Vakati vasvika kuvanhu vazhinji, mumwe munhu akauya kwaari, akamupfugamira, akati, “Ishe, donzwirai mwanakomana wangu ngoni, nokuti ane tsviyo, anotambudzika kwazvo. Nokuti kazhinji anowira mumoto, kazhinji mumvura. Ndakauya naye kuvadzidzi venyu, vakasagona kumuporesa.” Jesu akapindura, akati, “Haiwa! Rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvikira riniko? Uyai naye pano kwandiri.” Zvino Jesu akamuraira, mweya wakaipa ukabuda kwaari, mukomana akapora kubva panguva iyo.
Zvino vadzidzi vakauya kuna Jesu vari voga, vakati, “Ko isu takanga tisingagoni neiko kuubudisa?”
Akati kwavari, “Nemhaka yokutenda kwenyu kuduku, nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kana muno kutenda kwakaita setsanga yemasitadhi, mungati kugomo iri, ‘Ibva pano, enda koko!’ Ringaenda hakuna chinhu chingakukundai.” [ Asi rudzi urwu runongobva chete nokunyengetera, nokuzvinyima zvokudya.]
Zvino vachafamba muGariria, Jesu akati kwavari, “Mwanakomana womunhu achabva oiswa mumaoko avanhu; vachamuuraya, asi nezuva retatu achamutswazve.” Vakafa neshungu kwazvo.