Ruka 18:38-42
Ruka 18:38-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iye akadanidzira achiti, “Jesu, Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!” Vaya vakanga vachitungamira vakamutsiura vakamuudza kuti anyarare, asi iye akanyanyisa kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!” Jesu akamira ndokurayira kuti murume uyu auyiswe kwaari. Akati aswedera pedyo, Jesu akamubvunza akati, “Unoda kuti ndikuitireiko?” Iye akapindura akati, “Ishe, ndinoda kuti ndione.” Jesu akati kwaari, “Chiona; kutenda kwako kwakuporesa.”
Ruka 18:38-42 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo rakadanidzira, richiti, “Jesu, Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!” Zvino vakanga vakatungamira vakariraira, kuti rinyarare; asi rakanyanya kudanidzira, richiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!” Zvino Jesu akamira, akarayira kuti vauye naro kwaari; rikati raswedera, akaribvunza, achiti, “Unoda kuti ndikuitireiko?” Rikati, “Ishe, kuti ndione.” Jesu akati kwariri, “Chiona, kutenda kwako kwakuponesa.”
Ruka 18:38-42 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Iye akashevedzera achiti, “Jesu Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” Vakanga vari mberi vakamutsiura vachimuti anyarare asi iye akatoshevedzera zvakatonyanya achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” Jesu akamira akati ngaauiswe kwaari. Paakasvika pedyo, akamubvunza achiti, “Chii chaunoda kuti ndikuitire.” Akati, “Tenzi itai kuti ndione.” Jesu akati kwaari, “Chiona zvako. Chitendero chako chakuponesa.”
Ruka 18:38-42 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo rakaɗanidzira, riciti: Jesu, Mŋanakomana waDavidi, ndinzwirei ŋgoni! Ɀino ʋakaŋga ʋakatuŋgamira ʋakariraira, kuti rinyarare; asi rakanyanya kuɗanidzira, riciti: Mŋanakomana waDavidi, ndinzwirei ŋgoni! Ɀino Jesu wakamira, akaraira kuti ʋaʋuye naro kwaari; rikati rasweɗera, akaribvunza, aciti: Unoɗa kuti ndikuitireiko? Rikati: Ishe, kuti ndiʋone. Jesu akati kwariri: Ciʋona, kutenda kwako kwakuponesa.
Ruka 18:38-42 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)