Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 7:31-50

Ruka 7:31-50 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Naizvozvo vanhu vorudzi urwu ndichavafananidza neiko? Vakafanana nei? Vakafanana navana vagere padare, vanodanidzira, vachiti, ‘Takakuridzirai nyere, mukasatamba; takakuririrai, mukasachema.’ Nokuti Johani Mubhabhatidzi akauya, asingadyi chingwa, asinganwi waini, zvino moti, ‘Ane mweya wakaipa.’ Mwanakomana womunhu akauya achidya, achinwa, zvino moti, ‘Tarirai, munhu anokara, nomunwi, neshamwari yavateresi navatadzi.’ Asi uchenjeri hunoruramiswa navana vahwo vose.” Zvino mumwe wavaFarisi akamukumbira kuti adye naye. Akapinda mumba momuFarisi uyu, akagara pakudya. Zvino tarira, muguta iro makanga muno mukadzi aiva mutadzi; iye akati anzwa kuti agere pakudya mumba momuFarisi, akauya nechinu chearibhasitera chaiva namafuta okuzora, akamira patsoka dzake mumashure make, achingochema, akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi, akadzipukuta nevhudzi romusoro wake, ndokutsvoda tsoka dzake ndokudzizodza namafuta. Zvino muFarisi akanga amudana, akati achizviona, akareva mumwoyo make, achiti, “Munhu uyu, dai aiva muporofita, angadai aiziva mukadzi uyu anomubata kuti ndiani, uye kuti akadini, nokuti mutadzi.” Ipapo Jesu akapindura, akati kwaari, “Simoni ndine shoko newe.” Akati, “Taurai henyu, mudzidzisi” Jesu akati, “Vanhu vaviri vakanga vane chikwerete kumunhu mumwe; mumwe akanga ane chikwerete chamadhenari ana mazana mashanu, mumwe chamakumi mashanu. Vakati vashayiwa chokuripa nacho, akangovakanganwira vose vari vaviri. Zvino ndoupiko kwavari achanyanya kumuda?” Simoni akapindura, akati, “Handiti ndiye wakakanganwirwa zvizhinji here?” Akati kwaari, “Wareva kwazvo.” Zvino akatendeukira kumukadzi, akati kuna Simoni, “Unoona mukadzi uyu here? Ndakapinda mumba mako, ukasandipa mvura yetsoka dzangu; asi uyu akanyorovesa tsoka dzangu nemisodzi yake, akadzipukuta nevhudzi rake. Hauna kunditsvoda, asi uyu chinguri chandapinda, haana kurega kutsvoda tsoka dzangu. “Hauna kundizodza musoro wangu namafuta, asi uyu akazodza tsoka dzangu namafuta okuzora. Naizvozvo ndinoti kwauri, ‘Zvivi zvake, zviya zvizhinji, wazvikanganwirwa, nokuti akada zvikuru; asi anokanganwirwa zvishoma, anoda zvishoma.’ ” Zvino akati kwaari, “Wakanganwirwa zvivi zvako.” Vakanga vagere naye pakudya vakatanga kureva mumwoyo yavo, vachiti, “Uyu ndianiko anokanganwira zviviwo?” Akati kumukadzi, “Kutenda kwako kwakuraramisa; enda hako norugare.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 7

Ruka 7:31-50 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

“Zvino, ndingafananidza rudzi rwakadai neiko? Vakafanana neiko? Vakaita savana vagere pamusika vachidanidzira kuno mumwe nomumwe wavo vachiti: “ ‘Takakuridzirai hwamanda, asi hamuna kutamba; takaimba rwiyo rworufu, uye hamuna kuchema.’ Nokuti Johani Mubhabhatidzi akauya asingadyi chingwa uye asinganwi waini, imi mukati, ‘Ane dhimoni.’ Mwanakomana woMunhu akauya achidya uye achinwa, imi mukati, ‘Houno munhu wamadyo uye chidhakwa, shamwari yavateresi na“vatadzi”.’ Asi uchenjeri hunoratidzwa navana vahwo vose.” Zvino mumwe wavaFarisi akakoka Jesu kuti azodya naye, saka akaenda kumba kwomuFarisi uyu akandogara kuti adye. Mumwe mukadzi womuguta umu akanga achirarama muzvivi akati anzwa kuti Jesu akanga agere pakudya mumba momuFarisi, akauya nechinu chamafuta anonhuhwira chearabhasta, akamira shure kwake akatanga kuchema, uye akanyorovesa tsoka dzake nemisodzi yake. Ipapo akadzipukuta nebvudzi romusoro wake, akadzitsvoda uye akadzizodza mafuta anonhuhwira. Zvino muFarisi uya akanga amukoka akati achiona izvi, akati mumwoyo make, “Dai munhu uyu anga ari muprofita, angadai aziva kuti mukadzi uyu amubata akaita sei, kuti mutadzi.” Jesu akamupindura akati, “Simoni, ndine chinhu chandinoda kukutaurira.” Iye akati, “Ndiudzei henyu mudzidzisi.” “Vamwe varume vaviri vakanga vane chikwereti kumunhu mumwe chete. Mumwe akanga ane chikwereti chamadhenari mazana mashanu, uye mumwe madhenari makumi mashanu. Hakuna akanga ane mari yokuripa chikwereti pavari vose vari vaviri, saka nyakukweretesa akadzima zvikwereti zvavo vose. Zvino ndoupiko pauviri hwavo achanyanya kumuda?” Simoni akapindura akati, “Ndinofunga kuti ndouya akadzimirwa chikwereti chikuru.” Jesu akati, “Wataura zvakanaka.” Ipapo akatendeukira kumukadzi ndokuti kuna Simoni, “Unoona here mukadzi uyu? Ndapinda mumba mako; hauna kundipa kana mvura yokugeza tsoka dzangu, asi uyu anyorovesa tsoka dzangu nemisodzi yake uye akadzipukuta nebvudzi romusoro wake. Iwe hauna kunditsvoda, asi mukadzi uyu, kubvira panguva yandapinda, haana kurega kutsvoda tsoka dzangu. Iwe hauna kuzodza musoro wangu namafuta, asi iye adira zvinonhuhwira patsoka dzangu. Naizvozvo, ndinokuudza kuti zvivi zvake zvizhinji zvaregererwa nokuti iye ada zvikuru. Asi uya akaregererwa zvishoma, anodawo zvishoma.” Ipapo Jesu akati kwaari, “Zvivi zvako zvaregererwa.” Vamwe vakanga vakokwa vakatanga kutaura pakati pavo vachiti, “Ndianiko uyu anoti kunyange nezvivi anokanganwira?” Jesu akati kumukadzi, “Kutenda kwako kwakuponesa; chienda norugare.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 7

Ruka 7:31-50 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Naizvozvo vanhu vorudzi urwu ndichavafananidza neiko? Vakafanana nei? Vakafanana navana vagere padare, vanodanidzira, vachiti, ‘Takakuridzirai nyere, mukasatamba; takakuririrai, mukasachema.’ Nokuti Johani Mubhabhatidzi akauya, asingadyi chingwa, asinganwi waini, zvino moti, ‘Ane mweya wakaipa.’ Mwanakomana womunhu akauya achidya, achinwa, zvino moti, ‘Tarirai, munhu anokara, nomunwi, neshamwari yavateresi navatadzi.’ Asi uchenjeri hunoruramiswa navana vahwo vose.” Zvino mumwe wavaFarisi akamukumbira kuti adye naye. Akapinda mumba momuFarisi uyu, akagara pakudya. Zvino tarira, muguta iro makanga muno mukadzi aiva mutadzi; iye akati anzwa kuti agere pakudya mumba momuFarisi, akauya nechinu chearibhasitera chaiva namafuta okuzora, akamira patsoka dzake mumashure make, achingochema, akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi, akadzipukuta nevhudzi romusoro wake, ndokutsvoda tsoka dzake ndokudzizodza namafuta. Zvino muFarisi akanga amudana, akati achizviona, akareva mumwoyo make, achiti, “Munhu uyu, dai aiva muporofita, angadai aiziva mukadzi uyu anomubata kuti ndiani, uye kuti akadini, nokuti mutadzi.” Ipapo Jesu akapindura, akati kwaari, “Simoni ndine shoko newe.” Akati, “Taurai henyu, mudzidzisi” Jesu akati, “Vanhu vaviri vakanga vane chikwerete kumunhu mumwe; mumwe akanga ane chikwerete chamadhenari ana mazana mashanu, mumwe chamakumi mashanu. Vakati vashayiwa chokuripa nacho, akangovakanganwira vose vari vaviri. Zvino ndoupiko kwavari achanyanya kumuda?” Simoni akapindura, akati, “Handiti ndiye wakakanganwirwa zvizhinji here?” Akati kwaari, “Wareva kwazvo.” Zvino akatendeukira kumukadzi, akati kuna Simoni, “Unoona mukadzi uyu here? Ndakapinda mumba mako, ukasandipa mvura yetsoka dzangu; asi uyu akanyorovesa tsoka dzangu nemisodzi yake, akadzipukuta nevhudzi rake. Hauna kunditsvoda, asi uyu chinguri chandapinda, haana kurega kutsvoda tsoka dzangu. “Hauna kundizodza musoro wangu namafuta, asi uyu akazodza tsoka dzangu namafuta okuzora. Naizvozvo ndinoti kwauri, ‘Zvivi zvake, zviya zvizhinji, wazvikanganwirwa, nokuti akada zvikuru; asi anokanganwirwa zvishoma, anoda zvishoma.’ ” Zvino akati kwaari, “Wakanganwirwa zvivi zvako.” Vakanga vagere naye pakudya vakatanga kureva mumwoyo yavo, vachiti, “Uyu ndianiko anokanganwira zviviwo?” Akati kumukadzi, “Kutenda kwako kwakuraramisa; enda hako norugare.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 7

Ruka 7:31-50 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Ko vanhu vechizvarwa chino ndingavaenzanise neiko? Uye vakafanana neiko? Vakafanana navana vagere pamusika vachidaidzirana vachiti, “ ‘Takakuridzirai nyere asi hamuna kutamba, takaungudza asi hamuna kuchema.’ “Nokuti Johani Muombeki akauya asingadyi chingwa kana kunwa waini, imi mukati, ‘Ane mweya wakaipa.’ Mwanakomana womunhu akauya achidya uye achinwa, moti munhu uyu ane nhafu uye chidhakwa neshamwari yavateresi navatadzi.” Kudaro ungwaru hunoratidzwa kuti ndohwechokwadi navose vanohugamuchira. Mumwe wavaFarisei akamukoka kuti azodya naye. Jesu akapinda mumba yomuFarisei uyu ndokugara pakudya. Zvakaitika kuti mumwe mukadzi womugutamo aiva mutadzi paakanzwa kuti Jesu agere pakudya mumba yomuFarisei uya, akauya nechinu chomunyakwe wearabhasita chiina mafuta okuzora. Akasvikomira nechokumashure kwaJesu kutsoka dzake achisvimha misodzi, ndokutanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi yake achidzipukuta nevhudzi romusoro wake, uye akatsvoda tsoka dzake, nokudzizora namafuta aye. Pakuona izvi, muFarisei uya akanga amukoka, akazviti nechomumwoyo, “Dai munhu uyu anga ari muporofita, angadai aziva kuti mukadzi uyu anomubata ndiani, uye kuti mukadzi worudzii, nokuti mutadzi.” Jesu ndokudavira akati, “Simoni, ndine zvandinoda kutaura kwauri.” Simoni ndokumuti, “Taurai henyu, Mudzidzisi.” “Mumwe mukweretesi aiva navakwereti vaviri. Mumwe akakwereta mazana mashanu amadhenari mumwewo makumi mashanhu. Sezvavakanga vasisagoni kudzorera, akavaregerera vose vari vaviri. Ko, ndoupi pavanhu ava achamuda kupinda mumwe?” Simoni akamupindura achiti, “Ndinofunga kuti ndouya akaregererwa zvizhinji.” Jesu ndokumuti, “Wapindura zvazviri.” Zvino akatendeukira kumukadzi uya ndokuti kuna Simoni, “Unoona mukadzi uyu? Ndapinda mumba mako, hauna kundipa mvura yokugeza tsoka dzangu asi iye anyorovesa tsoka dzangu nemisodzi yake akadzipukuta nevhudzi rake. Iwe hauna kunditsvoda asi iye kubvira zvandapinda muno haana kurega kutsvoda tsoka dzangu. Iwe hauna kuzora musoro wangu namafuta asi iye azora tsoka dzangu namafuta anonhuhwirira. Ndinoti kwauri, zvitadzo zvake zvizhinji zvaregererwa nokuti aratidza rudo rukuru; asi uyo anoregererwa zvishoma anoratidza rudo rushoma.” Jesu ndokuti kumukadzi uya, “Zvitadzo zvako zvaregererwa.” Ipapo vaya vakanga vagere naye pakudya vakatanga kuzviti, “Uyu ndianiko anoregererawo kunyange zvitadzo?” Iye ndokuti kumukadzi, “Chitendero chako chakuponesa, chienda zvako murugare.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 7

Ruka 7:31-50 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Naiɀoɀo ʋanhu ʋorudzi urwu ndicaʋafananidza neiko? Ʋakafanana nei? Ʋakafanana naʋana ʋagere paɗare, ʋanoɗanidzirana, ʋaciti: Takakuridzirai nyere, mukasatamba; takakuririrai, mukasacema. Nokuti Johane Mubapatidzi wakaʋuya, asiŋgadyi ciŋgwa, asiŋganwi waini, ɀino moti: Unomŋeya wakaipa. Mŋanakomana womunhu wakaʋuya acidya, acinwa, ɀino moti: Tarirai, munhu unokara, nomunwi, neshamŋari yaʋateresi naʋatadzi. Asi ʋucenjeri bgunoruramiswa naʋana ʋabgo ʋose. Ɀino mumŋe waʋaFarise wakakumbira kuti adye naye. Akapinda mumba momuFarise uyo, akagara pakudya. Ɀino tarira, muguta iro makaŋga munomukadzi waiʋa mutadzi; iye wakati anzwa kuti ugere pakudya mumba momuFarise, akaʋuya necinu cearbastera caiʋa necizoro, akamira patsoka dzake mashure make, aciŋgocema, akataŋga kunyoroʋesa tsoka dzake nemisodzi, akadzipisika nevudzi romusoro wake, ndokuȿeta tsoka dzake ndokudzizodza necizoro. Ɀino muFarise wakaŋga amuɗana, wakati aciɀiʋona, akareʋa mumŋoyo make, aciti: Munhu uyu, ɗai aiʋa muprofita, uŋgaɗai aiziʋa mukadzi uyu unomuɓata kuti ndiani, ʋuye kuti wakaɗini, nokuti mutadzi. Ipapo Jesu akapindura, akati kwaari: Simoni ndineshoko newe. Akati: Reʋai henyu, Mudzidzisi. Jesu akati: Ʋanhu ʋaʋiri ʋakaŋga ʋanecikwerete kumunhu mumŋe; mumŋe wakaŋga anecikwerete camadenari anamazana mashanu, mumŋe camakumi mashanu. Ʋakati ʋashaiwa cokuripa naco, akaŋgoʋakaŋganwira ʋose ʋari ʋaʋiri. Ɀino ndoupiko kwaʋari ucanyanya kumuɗa? Simoni akapindura, akati: Handiti ndiye wakakaŋganwirwa ɀizhinji here? Akati kwaari: Wareʋa kwaɀo. Ɀino akatendeʋukira kumukadzi, akati kunaSimoni: Unoʋona mukadzi uyu here? Ndakapinda mumba mako, ukasandipa mvura yetsoka dzaŋgu; asi uyu wakanyoroʋesa tsoka dzaŋgu nemisodzi yake, akadzipisika nevudzi rake. Hauna‐kundiȿeta, asi uyu ciŋguri candapinda, naana‐kurega kuseta tsoka dzaŋgu. Hauna‐kundizodza musoro waŋgu namafuta, asi uyu wakazodza tsoka dzaŋgu necizoro. Naiɀoɀo ndinoti kwauri: Ɀiʋi ɀake, ɀiya ɀizhinji, waɀikaŋganwirwa, nokuti wakaɗa ɀikuru; asi unokaŋganwirwa ɀishoma, unoɗa ɀishoma. Ɀino akati kwaari: Wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako. Ʋakaŋga ʋagere naye pakudya ʋakataŋga kureʋa mumŋoyo yaʋo, ʋaciti: Uyu ndianiko unokaŋganwira ɀiʋi ʋo? Akati kumukadzi: Kutenda kwako kwakuraramisa; enda hako norugare.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 7

Ruka 7:31-50 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)