Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 7:31-50

Ruka 7:31-50 SUB1949

Naiɀoɀo ʋanhu ʋorudzi urwu ndicaʋafananidza neiko? Ʋakafanana nei? Ʋakafanana naʋana ʋagere paɗare, ʋanoɗanidzirana, ʋaciti: Takakuridzirai nyere, mukasatamba; takakuririrai, mukasacema. Nokuti Johane Mubapatidzi wakaʋuya, asiŋgadyi ciŋgwa, asiŋganwi waini, ɀino moti: Unomŋeya wakaipa. Mŋanakomana womunhu wakaʋuya acidya, acinwa, ɀino moti: Tarirai, munhu unokara, nomunwi, neshamŋari yaʋateresi naʋatadzi. Asi ʋucenjeri bgunoruramiswa naʋana ʋabgo ʋose. Ɀino mumŋe waʋaFarise wakakumbira kuti adye naye. Akapinda mumba momuFarise uyo, akagara pakudya. Ɀino tarira, muguta iro makaŋga munomukadzi waiʋa mutadzi; iye wakati anzwa kuti ugere pakudya mumba momuFarise, akaʋuya necinu cearbastera caiʋa necizoro, akamira patsoka dzake mashure make, aciŋgocema, akataŋga kunyoroʋesa tsoka dzake nemisodzi, akadzipisika nevudzi romusoro wake, ndokuȿeta tsoka dzake ndokudzizodza necizoro. Ɀino muFarise wakaŋga amuɗana, wakati aciɀiʋona, akareʋa mumŋoyo make, aciti: Munhu uyu, ɗai aiʋa muprofita, uŋgaɗai aiziʋa mukadzi uyu unomuɓata kuti ndiani, ʋuye kuti wakaɗini, nokuti mutadzi. Ipapo Jesu akapindura, akati kwaari: Simoni ndineshoko newe. Akati: Reʋai henyu, Mudzidzisi. Jesu akati: Ʋanhu ʋaʋiri ʋakaŋga ʋanecikwerete kumunhu mumŋe; mumŋe wakaŋga anecikwerete camadenari anamazana mashanu, mumŋe camakumi mashanu. Ʋakati ʋashaiwa cokuripa naco, akaŋgoʋakaŋganwira ʋose ʋari ʋaʋiri. Ɀino ndoupiko kwaʋari ucanyanya kumuɗa? Simoni akapindura, akati: Handiti ndiye wakakaŋganwirwa ɀizhinji here? Akati kwaari: Wareʋa kwaɀo. Ɀino akatendeʋukira kumukadzi, akati kunaSimoni: Unoʋona mukadzi uyu here? Ndakapinda mumba mako, ukasandipa mvura yetsoka dzaŋgu; asi uyu wakanyoroʋesa tsoka dzaŋgu nemisodzi yake, akadzipisika nevudzi rake. Hauna‐kundiȿeta, asi uyu ciŋguri candapinda, naana‐kurega kuseta tsoka dzaŋgu. Hauna‐kundizodza musoro waŋgu namafuta, asi uyu wakazodza tsoka dzaŋgu necizoro. Naiɀoɀo ndinoti kwauri: Ɀiʋi ɀake, ɀiya ɀizhinji, waɀikaŋganwirwa, nokuti wakaɗa ɀikuru; asi unokaŋganwirwa ɀishoma, unoɗa ɀishoma. Ɀino akati kwaari: Wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako. Ʋakaŋga ʋagere naye pakudya ʋakataŋga kureʋa mumŋoyo yaʋo, ʋaciti: Uyu ndianiko unokaŋganwira ɀiʋi ʋo? Akati kumukadzi: Kutenda kwako kwakuraramisa; enda hako norugare.

Verenga chikamu Ruka 7