Mateo 17:14-23
Mateo 17:14-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakati vasvika kuvanhu vazhinji, mumwe murume akauya akasvikopfugama pamberi paJesu akati, “Ishe, donzwiraiwo mwanakomana wangu tsitsi. Ane zvipusha uye ari kutambudzika kwazvo. Kazhinji zvinomuwisira mumoto kana mumvura. Ndauya naye kuvadzidzi venyu asi havana kugona kumuporesa.” Jesu akapindura akati, “Haiwa, imi rudzi rusingatendi uye rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira rinhiko? Uyai nomukomana uyu kwandiri.” Jesu akatuka dhimoni rikabva rabuda mumukomana uya achibva apora kubva panguva iyoyo. Ipapo vadzidzi vakauya kuna Jesu vari voga vakamubvunza vachiti, “Ko, takundikana sei kuridzinga?” Akavapindura achiti, “Nokuda kwokuti mune kutenda kudiki. Ndinokuudzai chokwadi kuti dai maiva nokutenda kudiki hako semhodzi yemasitadhi maigona kuti kugomo iri, ‘Ibva apa uende uko,’ zvichiitika. Hapana chamunozokundikana kuita. Asi rudzi urwu rwomweya runongobviswa chete nokunyengetera nokutsanya.” Vakati vaungana muGarirea Jesu akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu achaiswa mumaoko avanhu. Vachamuuraya asi pazuva retatu achamutswa.” Uye vadzidzi vakasuwa kwazvo.

Mateo 17:14-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakati vasvika kuvanhu vazhinji, mumwe munhu akauya kwaari, akamupfugamira, akati, “Ishe, donzwirai mwanakomana wangu ngoni, nokuti ane tsviyo, anotambudzika kwazvo. Nokuti kazhinji anowira mumoto, kazhinji mumvura. Ndakauya naye kuvadzidzi venyu, vakasagona kumuporesa.” Jesu akapindura, akati, “Haiwa! Rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvikira riniko? Uyai naye pano kwandiri.” Zvino Jesu akamuraira, mweya wakaipa ukabuda kwaari, mukomana akapora kubva panguva iyo. Zvino vadzidzi vakauya kuna Jesu vari voga, vakati, “Ko isu takanga tisingagoni neiko kuubudisa?” Akati kwavari, “Nemhaka yokutenda kwenyu kuduku, nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kana muno kutenda kwakaita setsanga yemasitadhi, mungati kugomo iri, ‘Ibva pano, enda koko!’ Ringaenda hakuna chinhu chingakukundai.” [ Asi rudzi urwu runongobva chete nokunyengetera, nokuzvinyima zvokudya.] Zvino vachafamba muGariria, Jesu akati kwavari, “Mwanakomana womunhu achabva oiswa mumaoko avanhu; vachamuuraya, asi nezuva retatu achamutswazve.” Vakafa neshungu kwazvo.
Mateo 17:14-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakati ʋaȿika kuʋanhu ʋazhinji, mumŋe munhu akaʋuya kwaari, akamufugamira, akati: Ishe, ɗonzwirai mŋanakomana waŋgu ŋgoni, nokuti uneɀipusha, unotambudzika kwaɀo. Nokuti kazhinji unowira mumŋoto, kazhinji mumvura. Ndakaʋuya naye kuʋadzidzi ʋenyu, ʋakasagona kumuporesa. Jesu akapindura, akati: Haiwa! rudzi rusiŋgatendi, rwakatsauka, ndicagara nemi kuȿikira riniko? Ndicakuitirai mŋoyo murefu kuȿikira riniko? Ʋuyai naye pano kwandiri. Ɀino Jesu akamuraira, mŋeya wakaipa ukaɓuɗa kwaari, mukomana akapora kubva paŋguʋa iyo. Ɀino ʋadzidzi ʋakaʋuya kunaJesu ʋari ʋoga, ʋakati: Ko isu takaŋga tisiŋgagoni neiko kuuɓuɗisa? Akati kwaʋari: Nemhaka yokutenda kwenyu kuɗuku, nokuti ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Kana munokutenda kwakaita setsaŋga yemastarda, muŋgati kugomo iri: Ibva pano, enda koko! riŋgaenda; hakunecinhu ciŋgakukundai. [Asi rudzi urwu runoŋgobva cete nokunyeŋgetera, nokuɀinyima ɀokudya.] Ɀino ʋacafamba muGarirea, Jesu akatikwaʋari: Mŋanakomana womunhu ucabva woiswa mumaʋoko aʋanhu; ʋacamuʋuraya, asi nezuʋa retatu ucamutswa ɀe. Ʋakafa neshuŋgu kwaɀo.