Ruka 17:20-37
Ruka 17:20-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akati abvunzwa navaFarisi kuti umambo hwaMwari hwaizosvika riini, Jesu akapindura akati, “Umambo hwaMwari hahuuyi nokunyatsocherechedza kwenyu, uye vanhu havangati, ‘Hohuno pano’ kana kuti ‘Uho uko,’ nokuti umambo hwaMwari huri mamuri.” Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Nguva iri kuuya yamuchashuva kuona rimwe ramazuva oMwanakomana woMunhu, asi hamuzorioni. Vanhu vachati kwamuri, ‘Hoyo uko!’ kana kuti ‘Houno pano!’ Musamhanya muchivatevera. Nokuti semheni inopenya ichivhenekera muchadenga ichibva kuno rumwe rutivi ichienda kuno rumwe rutivi, ndizvo zvichaita Mwanakomana woMunhu pazuva rake. Asi anofanira kutanga kumbotambudzika zvikuru uye acharambwa norudzi urwu. “Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNoa, ndizvo zvazvichaitawo mumazuva oMwanakomana woMunhu. Vanhu vaidya, vachinwa, vachiwana nokuwaniswa kusvikira zuva rakapinda Noa muareka. Ipapo mafashamu akasvika akavaparadza vose. “Zvakanga zvakadarowo pamazuva aRoti. Vanhu vakanga vachidya nokunwa, vachitonga nokutongesa, vachidyara nokuvaka. Asi pazuva rakabuda Roti muSodhomu, moto nesuriferi zvakanaya, zvichibva kudenga zvikavaparadza vose. “Zvichaita saizvozvo pazuva iro Mwanakomana woMunhu acharatidzwa. Pazuva iro hakuna munhu ari pamusoro pedenga remba, ane nhumbi dzake mukati memba, anofanira kuburuka kuti andodzitora. Saizvozvowo, hakuna munhu ari kumunda achadzokera chinhu chero chipi zvacho. Rangarirai mukadzi waRoti! Ani naani anoedza kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo, uye ani naani anorasikirwa noupenyu hwake achahuponesa. Ndinoti kwamuri, pazuva iro vanhu vaviri vachange vari pamubhedha mumwe; mumwe achatorwa mumwe achisiyiwa. Vakadzi vaviri vachange vachikuya zviyo pamwe chete; mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa. Varume vachange vari mumunda, mumwe achatorwa uye mumwe achasiyiwa.” Vakamubvunza vakati, “Kupiko Ishe?” Akapindura akati, “Pano mutumbi, ndipo panoungana magora.”
Ruka 17:20-37 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akati achibvunzwa naFarisi kuti ushe hwaMwari hunosvika rini, akapindura, akati, “Ushe hwaMwari hahuuyi huchionekwa. Havangati, ‘Tarirai pano!’ Kana, ‘Uko!’ Nokuti tarirai, ushe hwaMwari huri mukati menyu.” Akati kuvadzidzi vake, “Mazuva achasvika amuchatsvaka kuona zuva rimwe ramazuva oMwanakomana womunhu, asi hamungarioni. Vachati kwamuri, ‘Tarirai uko! Tarirai pano!’ Regai kuenda, kana kuvatevera; nokuti semheni inopenya, ichibva kune rumwe rutivi pasi pedenga, ichivhenekera kusvikira kune rumwe rutivi pasi pedenga; ndizvo zvichaita Mwanakomana womunhuo nezuva rake. Asi anofanira kumbotambudzika zvizhinji, nokurambwa norudzi urwu. Sezvazvakanga zvakaita namazuva aNoa, ndizvo zvazvichaitawo namazuva oMwanakomana womunhu; vaidya, nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka, mvura zhinji ikasvika, ikaparadza vose. Sezvazvakanga zvakaitawo namazuva aRoti; vaidya, nokunwa, nokutenga, nokutengesa, nokusima, nokuvaka; asi nomusi wakabuda Roti muSodhoma, moto nesurufa zvakanaya, zvichibva kudenga, zvikavaparadza vose. Ndizvo zvazvichaitawo nezuva iro, Mwanakomana womunhu raachaonekwa naro. “Nezuva iro, ari pamusoro peimba, nhumbi dzake dziri mumba, ngaarege kuburuka kundodzitora; saizvozvowo, ari kumunda ngaarege kudzokera kunezviri shure. “Rangarirai mukadzi waRoti. Ani naani anotsvaka kungwarira upenyu hwake, acharasikirwa nahwo, uye ani naani anorasikirwa nahwo, achahuraramisa. Ndinoti kwamuri, usiku uhwo varume vaviri vachava panhoo imwe, mumwe achatorwa, mumwe achasiyiwa. Vakadzi vaviri vachakuya pamwechete, mumwe achatorwa, mumwe achasiyiwa. [ Vaviri vachava kumunda, mumwe achatorwa, mumwe achasiyiwa.]” Ipapo vakapindura, vakati kwaari, “Ipiko, Ishe?” Akati kwavari, “Apo pano mutumbi, ndipo panounganirawo magora.”
Ruka 17:20-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu paakabvunzwa navaFarisei kuti umambo hwaMwari huchasvika rini, akavapindura achiti, “Umambo hwaMwari hausi kuuya nezviratidzo zvinoonekwa. Hakuna munhu achati, ‘Hohuno huri pano kana kuti huri apo, nokuti izvozvi umambo hwaMwari huri pakati penyu.’ ” Akazoti kuna vadzidzi vake, “Mazuva ari kuuya pamuchasuwira kuona rimwe ramazuva oMwanakomana womunhu asi hamumboriona. Vamwe vachati kwamuri, ‘Ari kokoko kana kuti ari pano apa.’ Musaendeko kana kuvatevera. Nokuti sokuvaima kunoita mheni ichivhenekera denga kubvira kunorumwe rutivi kusvika kunorumwe, ndizvozvowo zvichaita Mwanakomana womunhu pamazuva ake. Asi anofanira kutanga atambudzika zvakanyanya agorambwa nechizvarwa ichi. Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNowa, ndizvozvowo zvazvichaita pamazuva oMwanakomana womunhu. Vanhu vaidya nokumwa vachiroora nokuroorwa kusvikira pazuva rakapinda Nowa mungarava. Mafashamo akauya akavaparadza vose. Naizvozvowo zvakaitika pamazuva aRoti; vanhu vaidya vachinwa vachitenga nokutengesa vachidyara nokuvaka. Asi pazuva rakabuda Roti muSodhomu, moto nesarufa zvakanaya zvichibva kudenga zvikavaparadza vose. Ndizvozvowo zvazvichaita pazuva richaoneswa Mwanakomana womunhu. Pazuva iroro anenge ari pamusoro pemba aine zvinhu zvake mumba, ngaarege kuburukira kuzozvitora. Ndizvo zvimwechetezvo naari kumunda, ngaarege kudzokera. Yeukai mudzimai waRoti. Uyo anotsvaka kuzviponesa upenyu acharasikirwa nahwo. Asi uyo anorasikirwa noupenyu hwake anohuchengetedza. Ndinokuudzai kuti usiku ihoho vaviri vanenge vakarara pamubhedha mumwechete, mumwe achatorwa mumwe achisara. Vakadzi vaviri vanenge vari paguyo vachikuya pamwechete, mumwe achatorwa, mumwe achisiiwa.” [Vamwe vanenge vari mumunda, mumwe achatorwa mumwe achisiiwa.] Vakati kwavari, “Kuri kupiko ikoko nhai Tenzi?” Iye akati, “Pane chitunha magora ndipo panoungana.”
Ruka 17:20-37 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakati acibvunzwa naFarise kuti ʋushe bgaMŋari bgunoȿika rini, akapindura, akati: Ʋushe bgaMŋari habguʋuyi bguciʋonekwa. Haʋaŋgati: Tarirai pano! kana: Uko! Nokuti tarirai, ʋushe bgaMŋari bguri mukati menyu. Akati kuʋadzidzi ʋake: Mazuʋa acaȿika amucatȿaka kuʋona zuʋa rimŋe ramazuʋa oMŋanakomana womunhu, asi hamuŋgariʋoni. Ʋacati kwamuri: Tarirai uko! Tarirai pano! Regai kuenda, kana kuʋateʋera; nokuti semheni inopenya, icibva kunorumŋe rutiʋi pasi peɗeŋga, icivenekera kuȿikira kunorumŋe rutiʋi pasi peɗeŋga; ndiɀo ɀicaita Mŋanakomana womunhu ʋo nezuʋa rake. Asi unofanira kumbotambudzika ɀizhinji, nokurashwa norudzi urwu. seɀaɀakaŋga ɀakaita namazuʋa aNoa, ndiɀo ɀaɀicaita ʋo namazuʋa oMŋanakomana womunhu; ʋaidya, nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kuȿikira zuʋa rakapinda Noa muareka, mvura zhinji ikaȿika, ikaparadza ʋose. seɀaɀakaŋga ɀakaita ʋo namazuʋa aRoti; ʋaidya, nokunwa, nokuteŋga, nokuteŋgesa, nokusima, nokuʋaka; asi nomusi wakaɓuɗa Roti muSodoma, mŋoto nesurferi ɀakanaya, ɀicibva kuɗeŋga, ɀikaʋaparadza ʋose. Ndiɀo ɀaɀicaita ʋo nezuʋa iro, Mŋanakomana womunhu raacaʋonekwa naro. Nezuʋa iro, uri pamsoro peimba, nhumbi dzake dziri mumba, ŋgaarege kuɓuruka kundodzitora; saiɀoɀo ʋo, uri kumunda ŋgaarege kudzokera kuneɀiri shure. Raŋgarirai mukadzi waRoti. Aninani unotȿaka kuŋgwarira ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo, ʋuye aninani unorashikirwa nabgo, ucabguraramisa. Ndinoti kwamuri: Ʋusiku ubgo ʋarume ʋaʋiri ʋacaʋa panhoʋo imŋe, mumŋe ucatorwa, mumŋe ucasiyiwa. Ʋakadzi ʋaʋiri ʋacakuya pamŋe cete, mumŋe ucatorwa, mumŋe ucasiyiwa. Ʋaʋiri ʋacaʋa kumunda, mumŋe ucatorwa, mumŋe ucasiyiwa. Ipapo ʋakapindura, ʋakati kwaari: Ipiko, Ishe? Akati kwaʋari: Apo panomutumbu, ndi’po panoʋuŋganira ʋo magora.
Ruka 17:20-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)