Mateo 10:24-42
Mateo 10:24-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Mudzidzi haasi mukuru kumudzidzisi wake, kana muranda kuna ishe wake. Zvakakwana kuti mudzidzi ave somudzidzisi wake nomurandawo sashe wake. Zvino kana mukuru weimba akanzi ndiBheerizebhubhi, vachadaro zvikuru sei kune veimba yake! “Naizvozvo musavatya. Hapana chakavanzika chisingazobudiswi pachena kana chakavigwa chisingazozivikanwi. Zvandinokuudzai murima muzvitaure muchiedza; zvinozevezerwa munzeve dzenyu, muzviparidze muri pamusoro pedzimba. Musatya avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya. Asi ityai uyo anogona kuparadza zvose muviri nomweya mugehena. Ko, shiri duku mbiri hadzitengeswi nesendi here? Kunyange zvakadaro hapana imwe chete yadzo inowira pasi kunze kwokunge Baba venyu vazvibvumira. Uye kunyange nebvudzi riri mumusoro yenyu rakaverengwa. Naizvozvo musatya nokuti munokosha kupfuura shiri duku zhinji. “Ani naani anondipupura pamberi pavanhu neniwo ndichamupupura pamberi paBaba vangu vari kudenga. Asi ani naani anondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga. “Musafunga kuti ndakauya kuzouyisa rugare panyika. Handina kuuya kuzouyisa rugare asi munondo. Ndakauya kuti: “ ‘mwanakomana apesane nababa vake, mwanasikana apesane namai vake, muroora apesane navamwene vake, vavengi vomunhu vachava hama dzake dzomumba.’ “Ani naani anoda baba vake kana mai vake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu; uye ani naani anoda mwanakomana kana mwanasikana wake kupfuura ini haana kukodzera kuva wangu. Uye uyo asingatakuri muchinjikwa wake akanditevera haana kukodzera kuva wangu. Ani naani anowana upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi uyo acharasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana. “Anokugamuchirai anogamuchira ini, uye anogamuchira ini anogamuchira iye akandituma. Ani naani anogamuchira muprofita nokuti muprofita achagamuchira mubayiro womuprofita, uye ani naani anogamuchira munhu akarurama nokuda kwokuti akarurama, achagamuchira mubayiro womunhu akarurama. Uye kana munhu akapa mukombe wemvura inotonhorera kuno mumwe wavaduku ava nokuda kwokuti iye mudzidzi wangu, ndinokuudzai chokwadi kuti haazorasikirwi nomubayiro wake.”
Mateo 10:24-42 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Mudzidzi haakundi mudzidzisi wake, kana muranda ishe wake. Zvakaringanira mudzidzi kuti ave somudzidzisi wake, nomuranda ave sashe wake. Zvavakaidza mwene weimba Bheerizebhuri, vachadaro zvikuru sei veimba yake! “Naizvozvo musavatya; nokuti hakuna chinhu chakafukidzwa, chisingazozaruwi; kana chakavanzika, chisingazobudi pachena. Zvandinokuudzai murima, taurai pachena; zvamunonzwa munzeve, paridzirai pamusoro pedzimba. Musatya vanouraya muviri, asi vasingagoni kuuraya mweya; zvikuru mutye uyo anogona kuuraya mweya nomuviri zvose muGehena. Ko shiri duku mbiri hadzitengeswi nehafu yepeni here? Asi imwe yazvo haingawiri pasi kunze kwababa venyu. Kana murimi, nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. Naizvozvo musatya; munopfuura shiri zhinji. “Mumwe nomumwe achandipupura pamberi pavanhu, neni ndichamupupurawo pamberi paBaba vangu vari kudenga. “Asi mumwe nomumwe anondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga. “Musafunga kuti ndakauya kuisa rugare panyika; handina kuuya kuisa rugare, asi kurwa. Nokuti ndakauya kupesanisa munhu nababa vake, nomwanasikana namai vake, nomukadzi womwana navamwene vake; navavengi vomunhu vachava veimba yake. “Anoda baba kana mai kupfuureni, haana kufanireni; nowanoda mwanakomana nomwanasikana kupfuureni, haana kufanireni. Asingatakuri muchinjikwa wake, akanditevera, haana kufanireni. ANowana upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu, achahuwana. “Anokugamuchirai imi, anondigamuchireni; noanogamuchireni, anogamuchira akandituma. Anogamuchira muporofita muzita romuporofita achapiwa mubayiro womuporofita; noanogamuchira akarurama muzita roakarurama, achapiwa mubayiro woakarurama. Ani naani unopa muzita romudzidzi mumwe wavaduku ava mukombe bedzi wemvura inotonhora anwe, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haangatongorasikirwi nomubayiro wake.”
Mateo 10:24-42 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mudzidzi haasi mukuru pane mudzidzisi wake nomurandawo haasi mukuru pana tenzi wake. Zvinenge zvatoita zvazvo, kana mudzidzi akava somudzidzisi wake, kana kuti murandawo akaita satenzi wake. Kana vakatumidza saimba kuti Bheerizabhuri ko vanganyomba zvakadii avo vemhuri yake? “Naizvozvo musavatye. Hapana chakafukidzwa chisingazoburitswa pachena kana chakavandika chisingazozivikanwa. “Zvandinokutaurirai murima zvitaurei masikati machena, zvamunonzwa nakazevezeve zviparidzei muri pamusoro pemba. Musatye avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya asi ityai uyo anogona kuuraya mweya nomuviri mugomba romoto. Tushiri tudiki tuviri hatutengeswi nesendi here? Asi hapana kamwe katwo kanowira pasi, kusiri kuda kwaBaba venyu. Kana murimi zvenyu, kunyange vhudzi romusoro wenyu rose rakaverengwa. Saka musatye; munotokosha kupinda tushiri tuzhinji. “Nezvo munhu anondibvuma pamberi pavanhu ndichamubvumawo pamberi paBaba vangu vari kudenga. Asi munhu anondiramba pamberi pavanhu, ini ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga. “Regai kufunga kuti ndakauya kuzounza rugare panyika. Handina kuuya kuzounza rugare asi hondo yebakatwa nokuti ndakauya kuzorwisanisa baba nomwanakomana vake, mwanasikana achapesanawo naamai vake, muroorawo achapesana navamwene vake. Mhandu dzomunhu dzichava dzomumba make. “Munhu anoda baba namai kupinda ini haakodzeri kuva wangu. Uyo anoda mwanakomana kana mwanasikana wake kupinda ini haakodzeri kuva wangu. Aninaani asingatore muchinjikwa wake achinditevera haakodzeri kuva wangu. Uyo anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo. Uyo anorasikirwa noupenyu hwake, pamusana pangu, achahuchengetedza. “Uyo anogamuchira imi anogamuchirawo ini. Anogamuchira ini anogamuchirawo uyo akandituma. Anogamuchira muporofita pamusana pokuti muporofita anowanawo mubayiro womuporofita. Uyowo anogamuchira munhu akarurama pamusana pokuti munhu wakarurama achagamuchirawo mubayiro womunhu wakarurama. Munhuwo anopa kune mumwe wavaduku ava kunyange mukombe wemvura inotonhora nokuda kokuti mudzidzi, zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri haamborega kuwana mubayiro wake.”
Mateo 10:24-42 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mudzidzi haakundi mudzidzisi wake, kana muranda ishe wake. Ɀakariŋganira mudzidzi kuti aʋe somudzidzisi wake, nomuranda aʋe sashe wake. Ɀaʋakaidza mŋene weimba Beerzeburi, ʋacaɗaro ɀikuru sei ʋeimba yake! Naiɀoɀo musaʋatya; nokuti hakunecinhu cakafukidzwa, cisiŋgazozarurwi; kana cakaʋanzika, cisiŋgazozikanwi. Ɀandinokuʋudzai murima, taurai pacena; ɀamunonzwa munzeʋe, paridzirai pamsoro pedzimba. Musatya ʋanoʋuraya muʋiri, asi ʋasiŋgagoni kuʋuraya mŋeya; ɀikuru mutye uyo unogona kuʋuraya mŋeya nomuʋiri ɀose muGehena. Ko shiri ɗuku mbiri hadziteŋgeswi nehafu yepeni here? Asi imŋe yaɀo haiŋgawiri pasi kunze kwaƂaɓa ʋenyu. Kana muri’mi, nevudzi romusoro wenyu rakaʋereŋgwa rose. Naiɀoɀo musatya; munopfuʋura shiri zhinji. Mumŋe nomumŋe ucandipupura pamberi paʋanhu, neni ndicamupupura ʋo pamberi paƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga. Asi mumŋe nomumŋe unondiramba pamberi paʋanhu, neni ndicamuramba ʋo pamberi paƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga. Musafuŋga kuti ndakaʋuya kuisa rugare panyika; handina‐kuʋuya kuisa rugare, asi kurwa. Nokuti ndakaʋuya kupesanisa munhu naɓaɓa ʋake, nomŋanasikana namai ʋake, nomukadzi womŋana naʋamŋene ʋake; naʋaʋeŋgi ʋomunhu ʋacaʋa ʋeimba yake. Unoɗa ɓaɓa kana mai kupfuʋureni, haana‐kufanireni; nounoɗa mŋanakomana nomŋanasikana kupfuʋureni, haana‐kufanireni. Usiŋgatori mucinjikwa wake, akanditeʋera, haana‐kufanireni. Unowana ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo; asi unorashikirwa noʋupenyu bgake nokuɗa kwaŋgu, ucabguwana. Unokugamucirai imi, unondigamucireni; nounogamucireni, unogamucira wakandituma. Unogamucira muprofita muzita romuprofita, ucapiwa muɓairo womuprofita; nounogamucira wakarurama muzita rowakarurama, ucapiwa muɓairo wowakarurama. Aninani unopa muzita romudzidzi mumŋe waʋaɗuku aʋa mukombe ɓedzi wemvura inotonhora anwe, ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, haaŋgatoŋgorashikirwi nomuɓairo wake.
Mateo 10:24-42 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)