“Munofungeiko? Kana munhu anamakwai ane zana, rimwe rawo rikarasika, haangasiyi makumi mapfumbamwe namapfumbamwe, akaenda kumakomo kundotsvaka yarasika here?
“Kana aiwana, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, anofarira kupfuura makumi mapfumbamwe namapfumbamwe dzisina kurasika. Nokudaro hakusi kuda kwaBaba venyu vari kudenga kuti mumwe wavaduku ava aparare.
“Kana hama yako yakutadzira, enda umuudze mhosva yake, iwe naiye muri moga; kana akakunzwa, wadzora hama yako. Asi kana asinganzwi, tora mumwe kana vaviri newe, kuti mashoko ose asimbiswe nemiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu. Kana asingavanzwi, uudze ungano; kana asinganzwiwo ungano, ngaave kwauri somuhedheni nomuFarisi. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunosunungura panyika, zvichasunungurwa kudenga. Ndinoti kwamurizve, kana vaviri venyu vakatenderana panyika pamusoro pechimwe chinhu chavanokumbira, vachachiitirwa naBaba vangu vari kudenga. Nokuti apo pakaungana vaviri kana vatatu muzita rangu, ndiripo pakati pavo.”
Zvino Petirosi akauya akati kwaari, “Ishe, hama yangu ichanditadzira kanganiko, ndakairegerera? Kusvikira kanomwe here?”
Jesu akati kwaari, “Handiti kwauri, kusvikira kanomwe; asi kusvikira makumi manomwe anoverengwa kanomwe. Saka ushe hwedenga hungafanana nomumwe mambo, akanga achida kugadzira mangava navaranda vake. Zvino akati achitanga kugadzira, mumwe akanga anechikwerete chamatarenda ane zviuru zvamazana zvine gumi akaiswa kwaari. Asi akati achishayiwa chaangaripa nacho, ishe wake akarayira kuti atengeswe, iye nomukadzi navana, nezvose zvaakanga anazvo, kuti chikwerete chigoripwa Zvino muranda akawira pasi, akakumbira, akati, ‘Ishe, ivai nomwoyo murefu neni, ndichazokuripirai zvose.’ Ishe womuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunungura, akamuregerera chikwerete.
“Asi muranda uyo akati achibuda, akawana mumwe muranda waishanda pamwechete naye, akanga ane chikwerete kwaari chamadhenari ane zana; akamubata, akamudzipa, akati, ‘Ripa chikwerete changu!’ Zvino muranda uyo aishanda pamwechete naye, akawira pasi, akakumbira zvikuru kwaari, akati, ‘Uve nomwoyo murefu neni, ndichazokuripira.’
“Asi iye akaramba, akaenda, akamuisa mutorongo, kusvikira achizoripa chikwerete. Zvino vamwe varanda vaishanda pamwechete naye vakati vachiona zvaitwa, vakafa neshungu kwazvo, vakaenda kundoudza ishe wavo zvose zvakaitwa. Zvino ishe wake akamudana, akati kwaari, ‘Iwe muranda wakaipa, ndakakuregerera chikwerete icho chose, nokuti iwe wakakumbira zvikuru kwandiri. Ko iwe hausi waifanira kunzwira tsitsi mumwe muranda unoshanda pamwechete newe, seni ndakakunzwira tsitsi here?’ Zvino ishe wake akatsamwa, akamuisa kuvarwadzi, kusvikira achizoripa chikwerete chake chose.”
Saizvozvo Baba vangu vari kudenga vachakuitiraiwo, kana asingaregerere mumwe nomumwe hama yake nomwoyo wose.