Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 16:21-25

Mateu 16:21-25 SNA2002

Kubva panguva iyo Jesu akatanga kuzivisa vadzidzi vake, kuti anofanira kuenda Jerusaremu, kundotambudzwa zvizhinji navakuru navapristi vakuru navanyori, nokuurawa, nokumutswazve nezuva retatu. Petirosi akaenda naye vari voga, akatanga kumuraira, akati, “Mwari ngaakunzwirei ngoni, Ishe! Hamungaitirwi izvozvo.” Asi wakatendeuka, akati kuna Petirosi, “Ndibvirepo Satani! Uri chigumburiso kwandiri, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.” Zvino Jesu akati kuvadzidzi vake, “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere. Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu, achahuwana.

Verenga chikamu Mateu 16