Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 6:6-11

Ruka 6:6-11 SNA2002

Zvino neimwe Sabata akapinda musinagoge, akadzidzisa; zvino kwakanga kune munhu ipapo akanga anoruoko rworudyi rwakakokonyara. Vanyori navaFarisi vakamutarisisa, kuona kana angamuporesa nomusi weSabata, kuti vawane pavangamupomera mhosva napo. Asi iye akaziva mifungo yavo, akati kumunhu akanga anoruoko rwakakokonyara, “Simuka, umire pakati pavanhu.” Akasimuka, akamira. Zvino Jesu akati kwavari, “Ndinokubvunzai shoko iri, zvakatenderwa here kuita zvakanaka kana zvakaipa neSabata, kuponesa munhu, kana kumuuraya?” Ipapo akaringa-ringa achivatarira vose, akati kwaari, “Tambanudza ruoko rwako.” Akadaro, ruoko rwake rukavandudzwa. Zvino vakatsamwa kwazvo, vakarangana vose kuti Jesu vangamuitei.

Verenga chikamu Ruka 6