Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 1:1-56

Ruka 1:1-56 SNA2002

Vazhinji zvavakaedza kurondedzera mashoko ezvinhu izvo zvakaitika pakati pedu, sezvavakatipa ivo vakazviona nameso avo kubva pakutanga, navaiva vanyai veshoko, neniwo, ndakati ndanatsofeya zvose kubva pakutanga, ndakati zvakanaka kuti ndikunyorereiwo nokutevedzanisa, imi Teofiro, makakurumbira; kuti muzive kuti mashoko amakadzidziswa ndeezvokwadi. Namazuva aHerodhi, mambo weJudhea, mumwe mupristi aivapo, ainzi Zekariya, wegovero raAbhia; mukadzi wake aiva wavanasikana vaAroni, zita rake rainzi Erizabheti. Vakanga vakarurama vose, vari vaviri, pamberi paMwari, vachifamba nemirairo nezvakarurama zvose zvaIshe, vasina chavangapomerwa. Vakanga vasina mwana, nokuti Erizabheti akanga asingabereki, uye vakanga vachembera vose vari vaviri. Zvino, akati achibata basa roupristi pamberi paMwari, padzoro regovero rake, akagoverwa netsika dzoupristi, kuti apinde mutemberi yaIshe, kuzopisa zvinonhuwira. Vanhu vazhinji vose vakanga vachinyengetera kunze nenguva yokupisa zvinonhuwira. Ipapo mutumwa waIshe akaonekwa naye, amire kurudyi rwearitari yezvinonhuwira. Zekariya akatambudzika achimuona; kutya kukamuwira. Mutumwa akati kwaari, “Usatya Zekariya, nokuti kukumbira kwako kwanzwika. Mukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Johani. Iwe uchava nomufaro nokufarisisa, navazhinji vachafarira kuberekwa kwake. Nokuti iye achava mukuru pamberi paIshe; haangatongonwi waini nezvinodhaka; achazadzwa noMweya Mutsvene kubva mudumbu ramai vake. Achadzorera vazhinji vavana vaIsiraeri kuna Ishe, Mwari wavo. “Achafamba pamberi pake noMweya nesimba raEria, kuti adzorere mwoyo yamadzibaba kuvana, navasingateereri kuuchenjeri hwavakarurama, agadzirire Ishe vanhu vakamugadzirirwa kwazvo.” Zekariya akati kumutumwa, “Izvozvi ndichazviziva seiko? Nokuti ini ndava harahwa, nomukadzi wangu achembera.” Mutumwa akapindura, akati kwaari, “Ndini Gabhurieri, ndinomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure newe, ndikuparidzire mashoko awa akanaka. “Tarira, uchanyarara, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitwa zvinhu izvi, nokuti hauna kutenda mashoko angu, achaitika nenguva yawo.” Vanhu vakanga vakamirira Zekariya vakashamiswa nokunonoka kwake mutemberi. Zvino akati achibuda, akasagona kutaura navo; vakaziva kuti akanga aona chiratidzo mutemberi; iye akaramba achininira namaoko, akaramba ari mbeveve. Zvino mazuva okushumira kwake akati apera, akaenda kumba kwake. Mazuva iwayo akati apfuura, Erizabheti mukadzi wake akava napamuviri, akazvivanza mwedzi mishanu, achiti, “Ndizvo zvandakaitirwa naIshe namazuva aakanditarira, kuti abvise kunyadzwa kwangu pakati pavanhu.” Nomwedzi wechitanhatu mutumwa Gabhurieri akatumwa naMwari kuguta reGariria, rinonzi Nazareta, kumhandara yakanga yakaroorwa nomurume, ainzi Josefa, weimba yaDhavhidhi; zita remhandara rainzi Maria. Mutumwa akapinda kwaari, akati, “Kwaziwa, iwe wakaropafadzwa, Ishe anewe!” Iye akavhunduswa kwazvo neshoko iro, akafunga kuti kukwazisa kwakadaro ndokweiko. Ipapo mutumwa akati kwaari, “Usatya Maria, nokuti wanzwirwa nyasha naMwari. Tarira, uchava napamuviri, uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu. Iye achava mukuru, achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro; Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi. Achatonga imba yaJakobho nokusingaperi, noushe hwake hahungavi nomugumo.” Ipapo Maria akati kumutumwa, “Izvozvi zvingava seiko, zvandisingazivi murume?” Mutumwa akapindura, akati kwaari, “Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, nesimba roWokumusorosoro richakufukidza; saka icho chitsvene chichaberekwa chichanzi, Mwanakomana waMwari. Uye tarira, Erizabheti, hama yako, naiye wava napamuviri pomwanakomana pakuchembera kwake; mwedzi uno wava wechitanhatu kuna iye ainzi haabereki. “Nokuti hakuna shoko raMwari richashaiwa simba.” Ipapo Maria akati, “Tarirai, ndiri mushandiri waIshe; ndiitirwe hangu sezvamataura.” Mutumwa akabva kwaari. Namazuva iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kuguta reJudhea; akapinda mumba maZekariya, akakwazisa Erizabheti. Zvino Erizabheti akati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu rake; ipapo Erizabheti akazadzwa noMweya Mutsvene, akadana nezwi guru, akati, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, nomwana wemimba yako akakomborerwazve! Zvaita seiko kwandiri, kuti ndamutswa namai vaIshe wangu? Nokuti, tarira, izwi rokukwazisa kwako rakati richisvika munzeve dzangu, mwana akakwakuka nomufaro mudumbu rangu. Wakaropafadzwa iwe nokuti wakatenda, kuti zvakataurwa naIshe kwauri zvichaitika.” Maria akati, “Mwoyo wangu unokudza Ishe, Mweya wangu wakafara naMwari, Muponesi wangu; Zvaakaona urombo hwomushandiri wake; Nokuti, tarira, kubva zvino marudzi ose achanditi, ndakaropafadzwa; Nokuti uyo anamasimba akandiitira zvinhu zvikuru; Zita rake idzvene. Ngoni dzake dziri kumarudzi namarudzi Avanhu vanomutya. Wakaratidza simba rake noruoko rwake; Akaparadza vaizvikudza mundangariro dzemwoyo yavo; Wakabvisa madzimambo pazvigaro zvavo zvoushe, Akasimudza vakaninipiswa; Vane nzara akavagutsa nezvakanaka, Akadzosera vapfumi vasina; Akabatsira Isiraeri, muranda wake, Kuti arangarire ngoni dzake, Sezvaakareva kumadzibaba edu, Kuna Abhurahamu nokurudzi rwake nokusingaperi.” Maria akagara naye mwedzi inenge mitatu, akadzokera kumusha kwake.

Verenga chikamu Ruka 1