Mudzidzi haakundi mudzidzisi wake, kana muranda ishe wake. Ɀakariŋganira mudzidzi kuti aʋe somudzidzisi wake, nomuranda aʋe sashe wake. Ɀaʋakaidza mŋene weimba Beerzeburi, ʋacaɗaro ɀikuru sei ʋeimba yake! Naiɀoɀo musaʋatya; nokuti hakunecinhu cakafukidzwa, cisiŋgazozarurwi; kana cakaʋanzika, cisiŋgazozikanwi. Ɀandinokuʋudzai murima, taurai pacena; ɀamunonzwa munzeʋe, paridzirai pamsoro pedzimba. Musatya ʋanoʋuraya muʋiri, asi ʋasiŋgagoni kuʋuraya mŋeya; ɀikuru mutye uyo unogona kuʋuraya mŋeya nomuʋiri ɀose muGehena. Ko shiri ɗuku mbiri hadziteŋgeswi nehafu yepeni here? Asi imŋe yaɀo haiŋgawiri pasi kunze kwaƂaɓa ʋenyu. Kana muri’mi, nevudzi romusoro wenyu rakaʋereŋgwa rose. Naiɀoɀo musatya; munopfuʋura shiri zhinji. Mumŋe nomumŋe ucandipupura pamberi paʋanhu, neni ndicamupupura ʋo pamberi paƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga. Asi mumŋe nomumŋe unondiramba pamberi paʋanhu, neni ndicamuramba ʋo pamberi paƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga.
Musafuŋga kuti ndakaʋuya kuisa rugare panyika; handina‐kuʋuya kuisa rugare, asi kurwa. Nokuti ndakaʋuya kupesanisa munhu naɓaɓa ʋake, nomŋanasikana namai ʋake, nomukadzi womŋana naʋamŋene ʋake; naʋaʋeŋgi ʋomunhu ʋacaʋa ʋeimba yake. Unoɗa ɓaɓa kana mai kupfuʋureni, haana‐kufanireni; nounoɗa mŋanakomana nomŋanasikana kupfuʋureni, haana‐kufanireni. Usiŋgatori mucinjikwa wake, akanditeʋera, haana‐kufanireni. Unowana ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo; asi unorashikirwa noʋupenyu bgake nokuɗa kwaŋgu, ucabguwana.
Unokugamucirai imi, unondigamucireni; nounogamucireni, unogamucira wakandituma. Unogamucira muprofita muzita romuprofita, ucapiwa muɓairo womuprofita; nounogamucira wakarurama muzita rowakarurama, ucapiwa muɓairo wowakarurama. Aninani unopa muzita romudzidzi mumŋe waʋaɗuku aʋa mukombe ɓedzi wemvura inotonhora anwe, ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, haaŋgatoŋgorashikirwi nomuɓairo wake.