Mateo 15:29-39
Mateo 15:29-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Jesu akabva ikoko akazopfuura achitevedza gungwa reGarirea. Akakwira muchikomo ndokugara pasi imomo. Zvita zvavanhu zvakawanda zvakauya kwaari. Vakaungana kwaari nemhetamakumbo navakaremara namapofu nembeveve navamwe vakadaro. Vakavaisa patsoka dzake. Iye akavaporesa zvokuti gurusvusvu riya ravanhu rakashamiswa, pavakaona mbeveve dzichitaura, zvirema zvaita zvakanaka nemhetamakumbo dzavakufamba namapofu avakuona. Vakarumbidza Mwari wavaIsiraeri. Jesu akadaidza vadzidzi vake akati, “Ndine urombo kwazvo negungano ravanhu iri nokuti vanga vaneni kwamazuva matatu aya zvino havachisina chokudya. Handide kuvaendesa nenzara vangadaro vakaziya panzira.” Vadzidzi vakamubvunza kuti, “Tingawane kupi chingwa chinokwana kugutsa gungano guru ravanhu rakadai murenje muno?” Jesu akati kwavari, “Mune zvingwa zvingani?” Ivo vakati, “Tine zvinomwe netuhove tushoma.” Akati vanhu vagare pasi. Akatora zvingwa zviya zvinomwe nehove. Akatenda, ndokuzvimedura ozvipa kuvadzidzi. Vadzidzi vakazvipawo kuvanhu. Vose vakadya vakaguta. Vakanhongerera zvimedu zvakasara zvikazadza tswanda nomwe. Vakadya vacho vaiva zviuru zvina zvavarume tisingaverengi zvedu vakadzi navana. Jesu akazoendesa vanhu ndokukwira mugwa woenda kudunhu reMagadhani.
Mateo 15:29-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akabvapo akatevedza gungwa reGarirea. Ipapo akakwira mugomo akagara pasi. Uye vanhu vazhinji vakauya kwaari navakaremara, mapofu, mhetamakumbo, mbeveve navamwe vazhinji, vakasvikovaisa patsoka dzake uye akavaporesa. Vanhu vakashamiswa kuona mbeveve dzichitaura, mhetamakumbo dzichitwasanudzwa, vakaremara vachifamba namapofu achiona. Vakarumbidza Mwari weIsraeri. Jesu akadana vadzidzi vake akati kwavari, “Ndiri kunzwa tsitsi pamusoro pavanhu ava; vanga vachingova neni kwamazuva matatu uye havachina chokudya. Handidi kuti ndivaendese vaine nzara nokuti vangaziya nenzara munzira.” Vadzidzi vake vakapindura vachiti, “Ndokupi kwatingawana chingwa chinokwana vanhu vose ava muno musango makadai?” Jesu akabvunza akati, “Mune zvingwa zvingani?” Ivo vakati, “Tine zvinomwe notuhove tushoma shoma.” Akarayira kuti vanhu vose vagare pasi. Ipapo akatora zvingwa zvinomwe zviya nehove dziya, akavonga, akazvimedura ndokuzvipa kuvadzidzi, ivowo ndokupa vanhu vose. Vose vakadya vakaguta. Mushure, vadzidzi vakanhongera zvimedu zvakanga zvasara zvikazadza matengu manomwe. Vanhu vakadya vaiva varume zviuru zvina, vakadzi navana vasingaverengerwi. Mushure mokunge Jesu aendesa vanhu vazhinji ava, akapinda mugwa ndokubva aenda kudunhu reMagadhani.

Mateo 15:29-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akati achibva ipapo, akaenda achitevedza gungwa reGariria, akakwira mugomo, akagarapo pasi. Zvino vanhu vazhinji vakauya kwaari navanokamhina, nezvirema, namapofu, nembeveve, navamwe vazhinji, vakavaisa pamberi paJesu; akavaporesa. Naizvozvo vanhu vazhinji vakashamiswa vachiona mbeveve dzichitaura, nezvirema zvapora, navanokamhina vachifamba, namapofu achiona; vakarumbidza Mwari wavaIsiraeri. Zvino Jesu akadanira vadzidzi vake kwaari, akati, “Ndine tsitsi navanhu vazhinji ava, nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya; handidi kuvaendesa vane nzara, zvimwe vangaziya panzira.” Vadzidzi vakati kwaari, “Tichawanepiko murenje zvingwa zvakawanda zvakadaro, kuti tigutise vanhu vazhinji vakadai?” Jesu akati kwavari, “Mune zvingwa zvinganiko?” Vakati, “Zvinomwe, nehove duku shomanana.” Zvino akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi; akatora zvingwa zvinomwe nehove, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, vadzidzi vakapa vanhu vazhinji. Vakadya vose, vakaguta; vakanonga zvimedu zvakasara, vakawana matengu manomwe azere. Vakadya vakanga vari varume vane zviuru zvina, vakadzi navana vasingaverengwi. Zvino akati aendesa vanhu vazhinji, akapinda muigwa, akasvika munyika yeMagadhani.
Mateo 15:29-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akabva ikoko akazopfuura achitevedza gungwa reGarirea. Akakwira muchikomo ndokugara pasi imomo. Zvita zvavanhu zvakawanda zvakauya kwaari. Vakaungana kwaari nemhetamakumbo navakaremara namapofu nembeveve navamwe vakadaro. Vakavaisa patsoka dzake. Iye akavaporesa zvokuti gurusvusvu riya ravanhu rakashamiswa, pavakaona mbeveve dzichitaura, zvirema zvaita zvakanaka nemhetamakumbo dzavakufamba namapofu avakuona. Vakarumbidza Mwari wavaIsiraeri. Jesu akadaidza vadzidzi vake akati, “Ndine urombo kwazvo negungano ravanhu iri nokuti vanga vaneni kwamazuva matatu aya zvino havachisina chokudya. Handide kuvaendesa nenzara vangadaro vakaziya panzira.” Vadzidzi vakamubvunza kuti, “Tingawane kupi chingwa chinokwana kugutsa gungano guru ravanhu rakadai murenje muno?” Jesu akati kwavari, “Mune zvingwa zvingani?” Ivo vakati, “Tine zvinomwe netuhove tushoma.” Akati vanhu vagare pasi. Akatora zvingwa zviya zvinomwe nehove. Akatenda, ndokuzvimedura ozvipa kuvadzidzi. Vadzidzi vakazvipawo kuvanhu. Vose vakadya vakaguta. Vakanhongerera zvimedu zvakasara zvikazadza tswanda nomwe. Vakadya vacho vaiva zviuru zvina zvavarume tisingaverengi zvedu vakadzi navana. Jesu akazoendesa vanhu ndokukwira mugwa woenda kudunhu reMagadhani.
Mateo 15:29-39 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu wakati acibva ipapo, akaenda napaguŋgwa reGarirea, akakwira mugomo, akagara’po pasi. Ɀino ʋanhu ʋazhinji ʋakaʋuya kwaari naʋanokamhina, neɀirema, namapofu, nembeʋeʋe, naʋamŋe ʋazhinji, ʋakaʋaisa pamberi paJesu; akaʋaporesa. Naiɀoɀo ʋanhu ʋazhinji ʋakashamiswa ʋaciʋona mbeʋeʋe dzicitaura, neɀirema ɀapora, naʋanokamhina ʋacifamba, namapofu aciʋona; ʋakarumbidza Mŋari waʋaIsraeri. Ɀino Jesu wakaɗanira ʋadzidzi ʋake kwaari, akati: Ndinetsits inaʋanhu ʋazhinji aʋa, nokuti atoʋa mazuʋa matatu aʋakagara neni ʋasinaɀaʋaŋgadya; handiɗi kuʋaendisa ʋanenzara, ɀimŋe ʋaŋgaziya panzira. Ʋadzidzi ʋakati kwaari: Ticawanepiko murenje ɀiŋgwa ɀakawanda ɀakaɗaro, kuti tigutise ʋanhu ʋazhinji ʋakaɗai? Jesu akati kwaʋari: Muneɀiŋgwa ɀiŋganiko? Ʋakati: Ɀinomŋe, nehoʋe ɗuku shomanene. Ɀino akaraira ʋanhu ʋazhinji kuti ʋagare pasi; akatora ɀiŋgwa ɀinomŋe nehoʋe, akaʋoŋga, akaɀimeɗura, ndokupa ʋadzidzi ʋake, ʋadzidzi ʋakapa ʋanhu ʋazhinji. Ʋakadya ʋose, ʋakaguta; ʋakanoŋga ɀimeɗu ɀakasara, mateŋgu manomŋe azere. Ʋakadya ʋakaŋga ʋari ʋarume ʋaneɀuru ɀinna, ʋakadzi naʋana ʋasiŋgaʋereŋgwi. Ɀino wakati aendisa ʋanhu ʋazhinji, akapinda mugwa, akaȿika munyika yeMagadani.