Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Revhitiko 25:47-55

Revhitiko 25:47-55 SNA2002

“Kana mweni kana mutorwa akapfuma agere newe, asi hama yako igere naye ikava murombo, akazvitengesa kumweni kana mutorwa uyo ugere newe, kana kumwana worudzi rwomweni uyo, kana atengeswa, ungadzikinurwa; mun'una kana mukoma wake ungamudzikinura; kana babamunini vake, kana mwanakomana wababamunini vake, ungamudzikinura, kana ani naani vehama dzake dzomumba make ungamudzikinura; kana iye akazova mupfumi, ungazvidzikinura amene. Zvino iye nomutengi wake vanofanira kuverenga makore kubva pagore raakazvitengesa naro kwaari kusvikira pagore rejubheri, mutengo waakazvitengesa nawo unofanira kuenzaniswa namakore; nguva yokugara kwake naye inofanira kuenzaniswa nenguva yomubatiri unopiwa mubayiro wake. Kana makore mazhinji achinge asara, unofanira kudzosera mari yokudzikinurwa kwake yakaenzaniswa namakore iwayo, zvichibva pamari yaakanga atenga nayo. Kana kuchinge kwasara makore mashoma kusvikira pagore rejubheri, unofanira kurangana naye; unofanira kudzosera mari yokudzikinurwa kwake zvichienzaniswa namakore ake. Unofanira kugara naye gore rimwe nerimwe somubatiri unopiwa mubayiro wake; ngaarege kumubata nehasha pamberi pako. Kana asingadzikinurwi nemitoo iyi, anofanira kusunungurwa negore rejubheri, iye navana vake pamwechete naye. Nokuti vana vaIsiraeri varanda vangu; varanda vangu vandakabudisa panyika yeIjipiti; ndini Jehovha Mwari wenyu.