“Naizvozvo vanhu vorudzi urwu ndichavafananidza neiko? Vakafanana nei? Vakafanana navana vagere padare, vanodanidzira, vachiti, ‘Takakuridzirai nyere, mukasatamba; takakuririrai, mukasachema.’ Nokuti Johani Mubhabhatidzi akauya, asingadyi chingwa, asinganwi waini, zvino moti, ‘Ane mweya wakaipa.’ Mwanakomana womunhu akauya achidya, achinwa, zvino moti, ‘Tarirai, munhu anokara, nomunwi, neshamwari yavateresi navatadzi.’ Asi uchenjeri hunoruramiswa navana vahwo vose.”
Zvino mumwe wavaFarisi akamukumbira kuti adye naye. Akapinda mumba momuFarisi uyu, akagara pakudya. Zvino tarira, muguta iro makanga muno mukadzi aiva mutadzi; iye akati anzwa kuti agere pakudya mumba momuFarisi, akauya nechinu chearibhasitera chaiva namafuta okuzora, akamira patsoka dzake mumashure make, achingochema, akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi, akadzipukuta nevhudzi romusoro wake, ndokutsvoda tsoka dzake ndokudzizodza namafuta. Zvino muFarisi akanga amudana, akati achizviona, akareva mumwoyo make, achiti, “Munhu uyu, dai aiva muporofita, angadai aiziva mukadzi uyu anomubata kuti ndiani, uye kuti akadini, nokuti mutadzi.”
Ipapo Jesu akapindura, akati kwaari, “Simoni ndine shoko newe.” Akati, “Taurai henyu, mudzidzisi”
Jesu akati, “Vanhu vaviri vakanga vane chikwerete kumunhu mumwe; mumwe akanga ane chikwerete chamadhenari ana mazana mashanu, mumwe chamakumi mashanu. Vakati vashayiwa chokuripa nacho, akangovakanganwira vose vari vaviri. Zvino ndoupiko kwavari achanyanya kumuda?”
Simoni akapindura, akati, “Handiti ndiye wakakanganwirwa zvizhinji here?” Akati kwaari, “Wareva kwazvo.” Zvino akatendeukira kumukadzi, akati kuna Simoni, “Unoona mukadzi uyu here? Ndakapinda mumba mako, ukasandipa mvura yetsoka dzangu; asi uyu akanyorovesa tsoka dzangu nemisodzi yake, akadzipukuta nevhudzi rake. Hauna kunditsvoda, asi uyu chinguri chandapinda, haana kurega kutsvoda tsoka dzangu.
“Hauna kundizodza musoro wangu namafuta, asi uyu akazodza tsoka dzangu namafuta okuzora. Naizvozvo ndinoti kwauri, ‘Zvivi zvake, zviya zvizhinji, wazvikanganwirwa, nokuti akada zvikuru; asi anokanganwirwa zvishoma, anoda zvishoma.’ ”
Zvino akati kwaari, “Wakanganwirwa zvivi zvako.” Vakanga vagere naye pakudya vakatanga kureva mumwoyo yavo, vachiti, “Uyu ndianiko anokanganwira zviviwo?”
Akati kumukadzi, “Kutenda kwako kwakuraramisa; enda hako norugare.”