Akati kwavari, “Ndianiko kwamuri angava neshamwari; akaenda kwaari pakati pousiku, akati kwaari, ‘Shamwari ndiposewo zvingwa zvitatu; nokuti shamwari yangu iri parwendo yakasvika kwandiri, zvino handina chandingamupakurira.’ Ari mukati akapindura, akati, ‘Usandinetsa; musuo watopfigwa, navana vangu vava neni panhoo; handingamuki ndikakupa.’ “Ndinoti kwamuri, kunyange asingamuki akamupa, nokuda kwokuti ishamwari yake, achamuka, akamupa zvose zvaanoshaiwa nokusa kwokutsungirira kwake. Ndinoti kwamuri, kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa. “Nokuti mumwe nomumwe anokumbira, anopiwa; anotsvaka, anowana; neanogogodza, anozarurirwa. Ndavapiko baba pakati penyu, kana mwanakomana achikumbira chingwa, vangamupa ibwe here? Kana hove, vangamupa nyoka panzvimbo yehove here? Kana akakumbira zai, vangamupa chinyavada here? Naizvozvo kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanokumbira kwaari.”
Verenga chikamu Ruka 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 11:5-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo