Mateo 2:12-23
Mateo 2:12-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye vakati vayambirwa mukurota kuti vasadzokera nokuna Herodhi, vakadzokera kwavo neimwe nzira. Zvino kuzoti vaenda, mutumwa waShe akazviratidza kuna Josefa mukurota, akati, “Kurumidza kutora mwana namai vake mutizire kuIjipiti. Mugareko kusvikira ndakuudzai, nokuti Herodhi achatsvaka mwana uyu kuti amuuraye.” Saka akabva amuka ndokutora mwana namai vake usiku akatizira kuIjipiti, kwaakandogara kusvikira Herodhi afa. Saizvozvo zvakazadziswa zvakanga zvataurwa naShe kubudikidza nomuprofita achiti, “Ndakadana mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.” Kuzoti Herodhi aziva kuti vachenjeri vaya vainge vamunzvenga, akashatirwa kwazvo, ndokubva arayira kuti vana vechikomana vose vaiva muBheterehema nomunzvimbo yakapoteredza vaiva namakore maviri zvichidzika vaurayiwe, maererano nenguva yaakanga audzwa naVachenjeri. Ipapo zvakarehwa kubudikidza nomuprofita Jeremia zvakazadziswa, zvinoti: “Inzwi rakanzwikwa muRama rokuchema nokuungudza kukuru, Rakeri achichema vana vake, uye achiramba kunyaradzwa nokuti havachipo.” Mushure mokufa kwaHerodhi, mutumwa waShe akazviratidza kuna Josefa muIjipiti mukurota akati, “Tora mwana namai vake mudzokere kunyika yeIsraeri nokuti vaya vaida kuuraya mwana vakafa.” Saka akasimuka akatora mwana namai vake akaenda kunyika yeIsraeri. Asi paakanzwa kuti Akerasi akanga otonga muJudhea panzvimbo yababa vake Herodhi, akatya kuendako. Akati ayambirwa mukurota, akabva aenda kudunhu reGarirea, uye akaenda akandogara muguta rainzi Nazareta. Izvi zvakabva zvazadzisa zvakarehwa kubudikidza navaprofita zvichinzi, “Achanzi muNazareta.”
Mateo 2:12-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakati vanyeverwa pakurota naMwari, kuti varege kudzokera kuna Herodhi, vakaenda kunyika yavo neimwe nzira. Vakati vaenda, tarira, mutumwa waIshe akaonekwa naJosefa pakurota, achiti, “Simuka, utore mwana namai vake, utizire Ijipiti, ugareko kusvikira ndichikuudza; nokuti Herodhi achatsvaka mwana kuti amuuraye.” Akasimuka, akatora mwana namai vake usiku, akaenda Ijipiti, akagarako kusvikira Herodhi afa, kuti zviitike zvakarehwa naIshe nomuromo womuporofita, achiti, “Ndakadana mwanakomana wangu abve Ijipiti.” Zvino Herodhi, akati aona kuti anyengerwa navachenjeri, akatsamwa kwazvo-kwazvo; akatuma vanhu kundouraya vana vakomana vose vaiva muBheterehemu munyika yose yakapoteredza, vaiva namakore maviri navaduku kwavari, iri nguva yaakanzwisisa kuvachenjeri. Zvikaitika zvakarehwa nomuporofita Jeremiya, achiti, “Izwi rakanzwika muRama, Rokuchema nokurira kukuru; Rakeri achichema vana vake, Asingadi kunyaradzwa, nokuti havachipo.” Herodhi akati afa, tarira, mutumwa waIshe akaonekwa naJosefa pakurota muIjipiti, akati, “Simuka, utore mwana namai vake, uende kunyika yaIsiraeri, nokuti vaitsvaka kuuraya mwana vakafa.” Akasimuka, ndokutora mwana namai vake, akasvika kunyika yaIsiraeri. Asi, akati achinzwa kuti Arikerao wava mambo panzvimbo yababa vake Herodhi, akatya kuendako; akanyeverwa mukurota, akaenda kumativi enyika yeGariria; akandogara muguta rinonzi Nazareta, kuti zvakarehwa navaporofita zviitike, kuti achanzi muNazareta.
Mateo 2:12-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakati vakayambirwa mukurota kuti vasadzokere nokuna Herodhi, vakadzokera kunyika kwavo neimwe nzira. Vazivi venyenyedzi vaya pavakaenda, hoyo mutumwa waTenzi akazviratidza kuna Josefi mukurota akati, “Simuka utore mwana naamai vake utizire kuIjipiti ugare ikoko kusvikira ndakutaurira nokuti Herodhi avakuda kutsvaka mwana kuti amuparadze.” Josefi akasimuka akatora mucheche naamai vake usiku, akaenda kuIjipiti. Akagarako kusvikira Herodhi afa. Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zvakanga zvamborehwa naTenzi nomuromo womuporofita zvokuti, “Ndakadaidza Mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.” Herodhi, paakaona kuti akanga abatiswa pasi navazivi vezvenyenyedzi vaya, akaviruka nehasha akatuma vanhu kundouraya vana vakomana vose muBheterehemu nomunharaunda iyoyo yose vakanga vana makore maviri kana makore ari pasi paiwayo maererano nenguva yaakanga ataurirwa navazivi venyenyedzi vaya. Zvakabva zvazadzisa zvakanga zvataurwa nomuporofita Jeremia zvokuti, “Izwi rakanzikwa muRama rokuchema nokuungudza kukuru, Rakeri achichema vana vake achiramba kunyaradzwa nokuti vakanga vasisipo.” Herodhi paakafa, hoyo mutumwa waTenzi akazvionesa kuna Josefi mukurota ari muIjipiti, achiti, “Chisimuka utore mwana naamai vake uende kunyika yeIsiraeri nokuti vaya vaida kuuraya mwana vakafa.” Josefi akasimuka akatora mwana naamai vake akaenda kunyika yeIsiraeri. Asi paakanzwa kuti Akerausi ndiye aitonga muJudhea panzvimbo pababa vake Herodhi, akatya kuendako. Paakayambirwa mukurota akabva aenda kuruwa rweGarirea. Akaenda akandogara muguta rinonzi Nazareti kuti zvakataurwa navaporofita zvizadziswe zvokuti, “Achanzi mugari weNazareti.”
Mateo 2:12-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakati ʋanyeʋerwa pakurota naMŋari, kuti ʋarege kudzokera kunaHerode, ʋakaenda kunyika yaʋo neimŋe nzira. Ʋakati ʋaenda, tarira, mutumŋa waShe wakaʋonekwa naJosefa pakurota, aciti: Simuka, utore mŋana namai ʋake, utizire Egipita, ugare’ko kuȿikira ndicikuʋudza; nokuti Herode ucatȿaka mŋana kuti amuʋuraye. Akasimuka, akatora mŋana namai ʋake ʋusiku, akaenda Egipita, akagara’ko kuȿikira Herode afa, kuti ɀiitike ɀakarebga naShe nomuromo womuprofita, aciti: Ndakaɗana mŋanakomana waŋgu abve Egipita. Ɀino Herode, wakati aʋona kuti wanyeŋgerwa naʋacenjeri, akatsamŋa kwaɀo‐kwaɀo; akatuma ʋanhu kundoʋuraya ʋana ʋaʋakomana ʋose ʋaiʋa muBetrehema napanyika yose yakapotereka, ʋaiʋa namakore maʋiri naʋaɗuku kwaʋari, iri ŋguʋa yaakanzwisisa kuʋacenjeri. Ɀikaitika ɀakarebga nomuprofita Jeremia, aciti: Inzwi rakanzwika muRama, Rokucema nokurira kukuru; Rakeri acicema ʋana ʋake, Asiŋgaɗi kunyaradzwa, nokuti haʋaci’po. Herode wakati afa, tarira, mutumŋa waShe akaʋonekwa naJosefa pakurota paEgipita, akati: Simuka, utore mŋana namai ʋake, uende kunyika yaʋaIsraeri, nokuti ʋaitȿaka kuʋuraya mŋana ʋafa. Akasimuka, ndokutora mŋana namai ʋake, akaȿika kunyika yaʋaIsraeri. Asi, wakati acinzwa kuti Arkerao waʋa mambo panɀimbo yaɓaɓa ʋake Herode, akatya kuenda’ko; akanyeʋerwa pakurota, akaenda kumatiʋi enyika yeGarirea; akandogara muguta rinonzi Nazareta, kuti ɀakarebga naʋaprofita ɀiitike, kuti ucanzi muNazareta.
Mateo 2:12-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)