Vakati vanyeverwa pakurota naMwari, kuti varege kudzokera kuna Herodhi, vakaenda kunyika yavo neimwe nzira.
Vakati vaenda, tarira, mutumwa waIshe akaonekwa naJosefa pakurota, achiti, “Simuka, utore mwana namai vake, utizire Ijipiti, ugareko kusvikira ndichikuudza; nokuti Herodhi achatsvaka mwana kuti amuuraye.”
Akasimuka, akatora mwana namai vake usiku, akaenda Ijipiti, akagarako kusvikira Herodhi afa, kuti zviitike zvakarehwa naIshe nomuromo womuporofita, achiti, “Ndakadana mwanakomana wangu abve Ijipiti.”
Zvino Herodhi, akati aona kuti anyengerwa navachenjeri, akatsamwa kwazvo-kwazvo; akatuma vanhu kundouraya vana vakomana vose vaiva muBheterehemu munyika yose yakapoteredza, vaiva namakore maviri navaduku kwavari, iri nguva yaakanzwisisa kuvachenjeri.
Zvikaitika zvakarehwa nomuporofita Jeremiya, achiti,
“Izwi rakanzwika muRama,
Rokuchema nokurira kukuru;
Rakeri achichema vana vake,
Asingadi kunyaradzwa, nokuti havachipo.”
Herodhi akati afa, tarira, mutumwa waIshe akaonekwa naJosefa pakurota muIjipiti, akati, “Simuka, utore mwana namai vake, uende kunyika yaIsiraeri, nokuti vaitsvaka kuuraya mwana vakafa.” Akasimuka, ndokutora mwana namai vake, akasvika kunyika yaIsiraeri.
Asi, akati achinzwa kuti Arikerao wava mambo panzvimbo yababa vake Herodhi, akatya kuendako; akanyeverwa mukurota, akaenda kumativi enyika yeGariria; akandogara muguta rinonzi Nazareta, kuti zvakarehwa navaporofita zviitike, kuti achanzi muNazareta.