Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 17:1-13

Mateu 17:1-13 SNA2002

Mazuva matanhatu akati apfuura, Jesu akatora Petirosi, naJakobho, naJohani munun'una wake, akaenda navo mugomo refu vari voga. Akasanduka pamberi pavo; chiso chake chikapenya sezuva, nguo dzake dzikachena sechiedza. Pakarepo Mosesi naEria vakaonekwa navo, vachitaurirana naye. Zvino Petirosi akapindura, akati kuna Jesu, “Ishe, zvakanaka zvatiri pano; kana muchida, ndichavaka matumba matatu pano, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria.” Akati achataura navo, tarira, gore rinobwinya rikavafukidza; izwi rikabva mugore, richiti, “Uyu Mwanakomana wangu mudiwa, wandinofarira, mumunzwei.” Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakawira pasi nezviso zvavo, vakatya zvikuru. Jesu akaswedera, akavabata, akati, “Simukai, musatya.” Vakati vachitarira, havana kuzoona munhu, asi Jesu bedzi. Zvino vakati vachiburuka mugomo, Jesu akavaraira, akati, “Musaudza munhu zvamaratidzwa, kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvakafa.” Vadzidzi vakamubvunza, vachiti, “Vanyori vanotaurireiko, vachiti, Eria anofanira kutanga kuuya?” Akapindura, akati, “Eria achauya hake, avandudze zvinhu zvose.” Asi ndinoti kwamuri, “Eria akatosvika, asi havana kumuziva; asi vakamuitira pavakada napo. Saizvozvowo Mwanakomana womunhu achabva otambudzwa navo.” Zvino vadzidzi vakanzwisisa kuti akavaudza zvaJohani Mubhabhatidzi.

Verenga chikamu Mateu 17