Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 17:27-37

Ruka 17:27-37 SNA2002

vaidya, nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka, mvura zhinji ikasvika, ikaparadza vose. Sezvazvakanga zvakaitawo namazuva aRoti; vaidya, nokunwa, nokutenga, nokutengesa, nokusima, nokuvaka; asi nomusi wakabuda Roti muSodhoma, moto nesurufa zvakanaya, zvichibva kudenga, zvikavaparadza vose. Ndizvo zvazvichaitawo nezuva iro, Mwanakomana womunhu raachaonekwa naro. “Nezuva iro, ari pamusoro peimba, nhumbi dzake dziri mumba, ngaarege kuburuka kundodzitora; saizvozvowo, ari kumunda ngaarege kudzokera kunezviri shure. “Rangarirai mukadzi waRoti. Ani naani anotsvaka kungwarira upenyu hwake, acharasikirwa nahwo, uye ani naani anorasikirwa nahwo, achahuraramisa. Ndinoti kwamuri, usiku uhwo varume vaviri vachava panhoo imwe, mumwe achatorwa, mumwe achasiyiwa. Vakadzi vaviri vachakuya pamwechete, mumwe achatorwa, mumwe achasiyiwa. [ Vaviri vachava kumunda, mumwe achatorwa, mumwe achasiyiwa.]” Ipapo vakapindura, vakati kwaari, “Ipiko, Ishe?” Akati kwavari, “Apo pano mutumbi, ndipo panounganirawo magora.”

Verenga chikamu Ruka 17