Mateo 18:12-35
Mateo 18:12-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Imi munofungei? Kana munhu ane makwai zana, rimwe chete rawo rikarasika, haangasiye makumi mapfumbamwe nepfumbamwe mumakomo achinotsvaka rakarasika here? Uye kana akariwana, ndinokuudzai chokwadi kuti anorifarira kukunda makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe asina kurasika. Nenzira imwe cheteyo Baba venyu vari kudenga havafariri kuti mumwe wavaduku ava arasike. “Kana hama yako yakutadzira enda umuudze mhosva yake, muri vaviri chete. Kana akakunzwa wadzora hama yako. Asi akaramba kuteerera, enda nomumwe kana vaviri kuitira kuti ‘nyaya imwe neimwe isimbiswe nezvapupu zviviri kana zvitatu.’ Kana akaramba kuteerera, uudze kereke, kana akaramba kuteerera kunyange kereke, umutore zvako somuhedheni kana muteresi. “Ndinokuudzai chokwadi kuti chose chamuchasunga pano pasi chichasungwa kudenga, nechamunosunungura pano pasi chichasunungurwa kudenga. “Ndinokuudzai zvakare kuti kana vaviri venyu mukabvumirana pane chamunokumbira kuna Baba vangu vari kudenga, muchachiitirwa. Nokuti panoungana vaviri kana vatatu muzita rangu, neni ndiripo pakati pavo.” Ipapo Petro akauya kuna Jesu akamubvunza achiti, “Ishe, kanganiko kandingaregerera hama yangu kana achinditadzira? Kanomwe here?” Jesu akapindura akati, “Kwete kanomwe chete, asi kakapetwa makumi manomwe ane nomwe. “Naizvozvo, umambo hwokudenga hwakafanana namambo aida kuripirwa zvikwereti zvake navaranda vake. Paakatanga kuzviongorora, murume ainge aine chikwereti chamatarenda zviuru gumi akauyiswa kwaari. Sezvo ainge asingakwanisi kuripa chikwereti ichi, tenzi wake akaronga kuti iye nomudzimai wake, navana vake nezvose zvaaiva nazvo zvitengeswe kuti zviripe chikwereti. “Muranda uya akazviwisira pamberi patenzi wake akamukumbira zvikuru achiti, ‘Ndiitireiwo mwoyo murefu, ndicharipa hangu zvose.’ Tenzi womuranda uya akamunzwira tsitsi, ndokubva adzima chikwereti chiya chose, uye akamuregedza achienda zvake. “Asi muranda uya paakabuda, akasangana nomumwewo muranda saiye ainge aine chikwereti chake chamadhenari zana. Akamubata ndokutanga kumudzipa. Akati, ‘Ndipe chikwereti changu!’ “Muranda uya saiyewo muranda akapfugama ndokumukumbira zvikuru achiti, ‘Ndiitirewo mwoyo murefu, ndichakupa chikwereti chako.’ “Asi akaramba. Pamusoro pezvo akamusungisa uye akaita kuti aiswe mutorongo kusvikira aripa chikwereti chose. Vamwe varanda vakati vaona zvakanga zvaitika, zvakavatambudza zvikuru ndokubva vanoudza tenzi wavo zvose zvakanga zvaitika. “Tenzi akadana muranda uya akati, ‘Iwe muranda akaipa. Ndakadzima chikwereti changu chawaiva nacho nokuti wakandikumbira zvikuru. Saka hawaifanira here kuva netsitsi kuno mumwe wako sezvandakakuitira iwe?’ Nehasha tenzi wake akamuisa kune vejeri kuti arangwe zvinorwadza kusvikira aripa chikwereti chose chaaiva nacho. “Izvi ndizvo zvichaitirwa mumwe nomumwe wenyu naBaba vangu vari kudenga kana musingaregereri hama yenyu nomwoyo wose.”
Mateo 18:12-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Munofungeiko? Kana munhu anamakwai ane zana, rimwe rawo rikarasika, haangasiyi makumi mapfumbamwe namapfumbamwe, akaenda kumakomo kundotsvaka yarasika here? “Kana aiwana, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, anofarira kupfuura makumi mapfumbamwe namapfumbamwe dzisina kurasika. Nokudaro hakusi kuda kwaBaba venyu vari kudenga kuti mumwe wavaduku ava aparare. “Kana hama yako yakutadzira, enda umuudze mhosva yake, iwe naiye muri moga; kana akakunzwa, wadzora hama yako. Asi kana asinganzwi, tora mumwe kana vaviri newe, kuti mashoko ose asimbiswe nemiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu. Kana asingavanzwi, uudze ungano; kana asinganzwiwo ungano, ngaave kwauri somuhedheni nomuFarisi. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunosunungura panyika, zvichasunungurwa kudenga. Ndinoti kwamurizve, kana vaviri venyu vakatenderana panyika pamusoro pechimwe chinhu chavanokumbira, vachachiitirwa naBaba vangu vari kudenga. Nokuti apo pakaungana vaviri kana vatatu muzita rangu, ndiripo pakati pavo.” Zvino Petirosi akauya akati kwaari, “Ishe, hama yangu ichanditadzira kanganiko, ndakairegerera? Kusvikira kanomwe here?” Jesu akati kwaari, “Handiti kwauri, kusvikira kanomwe; asi kusvikira makumi manomwe anoverengwa kanomwe. Saka ushe hwedenga hungafanana nomumwe mambo, akanga achida kugadzira mangava navaranda vake. Zvino akati achitanga kugadzira, mumwe akanga anechikwerete chamatarenda ane zviuru zvamazana zvine gumi akaiswa kwaari. Asi akati achishayiwa chaangaripa nacho, ishe wake akarayira kuti atengeswe, iye nomukadzi navana, nezvose zvaakanga anazvo, kuti chikwerete chigoripwa Zvino muranda akawira pasi, akakumbira, akati, ‘Ishe, ivai nomwoyo murefu neni, ndichazokuripirai zvose.’ Ishe womuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunungura, akamuregerera chikwerete. “Asi muranda uyo akati achibuda, akawana mumwe muranda waishanda pamwechete naye, akanga ane chikwerete kwaari chamadhenari ane zana; akamubata, akamudzipa, akati, ‘Ripa chikwerete changu!’ Zvino muranda uyo aishanda pamwechete naye, akawira pasi, akakumbira zvikuru kwaari, akati, ‘Uve nomwoyo murefu neni, ndichazokuripira.’ “Asi iye akaramba, akaenda, akamuisa mutorongo, kusvikira achizoripa chikwerete. Zvino vamwe varanda vaishanda pamwechete naye vakati vachiona zvaitwa, vakafa neshungu kwazvo, vakaenda kundoudza ishe wavo zvose zvakaitwa. Zvino ishe wake akamudana, akati kwaari, ‘Iwe muranda wakaipa, ndakakuregerera chikwerete icho chose, nokuti iwe wakakumbira zvikuru kwandiri. Ko iwe hausi waifanira kunzwira tsitsi mumwe muranda unoshanda pamwechete newe, seni ndakakunzwira tsitsi here?’ Zvino ishe wake akatsamwa, akamuisa kuvarwadzi, kusvikira achizoripa chikwerete chake chose.” Saizvozvo Baba vangu vari kudenga vachakuitiraiwo, kana asingaregerere mumwe nomumwe hama yake nomwoyo wose.
Mateo 18:12-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Munofungei, ngatitii munhu ane zana rehwai. Imwe yadzo ikarasika, haasii here dzimwe makumi mapfumbamwe ane pfumbamwe dziri mumakomo achienda kundotsvaka iya yakarasika? Kana akaiwana, zvechokwadi ndinokutaurirai kuti anoifarira kupinda makumi mapfumbamwe ane pfumbamwe dzisina kumborasika. Saizvozvo Baba vangu vari kudenga havadi kuti mumwe wavadiki ava arasike. “Kana hama yako ikakutadzira, enda undotaurirana naye mhosva yake muri moga. Akakuteerera, watodzora hama yako. Asi akaramba kukuteerera, enda kwaari nomumwe kana vaviri kuti zvose zvamunotaura zvitsigirwe noumbowo hwezvapupu zviviri kana zvitatu. Kana akaramba kuvateerera, pira nyaya iyoyo kusangano. Kana akaramba kuteerera kunyange sangano, mutorei somuhedheni nomuteresi. “Zvechokwadi ndinoti kwamuri, chose chamuchasunga pasi pano chichasungwawo kudenga. Uye chose chamuchasunungura pasi pano nokudenga chichasunungurwawo. Chimwezve chandinokutaurira, ndechokuti, kana vaviri venyu panyika pano vakawirirana kukumbira chimwe chinhu vachachiitirwa naBaba vangu vari kudenga. Nokuti panenge paungana vaviri kana vatatu muzita rangu, ini ndiri pakati pavo.” Pita akauya akati kuna Jesu, “Tenzi hama yangu ingandikanganisire kangani ndichiiregerera; tingati kanomwe here?” Jesu akati kwaari, “Handikuti kanomwe asi makumi manomwe akapetwa kanomwe.” Saizvozvo umambo hwedenga hungafananidzwe namambo akanga achida kupedzerana navaranda vake vaiva nezvikwereti naye. Paakatangisa kutaura nezvezvikwereti izvozvo, pakauiswa mumwe kwaari akanga aine chikwereti naye chegumi rezviuru zvemari yamatarenda. Nokuda kokuti akanga asingakwanisi kubhadhara, tenzi wake akati ngaatengeswe pamwechete nomudzimai wake navana nezvose zvaaiva nazvo kuti chikwereti chiripwe. Nezvo muranda uya akagwadama pasi achimuteterera achiti, “Tenzi ndiitireiwo mwoyo murefu. Ndichakudzorerai zvose zvazvo.” Tenzi womuranda uyu akamunzwira tsitsi ndokubva amuti aende zvake ndokumuregerera chikwereti chake chiya. Asi muranda mumwecheteyo paakanga avakubuda, akasangana nomumwe mushandi pamwe naye, akanga ane chikwereti kwaari chezana remari yamadhenari. Akabva amuti dzvi pahuro, achiti, “Ndibhadhare chikwereti changu.” Mumwe muranda uya mumwe wake akati pasi gwadagwa achimuteterera achiti, “Ingondiitirawo mwoyo murefu ndinokudzorera.” Asi iye akaramba ndokuenda ondomuisa mujeri kusvikira abhadhara chikwereti. Vamwe vake, varandawo pamwe naye, pavakaona zvakanga zvaitika, zvakavatsamwisa kwazvo. Vakaenda vakandotaurira tenzi wavo zvose zvakanga zvaitika. Ipapo tenzi wake akamudaidza, akati kwaari, “Iwe muranda wakaipa, ndakakuregerera chikwereti chose chiya nokuti wakanditeterera. Wanga usingafaniriwo here kunzwira urombo muranda pamwe newe sokukunzwira tsitsi kwandakakuitira?” Tenzi wake akashatirwa akamuendesa kuvarangi mujeri, “Kusvikira abhadhara chikwereti chake chose. Ndizvo zvichaitawo Baba vangu vari kudenga kuno mumwe nomumwe wenyu kana musingaregererani nemwoyo wose.”
Mateo 18:12-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munofuŋgeiko? Kana munhu anamakwai anezana, rimŋe rawo rikatsauka, haaŋgasiyi makumi mapfumbamŋe namapfumbamŋe, akaenda kumakomo kundotȿaka rakatsauka here? Kana ariwana, ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, unorifarira kupfuʋura makumi mapfumbamŋe namapfumbamŋe asakatsauka. Nokuɗaro hakuzi kuɗa kwaƂaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga, kuti mumŋe waʋaɗuku aʋa afe. Kana hama yako yakutadzira, enda umuʋudze mhoȿa yake, iwe naiye muri moga; kana akakunzwa, wadzora hama yako. Asi kana asiŋganzwi, tora mumŋe kana ʋaʋiri newe, kuti mashoko ose asimbiswe nemiromo yeɀapupu ɀiʋiri kana ɀitatu. Kana asiŋgaʋanzwi, uʋudze ʋuŋgano; kana asiŋganzwi ʋo ʋuŋgano, ŋgaaʋe kwauri somuheɗeni nomuFarise. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ɀose ɀamunosuŋga panyika, ɀicasuŋgwa kuɗeŋga; neɀose ɀamunosunuŋgura panyika, ɀicasunuŋgurwa kuɗeŋga. Ndinoti kwamuri ɀe: Kana ʋaʋiri ʋenyu ʋakatenderana panyika pamsoro pecimŋe cinhu caʋanokumbira, ʋacaciitirwa naƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga. Nokuti apo pakaʋuŋgana ʋaʋiri kana ʋatatu muzita raŋgu, ndiri’po pakati paʋo. Ɀino Petro wakaʋuya akati kwaari: Ishe, hama yaŋgu icanditadzira kaŋganiko, ndikaikaŋganwira? Kuȿikira kanomŋe here? Jesu akati kwaari: Handiti kwauri, kuȿikira kanomŋe; asi kuȿikira makumi manomŋe anoʋereŋgwa kanomŋe. Saka ʋushe bgokuɗeŋga bguŋgafananidzwa nomumŋe mambo, wakaŋga aciɗa kugadzira maŋgaʋa naʋaranda ʋake. Ɀino wakati acitaŋga kugadzira, mumŋe wakaŋga anecikwerete camatarenta aneɀuru ɀamazana ɀinegumi akaiswa kwaari. Asi wakati acishaiwa caaŋgaripa naco, ishe wake akaraira kuti ateŋgeswe, iye nomukadzi naʋana, neɀose ɀaakaŋga anaɀo, kuti cikwerete ciripxe. Ɀino muranda akawira pasi, akamunamata, akati: Ishe, iʋai nomŋoyo murefu neni, ndicazokuripirai ɀose. Ishe womuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunuŋgura, akamukaŋganwira cikwerete. Asi muranda uyo wakati aciɓuɗa, akawana mumŋe muranda waiɓata pamŋe cete naye, wakaŋga anecikwerete kwaari camadenari anezana; akamuɓata, akamudzipa, akati: Ripa cikwerete cako! Ɀino muranda uyo waiɓata pamŋe cete naye, akawira pasi, akakumbira ɀikuru kwaari, akati: Uʋe nomŋoyo murefu neni, ndicazokuripira. Asi iye wakaramba, akaenda, akamuisa mutoroŋgo, kuȿikira acizoripa cikwerete. Ɀino ʋamŋe ʋaranda ʋaiɓata pamŋe cete naye ʋakati ʋaciʋona ɀaitwa, ʋakafa neshuŋgu kwaɀo, ʋakaenda kundoʋudza ishe waʋo ɀose ɀakaitwa. Ɀino ishe wake akamuɗana, akati kwaari: Iwe muranda wakaipa, ndakakukaŋganwira cikwerete ico cose, nokuti iwe wakakumbira ɀikuru kwandiri. Ko iwe hauzaifanira kunzwira tsitsi mumŋe muranda unoɓata pamŋe cete newe, seni ndakakunzwira tsitsi here? Ɀino ishe wake akatsamŋa, akamuisa kuʋarwadzi, kuȿikira acizoripa cikwerete cake cose. Saiɀoɀo Ƃaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga ʋacakuitirai ʋo, kana musiŋgakaŋganwiriyi mumŋe nomumŋe hama yake nomŋoyo wenyu wose.
Mateo 18:12-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)