Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 1:34-45

Ruka 1:34-45 SNA2002

Ipapo Maria akati kumutumwa, “Izvozvi zvingava seiko, zvandisingazivi murume?” Mutumwa akapindura, akati kwaari, “Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, nesimba roWokumusorosoro richakufukidza; saka icho chitsvene chichaberekwa chichanzi, Mwanakomana waMwari. Uye tarira, Erizabheti, hama yako, naiye wava napamuviri pomwanakomana pakuchembera kwake; mwedzi uno wava wechitanhatu kuna iye ainzi haabereki. “Nokuti hakuna shoko raMwari richashaiwa simba.” Ipapo Maria akati, “Tarirai, ndiri mushandiri waIshe; ndiitirwe hangu sezvamataura.” Mutumwa akabva kwaari. Namazuva iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kuguta reJudhea; akapinda mumba maZekariya, akakwazisa Erizabheti. Zvino Erizabheti akati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu rake; ipapo Erizabheti akazadzwa noMweya Mutsvene, akadana nezwi guru, akati, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, nomwana wemimba yako akakomborerwazve! Zvaita seiko kwandiri, kuti ndamutswa namai vaIshe wangu? Nokuti, tarira, izwi rokukwazisa kwako rakati richisvika munzeve dzangu, mwana akakwakuka nomufaro mudumbu rangu. Wakaropafadzwa iwe nokuti wakatenda, kuti zvakataurwa naIshe kwauri zvichaitika.”

Verenga chikamu Ruka 1