Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 8:45-48

Ruka 8:45-48 SNA2002

Jesu akati, “Ndianiko andibata?” Zvino vose vakati vachiramba, Petirosi akati, “Tenzi, vanhu vazhinji vanokumanikidzai nokukutsikirirai.” Asi Jesu akati, “Mumwe andibata, nokuti ndanzwa kuti simba rabuda kwandiri.” Zvino mukadzi akati achiona kuti haana kuvanzika, akauya, achidedera, akazviwisira pasi pamberi pake, akamuudza pamberi pavose kuti akanga amubata nemhaka yei, uye kuti akaporeswa pakarepo. Akati kwaari, “Mukunda, kutenda kwako kwakuporesa, enda hako norugare.”

Verenga chikamu Ruka 8