Ʋakati ʋanyeʋerwa pakurota naMŋari, kuti ʋarege kudzokera kunaHerode, ʋakaenda kunyika yaʋo neimŋe nzira.
Ʋakati ʋaenda, tarira, mutumŋa waShe wakaʋonekwa naJosefa pakurota, aciti: Simuka, utore mŋana namai ʋake, utizire Egipita, ugare’ko kuȿikira ndicikuʋudza; nokuti Herode ucatȿaka mŋana kuti amuʋuraye. Akasimuka, akatora mŋana namai ʋake ʋusiku, akaenda Egipita, akagara’ko kuȿikira Herode afa, kuti ɀiitike ɀakarebga naShe nomuromo womuprofita, aciti: Ndakaɗana mŋanakomana waŋgu abve Egipita. Ɀino Herode, wakati aʋona kuti wanyeŋgerwa naʋacenjeri, akatsamŋa kwaɀo‐kwaɀo; akatuma ʋanhu kundoʋuraya ʋana ʋaʋakomana ʋose ʋaiʋa muBetrehema napanyika yose yakapotereka, ʋaiʋa namakore maʋiri naʋaɗuku kwaʋari, iri ŋguʋa yaakanzwisisa kuʋacenjeri. Ɀikaitika ɀakarebga nomuprofita Jeremia, aciti:
Inzwi rakanzwika muRama,
Rokucema nokurira kukuru;
Rakeri acicema ʋana ʋake,
Asiŋgaɗi kunyaradzwa, nokuti haʋaci’po.
Herode wakati afa, tarira, mutumŋa waShe akaʋonekwa naJosefa pakurota paEgipita, akati: Simuka, utore mŋana namai ʋake, uende kunyika yaʋaIsraeri, nokuti ʋaitȿaka kuʋuraya mŋana ʋafa. Akasimuka, ndokutora mŋana namai ʋake, akaȿika kunyika yaʋaIsraeri. Asi, wakati acinzwa kuti Arkerao waʋa mambo panɀimbo yaɓaɓa ʋake Herode, akatya kuenda’ko; akanyeʋerwa pakurota, akaenda kumatiʋi enyika yeGarirea; akandogara muguta rinonzi Nazareta, kuti ɀakarebga naʋaprofita ɀiitike, kuti ucanzi muNazareta.