Mateo 17:1-13
Mateo 17:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mushure memazuva matanhatu Jesu akatora Petro naJakobho naJohani mununʼuna waJakobho akakwira navo mugomo refu vari voga. Ipapo akashanduka pamberi pavo. Chiso chake chakapenya sezuva uye nguo dzake dzikachena sechiedza. Pakarepo Mozisi naEria vakangoerekana voonekwa vamire vachitaura naJesu. Petro akati kuna Jesu, “Ishe zvakatinakira kuva pano. Kana muchida ndingavaka matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi nerimwe raEria.” Achiri kutaura kudaro, gore raipenya rakabva ravakwidibira, uye inzwi rikabuda mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinodisa, anondifadza. Munzwei!” Vadzidzi vakati vanzwa izvi, vakawira pasi nezviso zvavo vachitya kwazvo. Asi Jesu akauya akavabata. Akati, “Mukai. Musatya.” Pavakasimudza misoro vachitarisa vakazongoona Jesu ava oga. Pavakanga vava kuburuka kubva mugomo, Jesu akavarayira achiti, “Musamboudza ani zvake zvamaona izvi kusvikira Mwanakomana woMunhu amutswa kubva kuvakafa.” Vadzidzi vakamubvunza vakati, “Ko, sei vadzidzisi vemirayiro vachiti Eria anofanira kutanga kuuya?” Jesu akapindura akati, “Ichokwadi kuti Eria achauya agovandudza zvinhu zvose. Asi ndinokuudzai kuti Eria akatouya kare asi havana kumuziva, uye vakaita kwaari zvavaida. Saizvozvo Mwanakomana woMunhu achatambudzwa pamaoko avo.” Ipapo vadzidzi vakanzwisisa kuti aitaura kwavari nezvaJohani Mubhabhatidzi.
Mateo 17:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mazuva matanhatu akati apfuura, Jesu akatora Petirosi, naJakobho, naJohani munun'una wake, akaenda navo mugomo refu vari voga. Akasanduka pamberi pavo; chiso chake chikapenya sezuva, nguo dzake dzikachena sechiedza. Pakarepo Mosesi naEria vakaonekwa navo, vachitaurirana naye. Zvino Petirosi akapindura, akati kuna Jesu, “Ishe, zvakanaka zvatiri pano; kana muchida, ndichavaka matumba matatu pano, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria.” Akati achataura navo, tarira, gore rinobwinya rikavafukidza; izwi rikabva mugore, richiti, “Uyu Mwanakomana wangu mudiwa, wandinofarira, mumunzwei.” Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakawira pasi nezviso zvavo, vakatya zvikuru. Jesu akaswedera, akavabata, akati, “Simukai, musatya.” Vakati vachitarira, havana kuzoona munhu, asi Jesu bedzi. Zvino vakati vachiburuka mugomo, Jesu akavaraira, akati, “Musaudza munhu zvamaratidzwa, kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvakafa.” Vadzidzi vakamubvunza, vachiti, “Vanyori vanotaurireiko, vachiti, Eria anofanira kutanga kuuya?” Akapindura, akati, “Eria achauya hake, avandudze zvinhu zvose.” Asi ndinoti kwamuri, “Eria akatosvika, asi havana kumuziva; asi vakamuitira pavakada napo. Saizvozvowo Mwanakomana womunhu achabva otambudzwa navo.” Zvino vadzidzi vakanzwisisa kuti akavaudza zvaJohani Mubhabhatidzi.
Mateo 17:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure memazuva matanhatu, Jesu akatora Pita naJemusi naJohani munun'una wake akavatungamirira mugomo refu vari pachavo. Iye akasandurwa pamberi pavo. Uso hwake hwakapenya sezuva. Hanzu dzake dzakati mbuu kuchena sechiedza. Ndokubva Mosesi naEriya vaonekwa vachitaura naJesu. Pita akati kuna Jesu, “I–i, Tenzi, hakusi kunaka kwazvakaita ikoko kuti tive pano! Kana muchida zvenyu regai ndivake misasa mitatu pano. Mumwe wenyu mumwe waMosesi nomumwe waEriya.” Achiri kutaura kudaro, hero gore rinopenya rakavafukidza; izwi rakabva mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wapamwoyo wandinofadzwa naye, zvikuru, munzwei.” Vadzidzi pavakanzwa izvi vakati kota kota pasi nouso vabatwa nokutya kukuru. Asi Jesu akauya akavabata achiti, “Simukai musatye.” Pavakazosimudza uso havana wavakaona kunze kwaJesu oga. Pavakanga vachiburuka mugomo, Jesu akavatsindidza kuti vasataurire munhu nezvechiratidzo ichocho, kusvikira Mwanakomana womunhu amutswa kuvakafa. Vadzidzi vakamubvunza kuti, “Ko pamusana pei nyanzvi dzomutemo dzichiti Eriya anofanira kutanga auya?” Iye akati, “Hongu Eriya anofanira kuuya, achizodzorera zvinhu zvose pakare. Asi ndinokutaurirai kuti Eriya akatouya nechekare; asi havana kumuziva. Vakaita paari madiro avo. Saizvozvowo Mwanakomana womunhu achatambudzika ari mumaoko avo.” Vadzidzi vakabva vanzwisisa kuti aireva Johani Muombeki.
Mateo 17:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mazuʋa matanhatu akati apfuʋura, Jesu akatora Petro, naJakobo, naJohane munuŋuna wake, akaenda naʋo mugomo refu ʋari ʋoga. Akashanduka pamberi paʋo; ciso cake cikapenya sezuʋa, ŋguʋo dzake dzikacena seciedza. Pakarepo Mosesi naEria ʋakaʋonekwa naʋo, ʋacitaurirana naye. Ɀino Petro akapindura, akati kunaJesu: Ishe, ɀakanaka ɀatiri pano; kana muciɗa, ndicaʋaka matumba matatu pano, rimŋe renyu, rimŋe raMosesi, rimŋe raEria. Wakati acataura naʋo, tarira, gore rinobginya rikaʋafukidza; inzwi rikabʋa mugore, riciti: Uyu Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, wandinofarira, mumunzwei. Ʋadzidzi ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo, ʋakatya ɀikuru. Jesu akasweɗera, akaʋaɓata, akati: Simukai, musatya. Ʋakati ʋacitarira, haʋana‐kuzoʋona munhu, asi Jesu ɓedzi. Ɀino ʋakati ʋaciɓuruka mugomo, Jesu akaʋaraira, akati: Musaʋudza munhu ɀamaratidzwa, kuȿikira Mŋanakomana womunhu amuka kuʋakafa. Ʋadzidzi ʋakamubvunza, ʋaciti: Ʋanyori ʋanotaurireiko, ʋaciti, Eria unofanira kutaŋga kuʋuya? Akapindura, akati: Eria ucaʋuya hake, aʋandudze ɀinhu ɀose. Asi ndinoti kwamuri: Eria wakatoȿika, asi haʋana‐kumuziʋa; asi ʋakamuitira paʋakaɗa napo. Saiɀoɀo ʋo Mŋanakomana womunhu ucabva wotambudzwa naʋo. Ɀino ʋadzidzi ʋakanzwisisa kuti wakaʋaʋudza ɀaJohane Mubapatidzi.
Mateo 17:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)