Ruka 8:45-48
Ruka 8:45-48 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akati, “Ndianiko andibata?” Vose vakati varamba kubvuma, Petro akati, “Tenzi, vanhu vari kukumomoterai nokukutsimbirirai.” Asi Jesu akati, “Pane mumwe andibata; ndinoziva nokuti simba rabuda mandiri.” Ipapo mukadzi akati aona kuti haangavandi, akauya achidedera akasvikowira patsoka dzake. Pamberi pavanhu vose akamuudza kuti sei akanga amubata, uye kuti akanga apora sei pakarepo. Ipapo akati kwaari, “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare.”
Ruka 8:45-48 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akati, “Ndianiko andibata?” Zvino vose vakati vachiramba, Petirosi akati, “Tenzi, vanhu vazhinji vanokumanikidzai nokukutsikirirai.” Asi Jesu akati, “Mumwe andibata, nokuti ndanzwa kuti simba rabuda kwandiri.” Zvino mukadzi akati achiona kuti haana kuvanzika, akauya, achidedera, akazviwisira pasi pamberi pake, akamuudza pamberi pavose kuti akanga amubata nemhaka yei, uye kuti akaporeswa pakarepo. Akati kwaari, “Mukunda, kutenda kwako kwakuporesa, enda hako norugare.”

Ruka 8:45-48 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akati, “Ndiani andibata?” Vose zvavakaramba, Pita “Tenzi, gurusvusvu ravanhu rakakutenderedzai uye riri kudzvinyirirana nemi!” Asi Jesu akati, “Pane mumwe andibata nokuti ndanzwa kuti simba rabuda mandiri.” Mukadzi uya paakaona kuti haana kuvandika, akauya achidedera akawira pasi pamberi pake akadura pachena pamberi pavanhuvose, kuti akanga amubatirei, uye kuti akabva aporeswa sei, pakare pakarepo. Jesu akati kwaari, “Mukunda, kutenda kwako kwakuponesa chienda zvako norugare.”
Ruka 8:45-48 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu akati: Ndianiko wandiɓata? Ɀino ʋose ʋakati ʋaciramba, Petro akati: Tenzi, ʋanhu ʋazhinji ʋanokumanikidzai nokukutsikirirai. Asi Jesu wakati: Mumŋe wandiɓata, nokuti ndanzwa kuti simba raɓuɗa kwandiri. Ɀino mukadzi wakati aciʋona kuti haana‐kuʋanzika, akaʋuya, aciɗeɗera, akaɀiwisira pasi pamberi pake, akamuʋudza pamberi paʋose kuti wakaŋga amuɓata nemhaka yei, ʋuye kuti wakaporeswa pakarepo. Akati kwaari: Mukunda, kutenda kwako kwakuporesa, enda hako norugare.
Ruka 8:45-48 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)