Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 18:1-14

Mateu 18:1-14 SNA2002

Nenguva iyo vadzidzi vakauya kuna Jesu, vakati, “Ndianiko mukuru muushe hwedenga?” Akadanira kwaari mwana muduku, akamuisa pakati pavo, akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kana musingasanduki, mukava savana vaduku, hamungatongopindi muushe hwedenga. Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu muduku, ndiye mukuru muushe hwedenga. Ani naani anogamuchira mwana muduku mumwe wakadai nezita rangu, anogamuchira ini. “Asi ani naani anogumbusa mumwe wavaduku ava, vanotenda kwandiri, zviri nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe mumutsipa wake, anyudzwe mugungwa rakadzika. “Nyika ine nhamo nemhaka yezvigumbuso! Nokuti zvigumbuso zvinofanira kuuya hazvo; asi anenhamo munhu uyo anogumbusa vamwe. “Kana ruoko rwako kana rutsoka ruchikugumbusa, urugure, ururasire kure newe; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema, kana uchikamhina, pakukandwa mumoto usingagumi, unamaoko maviri kana tsoka mbiri. Kana ziso rako richikugumbusa, uribvise, urirasire kure newe. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu, uneziso rimwe, pakukandwa muGehena romoto, unameso maviri. “Chenjerai kuti murege kuzvidza mumwe wavaduku ava; nokuti ndinoti kwamuri, kudenga vatumwa vavo vanosiona misi yose chiso chaBaba vangu vari kudenga. [ Nokuti Mwanakomana womunhu akauya kuzoponesa charasika.] “Munofungeiko? Kana munhu anamakwai ane zana, rimwe rawo rikarasika, haangasiyi makumi mapfumbamwe namapfumbamwe, akaenda kumakomo kundotsvaka yarasika here? “Kana aiwana, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, anofarira kupfuura makumi mapfumbamwe namapfumbamwe dzisina kurasika. Nokudaro hakusi kuda kwaBaba venyu vari kudenga kuti mumwe wavaduku ava aparare.

Verenga chikamu Mateu 18