Ipapo mutumwa waIshe akaonekwa naye, amire kurudyi rwearitari yezvinonhuwira. Zekariya akatambudzika achimuona; kutya kukamuwira. Mutumwa akati kwaari, “Usatya Zekariya, nokuti kukumbira kwako kwanzwika. Mukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Johani. Iwe uchava nomufaro nokufarisisa, navazhinji vachafarira kuberekwa kwake. Nokuti iye achava mukuru pamberi paIshe; haangatongonwi waini nezvinodhaka; achazadzwa noMweya Mutsvene kubva mudumbu ramai vake. Achadzorera vazhinji vavana vaIsiraeri kuna Ishe, Mwari wavo. “Achafamba pamberi pake noMweya nesimba raEria, kuti adzorere mwoyo yamadzibaba kuvana, navasingateereri kuuchenjeri hwavakarurama, agadzirire Ishe vanhu vakamugadzirirwa kwazvo.” Zekariya akati kumutumwa, “Izvozvi ndichazviziva seiko? Nokuti ini ndava harahwa, nomukadzi wangu achembera.” Mutumwa akapindura, akati kwaari, “Ndini Gabhurieri, ndinomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure newe, ndikuparidzire mashoko awa akanaka. “Tarira, uchanyarara, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitwa zvinhu izvi, nokuti hauna kutenda mashoko angu, achaitika nenguva yawo.”
Verenga chikamu Ruka 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 1:11-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo