Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 15:29-39

Mateu 15:29-39 SNA2002

Jesu akati achibva ipapo, akaenda achitevedza gungwa reGariria, akakwira mugomo, akagarapo pasi. Zvino vanhu vazhinji vakauya kwaari navanokamhina, nezvirema, namapofu, nembeveve, navamwe vazhinji, vakavaisa pamberi paJesu; akavaporesa. Naizvozvo vanhu vazhinji vakashamiswa vachiona mbeveve dzichitaura, nezvirema zvapora, navanokamhina vachifamba, namapofu achiona; vakarumbidza Mwari wavaIsiraeri. Zvino Jesu akadanira vadzidzi vake kwaari, akati, “Ndine tsitsi navanhu vazhinji ava, nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya; handidi kuvaendesa vane nzara, zvimwe vangaziya panzira.” Vadzidzi vakati kwaari, “Tichawanepiko murenje zvingwa zvakawanda zvakadaro, kuti tigutise vanhu vazhinji vakadai?” Jesu akati kwavari, “Mune zvingwa zvinganiko?” Vakati, “Zvinomwe, nehove duku shomanana.” Zvino akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi; akatora zvingwa zvinomwe nehove, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, vadzidzi vakapa vanhu vazhinji. Vakadya vose, vakaguta; vakanonga zvimedu zvakasara, vakawana matengu manomwe azere. Vakadya vakanga vari varume vane zviuru zvina, vakadzi navana vasingaverengwi. Zvino akati aendesa vanhu vazhinji, akapinda muigwa, akasvika munyika yeMagadhani.

Verenga chikamu Mateu 15