Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 18:38-42

Ruka 18:38-42 SNA2002

Ipapo rakadanidzira, richiti, “Jesu, Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!” Zvino vakanga vakatungamira vakariraira, kuti rinyarare; asi rakanyanya kudanidzira, richiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!” Zvino Jesu akamira, akarayira kuti vauye naro kwaari; rikati raswedera, akaribvunza, achiti, “Unoda kuti ndikuitireiko?” Rikati, “Ishe, kuti ndione.” Jesu akati kwariri, “Chiona, kutenda kwako kwakuponesa.”

Verenga chikamu Ruka 18