambo okurwadziwa pakubereka. “Ipapo muchaiswa kuna vanokutambudzai mugourayiwa, uye muchavengwa nendudzi dzose nokuda kwangu. Panguva iyoyo vazhinji vachadzokera shure kubva pakutenda uye vachamukirana vagovengana, uye vaprofita vazhinji venhema vachamuka uye vachanyengera vanhu vazhinji. Nokuda kwokuwanda kwokusarurama, rudo rwavazhinji ruchatonhora. Asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo, achaponeswa. Uye vhangeri iri roumambo richaparidzwa munyika yose souchapupu kumarudzi ose, ipapo kuguma kuchasvika. “Saka pamunoona ‘nyangadzi yokuparadza’ yakataurwa nomuprofita Dhanieri, imire panzvimbo tsvene, anoverenga ngaanzwisise, ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo. Uyo ari padenga reimba yake ngaarege kuburuka kuti andotora chinhu chipi zvacho chiri mumba make. Ari mumunda ngaarege kudzokera kundotora nguo yake. Zvichaoma sei mumazuva iwayo kuvakadzi vane mimba navaya vanoyamwisa! Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuitika panguva yechando kana nomusi weSabata. Nokuti ipapo pachava nenhamo huru isina kumbovapo kubva pakuvamba kwenyika kusvika zvino uye haizombovapozve. Dai mazuva iwayo asina kutapudzwa, hapana munhu airarama, asi nokuda kwavasanangurwa, mazuva iwayo achatapudzwa. Panguva iyoyo, mukanzwa munhu anoti kwamuri, ‘Tarirai, hoyu Kristu!’ kana kuti, ‘Hoyo Kristu,’ musazvitenda. Nokuti kuchamuka vanaKristu venhema navaprofita venhema avo vachaita zviratidzo nezvishamiso kuti vanyengere kunyange navasanangurwa kana zvichigoneka. Tarirai, ndafanokuudzai zvisati zvaitika. “Saka kana munhu upi zvake akakuudzai kuti, ‘Tarirai uyo ari kurenje,’ musabuda kuti muendeko kana kuti akati, ‘Tarirai, ari mudzimba dzomukati,’ musazvitenda. Sezvinoita mheni inopenya kumabvazuva ichionekwawo kumavirira, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana woMunhu. Pose pano mutumbi ndipo pachaungana magora.
Mateo 24:1-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jesu akabuda mutemberi, akati oenda, vadzidzi vake vakauya kwaari kuzomuratidza dzimba dzetemberi. Akapindura, akati kwavari, “Munoona zvinhu izvi zvose here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakungaregwi dombo pamusoro pedombo, risingazowisirwi pasi.” Akati agara pagomo reMiorivhi, vadzidzi vake vakauya kwaari, vari voga, vakati, “Tiudzei, kuti izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chokuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?” Jesu akapindura, akati kwavari, “Chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu. Nokuti vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti, ‘Ndini Kristu;’ vachitsausa vazhinji. Muchanzwa zvokurwa nenyaya yokurwa; chenjerai, musavhunduka, nokuti izvozvi zvose zvinofanira kumboitwa, asi kuguma kuchigere kusvika. Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, noushe huchamukira ushe; nenzara dzichavapo, nehosha, nokudengenyeka kwenyika kunzvimbo zhinji. “Asi zvinhu izvozvi zvichava kutanga kwenhamo. “Zvino vachakuisai kumadambudziko, vachakuurayai, muchavengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu. Vazhinji vachagumburwa, vachaisana kuvatongi nokuvengana. “Vaporofita vazhinji venhema vachamuka, vachitsausa vazhinji. Rudo rwavazhinji ruchatonhora, nokuti kusarurama kuchawanda. Asi anotsungirira kusvikira pakuguma, achaponeswa. Vhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika. “Naizvozvo kana muchiona nyangadzi yokuparadza, yakarehwa nomuporofita Dhaniere, imire panzvimbo tsvene (anorava ngaacherekedze); zvino vari muJudhea ngavatizire kumakomo; ari pamusoro pedenga reimba, ngaarege kuburuka kuzotora zviri mumba make; naari mumunda, ngaarege kudzokera shure kuzotora nguo yake. “Vachava nenhamo vane pamuviri navanoyamwisa namazuva iwayo; Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva panguva yechando kana neSabata. Nokuti nenguva iyo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye hakuchazovipo. “Dai mazuva iwayo asaitapudzwa, hakuna munhu airarama; asi nokuda kwavakasanangurwa mazuva iwayo achatapudzwa. “Zvino kana munhu akati kwamuri, ‘Tarirai, Kristu ari pano’, kana, ‘Apo’ regai kutenda. Nokuti vachamuka vanaKristu venhema, navaporofita venhema, vacharatidza zviratidzo zvikuru nezvinoshamisa, kuti kana zvichibvira, vatsause navakasanangurwawo. “Tarirai, ndagara ndakuudzai. Zvino, kana vakati kwamuri, ‘Tarirai, ari kurenje,’ regai kubuda; ‘Tarirai, ari mudzimba dzomukati,’ regai kutenda. “Nokuti semheni inobva mabvazuva, ichipenyeresa kumavirira, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu. Apo pane chitunha, ndipo pachaunganira magora.
Mateo 24:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu paakanga achibva muTemberi avakuenda, vadzidzi vake vakauya kwaari vachimunongedzera dzimba dzeTemberi. Asi iye akapindura achiti, “Muri kuona zvose izvi handiti, zvechokwadi ndinoti kwamuri hapachazosara dombo riri pamusoro perimwe risingazokoromotserwa pasi.” Paakanga akagara pagomo roMuorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari voga pachavo vachiti, “Tiudzei, zvichaitika rinhi izvi uye chii chicharatidza kuti mavakuuya, uyewo kuti nyika yava kuguma?” Jesu akavapindura achiti, “Chenjerai kuti murege kurasiswa naani zvake. Nokuti kuna vazhinji vachauya nomuzita rangu vachiti ndini, ‘Kristu.’ Vacharasisa vazhinji. Muchanzwa zvehondo namarehwarehwa ehondo. Musanyanye kutya zvenyu. Izvi zvinofanira kuti zviitike asi magumo anenge asati asvika. Rudzi ruchamukirana norumwe rudzi noumambo huchamukirana nohumwe humambo. Kuchava nedzinzara nokundengendeka kwapasi munzvimbo dzakasiyana–siyana. Iri rinenge riri romoromo chete ramatambudziko okusununguka. Vachakupinzai mudambudziko vachikuurayai. Muchavengwa namarudzi ose pamusana pezita rangu. Vazhinji vachakoromoka pakutenda kwavo. Vachacherana vachivengana. Pachamuka vaporofita venhema vachizorasisa vanhu nzira. Nokuda kokuti uipi hunenge hwawanda, rudo rwavazhinji ruchatonhora. Asi uyo anotsungarara kusvikira kumagumo achaponeswa. Shoko iri Rakanaka roumambo richaparidzwa pasi pose souchapupu kumarudzi ose. Ndipo panozouya kuguma. “Naizvozvo kana moona chiya choumharadzi chinon'oresa chakarehwa nomuporofita Dhanieri chamira munzvimbo inoera (anoverenga ngaanzwisise.) Ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo. Uyo anenge ari pamusoro pemba ngaarege kuburikira pasi kuti andotora zviri mumba make. Anenge ari kumunda ngaarege kudzokera kundotora jasi rake. Hameno zvavo vanenge vaina pamuviri navavo vanenge vachiri kuyamwisa pamazuva iwayo. Namatai kuti kutiza kwenyu kusave panguva yechando kana kuti pazuva reSabata. Nokuti kuchava nenhamo huru isati yamboitika kubvira pakutanga kwapasi kusvikira pari zvino uye hazvichazombofa zvakaitikazve. Dai kuri kuti mazuva iwayo haana kutapudzwa, hapana munhu aiponeswa, asi pamusana pavakasarudzwa, mazuva iwayo achatapudzwa. “Ipapo kana ani zvake akati kwamuri, ‘Tarisai houno Kristu kana kuti ari koko,’ musazvidavire nokuti kuchamuka vana Kristu vamanyepo navaporofita venhema vachiratidza zviratidzo zvikuru nezvishamiso kuti vatsautse, kana zvakwanisika, kunyange vasarudzwi. Chionai kuti ndakutaurirai zvisati zvaitika. Naizvozvo kana vakati kwamuri, ‘Hoyo ari murenje, musabude muchiendako. Kana vakati ari mudzimba dzomukati’ musazvitenda. Sokuvaima kunoita mheni kubva kumabvazuva kusvika kumadokero ndiko kuuya kuchaita Mwanakomana womunhu. Pane chitunha, magora ndipo paanoungana.
Mateo 24:1-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jesu wakaɓuɗa patembere, akati oenda, ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya kwaari kuzomuratidza dzimba dzetembere. Akapindura, akati kwaʋari: Munoʋona ɀinhu iɀi ɀose here? Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Hakuŋgaregwi ibge pamsoro pebge, risiŋgazowisirwi pasi. Wakati agara pagomo reMiorivi, ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya kwaari, ʋari ʋoga, ʋakati: Tiʋudzei, kuti iɀoɀi ɀicagoʋa riniko? Neciratidzo cokuʋuya kwenyu necokuguma kwenyika cicaʋa cipiko? Jesu akapindura, akati kwaʋari: Cenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu. Nokuti ʋazhinji ʋacaʋuya nezita raŋgu, ʋaciti: Ndini Kristu; ʋacitsausa ʋazhinji. Mucanzwa ɀokurwa neguhu rokurwa; cenjerai, musavunduka, nokuti iɀoɀi ɀose ɀinofanira kumboitwa, asi kuguma kucigere kuȿika. Nokuti rudzi rucamukira rudzi, noʋushe bgucamukira ʋushe; nenzara dzicaʋa’po, nehosha, nokuɗeŋgenyika kwenyika kunɀimbo zhinji. Asi ɀinhu iɀoɀi ɀicaʋa kutaŋga kwenhamo. Ɀino ʋacakuisai kumaɗambudziko, ʋacakuʋurayai, mucaʋeŋgwa namarudzi ose nokuɗa kwezita raŋgu. Ʋazhinji ʋacagumburwa, ʋacaisana kuʋatoŋgi nokuʋeŋgana. Ʋaprofita ʋazhinji ʋenhema ʋacamuka, ʋacitsausa ʋazhinji. Ruɗo rwaʋazhinji rucatonhora, nokuti kusarurama kucawanda. Asi unotsuŋgirira kuȿikira pakuguma, ucaponeswa. Evaŋgeri iyi yoʋushe icaparidzirwa munyika dzose, ciʋe capupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kucaȿika. Naiɀoɀo kana muciʋona nyaŋgadzi yokuparadza, yakarebga nomuprofita Daniere, imire panɀimbo tȿene (unoraʋa ŋgaacerekedze); ɀino ʋari muJudea ŋgaʋatizire kumakomo; uri pamsoro peɗeŋga reimba, ŋgaarege kuɓuruka kuzotora ɀiri mumba make; nouri mumunda, ŋgaarege kudzokera shure kuzotora ŋguʋo yake. Ʋacaʋa nenhamo ʋanemimba naʋanomŋisa namazuʋa iwayo; nyeŋgeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuʋa pacando kana nesaɓata. Nokuti neŋguʋa iyo kucaʋa’po kutambudzika kukuru, kusati kwakamboʋa’po kwakaɗaro, kubva pakutaŋga kwenyika kuȿikira ɀino, ʋuye hakucazoʋi’po. Ƌai mazuʋa iwayo asaitapudzwa, hakunenyama yairarama; asi nokuɗa kwaʋakasanaŋgurwa mazuʋa iwayo acatapudzwa. Ɀino kana munhu akati kwamuri: Tarirai, Kristu uri pano, kana apo; regai kutenda. Nokuti ʋacamuka ʋanaKristu ʋenhema, naʋaprofita ʋenhema, ʋacaratidza ɀiratidzo ɀikuru neɀinoshamisa, kuti kana ɀicibvira, ʋatsause naʋakasanaŋgurwa ʋo. Tarirai, ndagara ndakuʋudzai. Ɀino, kana ʋakati kwamuri: Tarirai, uri kurenje, regai kuɓuɗa; Tarirai, uri mudzimba dzomukati, regai kutenda. Nokuti semheni inobva mabvazuʋa, icipenyera kumaʋirira, ndiɀo ɀicaita kuʋuya kwoMŋanakomana womunhu. Apo panomutumbu, ndi’po pacaʋuŋganira magora.
Mateo 24:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)