Zvino akati achibvunzwa naFarisi kuti ushe hwaMwari hunosvika rini, akapindura, akati, “Ushe hwaMwari hahuuyi huchionekwa. Havangati, ‘Tarirai pano!’ Kana, ‘Uko!’ Nokuti tarirai, ushe hwaMwari huri mukati menyu.”
Akati kuvadzidzi vake, “Mazuva achasvika amuchatsvaka kuona zuva rimwe ramazuva oMwanakomana womunhu, asi hamungarioni. Vachati kwamuri, ‘Tarirai uko! Tarirai pano!’ Regai kuenda, kana kuvatevera; nokuti semheni inopenya, ichibva kune rumwe rutivi pasi pedenga, ichivhenekera kusvikira kune rumwe rutivi pasi pedenga; ndizvo zvichaita Mwanakomana womunhuo nezuva rake. Asi anofanira kumbotambudzika zvizhinji, nokurambwa norudzi urwu. Sezvazvakanga zvakaita namazuva aNoa, ndizvo zvazvichaitawo namazuva oMwanakomana womunhu; vaidya, nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka, mvura zhinji ikasvika, ikaparadza vose. Sezvazvakanga zvakaitawo namazuva aRoti; vaidya, nokunwa, nokutenga, nokutengesa, nokusima, nokuvaka; asi nomusi wakabuda Roti muSodhoma, moto nesurufa zvakanaya, zvichibva kudenga, zvikavaparadza vose. Ndizvo zvazvichaitawo nezuva iro, Mwanakomana womunhu raachaonekwa naro.
“Nezuva iro, ari pamusoro peimba, nhumbi dzake dziri mumba, ngaarege kuburuka kundodzitora; saizvozvowo, ari kumunda ngaarege kudzokera kunezviri shure.
“Rangarirai mukadzi waRoti. Ani naani anotsvaka kungwarira upenyu hwake, acharasikirwa nahwo, uye ani naani anorasikirwa nahwo, achahuraramisa. Ndinoti kwamuri, usiku uhwo varume vaviri vachava panhoo imwe, mumwe achatorwa, mumwe achasiyiwa. Vakadzi vaviri vachakuya pamwechete, mumwe achatorwa, mumwe achasiyiwa. [ Vaviri vachava kumunda, mumwe achatorwa, mumwe achasiyiwa.]”
Ipapo vakapindura, vakati kwaari, “Ipiko, Ishe?” Akati kwavari, “Apo pano mutumbi, ndipo panounganirawo magora.”