Mateo 18:1-14
Mateo 18:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Panguva iyoyo vadzidzi vakauya kuna Jesu uye vakamubvunza vachiti, “Ndianiko mukuru pane vose muumambo hwokudenga?” Akadana mwana muduku ndokumumisa pakati pavo. Uye akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musina kushanduka mukava savana vaduku, hamungatongopindi muumambo hwokudenga. Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu ndiye achava mukuru muumambo hwokudenga. “Uye ani naani anogamuchira mwana muduku souyu muzita rangu anogamuchira ini. Asi ani naani anoita kuti mumwe wavaduku vanotenda kwandiri atadze, zvaiva nani kwaari kuti asungirirwe guyo guru muhuro make agonyudzwa mugungwa makadzika. “Ine nhamo nyika nokuda kwezvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze! Zvinhu izvozvo zvinofanira kuuya asi ane nhamo munhu anoita kuti zviitike. Kana ruoko rwako kana kuti rutsoka rwako zvichikuita kuti utadze, zvidimure uzvirasire kure. Zviri nani kupinda muupenyu wakaremara kana kuti uchikamhina, pano kupinda mumoto usingadzimi uine maoko maviri namakumbo maviri. Kana ziso rako richikuita kuti utadze ribvise urirasire kure. Zviri nani kuti upinde muupenyu uine ziso rimwe chete pane kunge uine maziso maviri asi ugokandwa mumoto wegehena. “Onai kuti hamuzvidze mumwe wavaduku ava. Ndinokuudzai kuti vatumwa vavo kudenga vanogaroona chiso chaBaba vangu vari kudenga. Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzoponesa chakarasika. “Imi munofungei? Kana munhu ane makwai zana, rimwe chete rawo rikarasika, haangasiye makumi mapfumbamwe nepfumbamwe mumakomo achinotsvaka rakarasika here? Uye kana akariwana, ndinokuudzai chokwadi kuti anorifarira kukunda makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe asina kurasika. Nenzira imwe cheteyo Baba venyu vari kudenga havafariri kuti mumwe wavaduku ava arasike.
Mateo 18:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nenguva iyo vadzidzi vakauya kuna Jesu, vakati, “Ndianiko mukuru muushe hwedenga?” Akadanira kwaari mwana muduku, akamuisa pakati pavo, akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kana musingasanduki, mukava savana vaduku, hamungatongopindi muushe hwedenga. Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu muduku, ndiye mukuru muushe hwedenga. Ani naani anogamuchira mwana muduku mumwe wakadai nezita rangu, anogamuchira ini. “Asi ani naani anogumbusa mumwe wavaduku ava, vanotenda kwandiri, zviri nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe mumutsipa wake, anyudzwe mugungwa rakadzika. “Nyika ine nhamo nemhaka yezvigumbuso! Nokuti zvigumbuso zvinofanira kuuya hazvo; asi anenhamo munhu uyo anogumbusa vamwe. “Kana ruoko rwako kana rutsoka ruchikugumbusa, urugure, ururasire kure newe; zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema, kana uchikamhina, pakukandwa mumoto usingagumi, unamaoko maviri kana tsoka mbiri. Kana ziso rako richikugumbusa, uribvise, urirasire kure newe. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu, uneziso rimwe, pakukandwa muGehena romoto, unameso maviri. “Chenjerai kuti murege kuzvidza mumwe wavaduku ava; nokuti ndinoti kwamuri, kudenga vatumwa vavo vanosiona misi yose chiso chaBaba vangu vari kudenga. [ Nokuti Mwanakomana womunhu akauya kuzoponesa charasika.] “Munofungeiko? Kana munhu anamakwai ane zana, rimwe rawo rikarasika, haangasiyi makumi mapfumbamwe namapfumbamwe, akaenda kumakomo kundotsvaka yarasika here? “Kana aiwana, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, anofarira kupfuura makumi mapfumbamwe namapfumbamwe dzisina kurasika. Nokudaro hakusi kuda kwaBaba venyu vari kudenga kuti mumwe wavaduku ava aparare.
Mateo 18:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Neŋguʋa iyo ʋadzidzi ʋakaʋuya kunaJesu, ʋakati: Ndianiko mukuru paʋushe bgokudeŋga? Akaɗanira kwaari mŋana muɗuku, akamuisa pakati paʋo, akati: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Kana musiŋgashanduki, mukaʋa saʋana ʋaɗuku, hamuŋgatoŋgopindi muʋushe bgokuɗeŋga. Naiɀoɀo aninani unoɀininipisa somŋana uyu muɗuku, ndiye mukuru muʋushe bgokuɗeŋga. Aninani unogamucira mŋana muɗuku mumŋe wakaɗai nezita raŋgu, unondigamucira ini. Asi aninani unogumbusa mumŋe waʋaɗuku aʋa, ʋanotenda kwandiri, ɀirinani kwaari kuti guyo guru risuŋgirirwe pamutsipa wake, anyudzwe muguŋgwa rakadzika. Nyika inenhamo nemhaka yeɀigumbuso! Nokuti ɀigumbuso ɀinofanira kuʋuya haɀo; asi unenhamo munhu uyo unogumbusa ʋamŋe. Kana ruʋoko rwako kana rutsoka rucikugumbusa, urugure, ururashire kure newe; ɀirinani kwauri kuti upinde muʋupenyu uri cirema, kana ucikamhina, pakukandirwa mumŋoto usiŋgagumi, unamaʋoko maʋiri kana tsoka mbiri. Kana ziso rako ricikugumbusa, uribvise, urirashire kure newe. Ɀirinani kwauri kuti upinde muʋupenyu, uneziso rimŋe, pakukandirwa muGehena romŋoto, unameso maʋiri. Cenjerai kuti murege kuɀidza mumŋe waʋaɗuku aʋa; nokuti ndinoti kwamuri, kuɗeŋga ʋatumŋa ʋaʋo ʋanosiʋona misi yose ciso caƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga. [Nokuti Mŋanakomana womunhu wakaʋuya kuzoponesa cakarashika.] Munofuŋgeiko? Kana munhu anamakwai anezana, rimŋe rawo rikatsauka, haaŋgasiyi makumi mapfumbamŋe namapfumbamŋe, akaenda kumakomo kundotȿaka rakatsauka here? Kana ariwana, ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, unorifarira kupfuʋura makumi mapfumbamŋe namapfumbamŋe asakatsauka. Nokuɗaro hakuzi kuɗa kwaƂaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga, kuti mumŋe waʋaɗuku aʋa afe.