Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, “Taura naAroni navanakomana vake, kuti vazvitsaure pazvinhu zvitsvene zvavana vaIsiraeri, zvavanonditsaurira, kuti varege kushatsa zita rangu dzvene; ndini Jehovha. Uti kwavari, ‘Ani naani kuvana venyu kumarudzi enyu ose, unoswedera kuzvinhu zvitsvene, zvakatsaurirwa Jehovha navana vaIsiraeri, asina kunaka, munhu uyo anofanira kubviswa pamberi pangu;’ ndini Jehovha.
“Ani naani kuvana vaAroni ane maperembudzi kana ane zvinoyerera ngaarege kudya zvinhu zvitsvene kusvikira anaka. Ani naani unobata chinhu chakasvibiswa nowakafa kana munhu unobudirwa nembeu yake; kana ani naani unobata chinhu chipi nechipi chinokambaira chingamusvibisa, kana munhu waangasvibiswa naye, uno kusanaka kupi nokupi. Munhu unobata chinhu chipi nechipi chakadai, uchava usina kunaka kusvikira madeko; haafaniri kudya zvinhu zvitsvene asati ashambidza muviri wake nemvura. Kana zuva ravira uchava wakanaka; pashure ungadya hake zvinhu zvitsvene; nokuti ndizvo zvokudya zvake. Ngaarege kudya chinhu chakafa choga, kana chakaurawa nezvikara, kuti azvisvibise nazvo; ndini Jehovha.
“Naizvozvo vanofanira kuchengeta zvandakaraira, kuti varege kuva nezvivi nokuda kwazvo, vafe nazvo, kana vazvishatsa; ndini Jehovha, ndinovatsaura.
“Mweni ngaarege kudya chinhu chitsvene; mutorwa ugere nomupristi, kana muranda, ngavarege kudya chinhu chitsvene. Asi kana mupristi akatenga munhu nomutengo wemari yake, iye ungazvidya; uye vose vanoberekerwa mumba make, vangadya zvokudya zvake. Kana mwanasikana womupristi akawanikwa nomweni, ngaarege kudya chipiriso chinotsaurwa chezvinhu zvitsvene. Asi kana mwanasikana womupristi iri chirikadzi, kana warambwa nomurume, asina vana, akadzokera kumba kwababa vake, sapausikana hwake, iye ungadya zvokudya zvababa vake; asi mweni ngaarege kuzvidya.
“Kana munhu akadya chinhu chitsvene asingazivi, uchafanira kuwedzera cheshanu chacho kwachiri, kuti adzosere kumupristi chinhu chitsvene. Ngavarege kushatsa zvinhu zvitsvene zvavana vaIsiraeri zvavanopa Jehovha; kuti varege kuva nemhosva yezvivi, kana vachidya zvinhu zvavo zvitsvene; nokuti ndini Jehovha ndinovatsaura.”