Ruka 6:6-11
Ruka 6:6-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rimwezve Sabata akapinda musinagoge uye aidzidzisa, zvino pakanga pano murume akanga ano ruoko rwake rworudyi rwakanga rwakakokonyara. VaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizoporesa nomusi weSabata. Asi Jesu aiziva zvavaifunga uye akati kumurume akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.” Saka iye akasimuka akamira ipapo. Ipapo Jesu akati kwavari, “Ndinokubvunzaiwo kuti chiiko chinobvumirwa kuitwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa upenyu kana kuhuparadza?” Akatarisa kwavari vose, ndokuti kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akaita saizvozvo, uye ruoko rwake rukatwasanuka. Asi ivo vakatsamwa kwazvo vakatanga kutaurirana zvavangaita kuna Jesu.
Ruka 6:6-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino neimwe Sabata akapinda musinagoge, akadzidzisa; zvino kwakanga kune munhu ipapo akanga anoruoko rworudyi rwakakokonyara. Vanyori navaFarisi vakamutarisisa, kuona kana angamuporesa nomusi weSabata, kuti vawane pavangamupomera mhosva napo. Asi iye akaziva mifungo yavo, akati kumunhu akanga anoruoko rwakakokonyara, “Simuka, umire pakati pavanhu.” Akasimuka, akamira. Zvino Jesu akati kwavari, “Ndinokubvunzai shoko iri, zvakatenderwa here kuita zvakanaka kana zvakaipa neSabata, kuponesa munhu, kana kumuuraya?” Ipapo akaringa-ringa achivatarira vose, akati kwaari, “Tambanudza ruoko rwako.” Akadaro, ruoko rwake rukavandudzwa. Zvino vakatsamwa kwazvo, vakarangana vose kuti Jesu vangamuitei.
Ruka 6:6-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvakaitikazve kuti nerimwe Sabata Jesu akapinda musinagogu akadzidzisa, imomo maiva nomunhu akanga anoruoko rworudyi rwakakokonyara. Nyanzvi dzoMutemo navaFarisei vakanyatsomutarisisa vachida kuona kuti angaporese here nezuva reSabata, kuti vawane mhosva yokumubata nayo. Asi iye akaziva zvavaifunga ndokuti kumunhu uya akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire apa.” Munhu uya ndiye kwanyanu, omira. Zvino Jesu akati kwavari, “Ndinoda kumbokubvunzai, zvinobvumirwa here, pamusi weSabata, kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa upenyu hwomunhu kana kuti kuhuparadza?” Akaringa–ringa achitarisa vose ndokuti kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akabva aita saizvozvo; ruoko rwake rukabva rwatasamuka. Asi ivo vakashatirwa zvikuru chaizvo vakarangana kuti vangaitei naJesu.
Ruka 6:6-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino neimŋe saɓata wakapinda musinagoge, akadzidzisa; ɀino kwakaŋga kunomunhu ipapo wakaŋga anoruʋoko rworudyi rwakawonyana. Ʋanyori naʋaFarise ʋakamutarisisa, kuʋona kana aŋgamuporesa nomusi wesaɓata, kuti ʋawane paʋaŋgamupomera mhoȿa napo. Asi iye wakaziʋa mifuŋgo yaʋo, akati kumunhu wakaŋga anoruʋoko rwakawonyana: Simuka, umire pakati paʋanhu. Akasimuka, akamira. Ɀino Jesu akati kwaʋari: Ndinokubvunzai shoko iri: Ɀakatenderwa here kuita ɀakanaka kana ɀakaipa nesaɓata, kuponesa munhu, kana kuʋuraya? Ipapo akariŋga‐riŋga aciʋatarira ʋose, akati kwaari: Tambanudza ruʋoko rwako. Akaɗaro, ruʋoko rwake rukaʋandudzwa. Ɀino ʋakatsamŋa kwaɀo, ʋakaraŋgana ʋose kuti Jesu ʋaŋgamuitei.
Ruka 6:6-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)