Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 1:5-20

Ruka 1:5-20 SNA2002

Namazuva aHerodhi, mambo weJudhea, mumwe mupristi aivapo, ainzi Zekariya, wegovero raAbhia; mukadzi wake aiva wavanasikana vaAroni, zita rake rainzi Erizabheti. Vakanga vakarurama vose, vari vaviri, pamberi paMwari, vachifamba nemirairo nezvakarurama zvose zvaIshe, vasina chavangapomerwa. Vakanga vasina mwana, nokuti Erizabheti akanga asingabereki, uye vakanga vachembera vose vari vaviri. Zvino, akati achibata basa roupristi pamberi paMwari, padzoro regovero rake, akagoverwa netsika dzoupristi, kuti apinde mutemberi yaIshe, kuzopisa zvinonhuwira. Vanhu vazhinji vose vakanga vachinyengetera kunze nenguva yokupisa zvinonhuwira. Ipapo mutumwa waIshe akaonekwa naye, amire kurudyi rwearitari yezvinonhuwira. Zekariya akatambudzika achimuona; kutya kukamuwira. Mutumwa akati kwaari, “Usatya Zekariya, nokuti kukumbira kwako kwanzwika. Mukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Johani. Iwe uchava nomufaro nokufarisisa, navazhinji vachafarira kuberekwa kwake. Nokuti iye achava mukuru pamberi paIshe; haangatongonwi waini nezvinodhaka; achazadzwa noMweya Mutsvene kubva mudumbu ramai vake. Achadzorera vazhinji vavana vaIsiraeri kuna Ishe, Mwari wavo. “Achafamba pamberi pake noMweya nesimba raEria, kuti adzorere mwoyo yamadzibaba kuvana, navasingateereri kuuchenjeri hwavakarurama, agadzirire Ishe vanhu vakamugadzirirwa kwazvo.” Zekariya akati kumutumwa, “Izvozvi ndichazviziva seiko? Nokuti ini ndava harahwa, nomukadzi wangu achembera.” Mutumwa akapindura, akati kwaari, “Ndini Gabhurieri, ndinomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure newe, ndikuparidzire mashoko awa akanaka. “Tarira, uchanyarara, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitwa zvinhu izvi, nokuti hauna kutenda mashoko angu, achaitika nenguva yawo.”

Verenga chikamu Ruka 1