“Mudzidzi haakundi mudzidzisi wake, kana muranda ishe wake. Zvakaringanira mudzidzi kuti ave somudzidzisi wake, nomuranda ave sashe wake. Zvavakaidza mwene weimba Bheerizebhuri, vachadaro zvikuru sei veimba yake!
“Naizvozvo musavatya; nokuti hakuna chinhu chakafukidzwa, chisingazozaruwi; kana chakavanzika, chisingazobudi pachena. Zvandinokuudzai murima, taurai pachena; zvamunonzwa munzeve, paridzirai pamusoro pedzimba. Musatya vanouraya muviri, asi vasingagoni kuuraya mweya; zvikuru mutye uyo anogona kuuraya mweya nomuviri zvose muGehena. Ko shiri duku mbiri hadzitengeswi nehafu yepeni here? Asi imwe yazvo haingawiri pasi kunze kwababa venyu. Kana murimi, nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. Naizvozvo musatya; munopfuura shiri zhinji.
“Mumwe nomumwe achandipupura pamberi pavanhu, neni ndichamupupurawo pamberi paBaba vangu vari kudenga.
“Asi mumwe nomumwe anondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga.
“Musafunga kuti ndakauya kuisa rugare panyika; handina kuuya kuisa rugare, asi kurwa. Nokuti ndakauya kupesanisa munhu nababa vake, nomwanasikana namai vake, nomukadzi womwana navamwene vake; navavengi vomunhu vachava veimba yake.
“Anoda baba kana mai kupfuureni, haana kufanireni; nowanoda mwanakomana nomwanasikana kupfuureni, haana kufanireni. Asingatakuri muchinjikwa wake, akanditevera, haana kufanireni. ANowana upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu, achahuwana.
“Anokugamuchirai imi, anondigamuchireni; noanogamuchireni, anogamuchira akandituma. Anogamuchira muporofita muzita romuporofita achapiwa mubayiro womuporofita; noanogamuchira akarurama muzita roakarurama, achapiwa mubayiro woakarurama. Ani naani unopa muzita romudzidzi mumwe wavaduku ava mukombe bedzi wemvura inotonhora anwe, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haangatongorasikirwi nomubayiro wake.”