Revhitiko 22:1-16
Revhitiko 22:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, “Taura naAroni navanakomana vake, kuti vazvitsaure pazvinhu zvitsvene zvavana vaIsiraeri, zvavanonditsaurira, kuti varege kushatsa zita rangu dzvene; ndini Jehovha. Uti kwavari, ‘Ani naani kuvana venyu kumarudzi enyu ose, unoswedera kuzvinhu zvitsvene, zvakatsaurirwa Jehovha navana vaIsiraeri, asina kunaka, munhu uyo anofanira kubviswa pamberi pangu;’ ndini Jehovha. “Ani naani kuvana vaAroni ane maperembudzi kana ane zvinoyerera ngaarege kudya zvinhu zvitsvene kusvikira anaka. Ani naani unobata chinhu chakasvibiswa nowakafa kana munhu unobudirwa nembeu yake; kana ani naani unobata chinhu chipi nechipi chinokambaira chingamusvibisa, kana munhu waangasvibiswa naye, uno kusanaka kupi nokupi. Munhu unobata chinhu chipi nechipi chakadai, uchava usina kunaka kusvikira madeko; haafaniri kudya zvinhu zvitsvene asati ashambidza muviri wake nemvura. Kana zuva ravira uchava wakanaka; pashure ungadya hake zvinhu zvitsvene; nokuti ndizvo zvokudya zvake. Ngaarege kudya chinhu chakafa choga, kana chakaurawa nezvikara, kuti azvisvibise nazvo; ndini Jehovha. “Naizvozvo vanofanira kuchengeta zvandakaraira, kuti varege kuva nezvivi nokuda kwazvo, vafe nazvo, kana vazvishatsa; ndini Jehovha, ndinovatsaura. “Mweni ngaarege kudya chinhu chitsvene; mutorwa ugere nomupristi, kana muranda, ngavarege kudya chinhu chitsvene. Asi kana mupristi akatenga munhu nomutengo wemari yake, iye ungazvidya; uye vose vanoberekerwa mumba make, vangadya zvokudya zvake. Kana mwanasikana womupristi akawanikwa nomweni, ngaarege kudya chipiriso chinotsaurwa chezvinhu zvitsvene. Asi kana mwanasikana womupristi iri chirikadzi, kana warambwa nomurume, asina vana, akadzokera kumba kwababa vake, sapausikana hwake, iye ungadya zvokudya zvababa vake; asi mweni ngaarege kuzvidya. “Kana munhu akadya chinhu chitsvene asingazivi, uchafanira kuwedzera cheshanu chacho kwachiri, kuti adzosere kumupristi chinhu chitsvene. Ngavarege kushatsa zvinhu zvitsvene zvavana vaIsiraeri zvavanopa Jehovha; kuti varege kuva nemhosva yezvivi, kana vachidya zvinhu zvavo zvitsvene; nokuti ndini Jehovha ndinovatsaura.”
Revhitiko 22:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akati kuna Mozisi, “Udza Aroni navanakomana vake kuti varemekedze zvipiriso zvitsvene zvavaIsraeri zvavanditsaurira kuti varege kusvibisa zita rangu dzvene. Ndini Jehovha. “Uti kwavari, ‘Kuzvizvarwa zvichatevera, kana mumwe wezvizvarwa zvenyu asina kuchena akaswedera pedyo nezvinhu zvakatsaurirwa Jehovha navaIsraeri, munhu iyeye anofanira kubviswa pamberi pangu. Ndini Jehovha. “ ‘Kana chizvarwa chaAroni chikava nechirwere chamaperembudzi kana akava nezvinoyerera pamuviri wake, haangadyi zvipiriso zvitsvene kusvikira acheneswa. Achavawo asina kuchena kana akabata chimwe chinhu chakasvibiswa nechitunha kana nomumwe murume anobuda mbeu, kana kuti akabata chose chinokambaira chingamusvibisa kana munhu upi zvake angamusvibisa, kungava kusachena kupi zvako. Munhu uyo achabata kusachena uku achava asina kuchena kusvikira manheru. Haafaniri kudya zvipiriso zvipi zvazvo zvitsvene kusvikira ashamba nemvura. Kana zuva rovira, achava akachena, uye mushure maizvozvo angadya zvipiriso zvitsvene, nokuti ndizvo zvokudya zvake. Haafaniri kudya chimwe chinhu chinowanikwa chakafa kana kuti chabvamburwa nemhuka dzesango, akazosvibiswa nayo. Ndini Jehovha. “ ‘Vaprista vanofanira kuchengeta zvandakarayira kuitira kuti vasava nemhosva uye vakazofa nokuda kwokuti vashora zvandakarayira. Ndini Jehovha anovaita vatsvene. “ ‘Hakuna wokunze kwemhuri yomuprista angadya chipiriso chitsvene, kana mueni womuprista kana mushandi wake angachidya. Asi kana muprista akatenga nhapwa nemari, kana kuti nhapwa ikaberekerwa mumba make, nhapwa iyoyo inogona kudya chokudya chake. Kana mwanasikana womuprista akawanikwa nomumwe munhu asiri muprista haagoni kudya chipi zvacho chezvitsvene zvinouyiswa kumuprista. Asi kana mwanasikana womuprista akava chirikadzi kana kuti akarambwa, iye asina vana, akadzoka kuzogara mumba mababa vake sapaudiki hwake, anogona kudya chokudya chababa vake. Asi munhu asina kukodzera haangadyi kudya uku. “ ‘Kana munhu upi zvake akadya chipiriso chitsvene nokusaziva, anofanira kudzorera kumuprista chipiriso ichi agowedzera chikamu chimwe chete muzvishanu pamusoro. Vaprista havafaniri kusvibisa zvipiriso zvitsvene zvinopiwa navaIsraeri kuna Jehovha, nokuvabvumira kudya zvipiriso zvitsvene nokudaro vakazviuyisira mhosva pamusoro pavo inoda muripo. Ndini Jehovha, anovaita vatsvene.’ ”
Revhitiko 22:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akati kuna Mosesi, “Taurira Aroni navanakomana vake kuti varege kuita zvokutamba nezvinhu zvinoera zvavaIsiraeri zvavanopira kwandiri kuitira kuti varege kusvibisa zita rangu rinoera. Ndini Tenzi ndinodaro. Uvati, ‘Ani naani zvake anenge aine chinomun'oresa wemhuri dzenyu dzose, pazvizvarwa zvenyu zvose anosvika pazvinhu zvinoera zvinopirwa navaIsiraeri kuna Tenzi iye akan'ora, munhu iyeyo ngaarege kubvumirwa kusvika pandiri. Ndini Tenzi ndinodaro.’ “Hakuna munhu wemhuri yekwaAroni anenge aine chirwere chamapere, kana anenge ane chirwere chezvinobuda maari anobvumidzwa kudya zvinhu zvinoera, kusvikira achenurwa. Ani naani anenge agunzva chinhu chakambogunzvana nechitunha, kana chinhu chakagumana nomurume azvirotera, atova munhu akan'ora. Ani naani anobata chinhu chinokambaira chinon'oresa munhu kana kubata munhu ane chinon'oresa, angave aine chinon'oresa chipi nechipi zvacho, munhu anobata zvinhu zvakadaro, achava munhu akan'ora kusvikira zuva radoka. Haafaniri kudya zvinhu zvinoera asi kutoti ashamba muviri. Kana zuva radoka achava munhu akachenurwa, ndopaachazodya zvake zvinhu zvinoera nokuti ndiko kudya kwake ikoko. Ngaarege kudya chinhu chinofa choga kana chinorumwa haafaniri kudya, achizvin'oresa nacho. Ndini Tenzi ndinodaro. “Saka ngavateerere mirao yangu nokuti vangadaro vakaita chitadzo chokuizvidza, vakafa. Ini Tenzi, ndini ndinovaita kuti vave vatsvene. “Mutorwa haafanire kudya zvinhu zvinoera, angave munhu ari kumbogara nomupristi kana munhu ari kumbomushandira ngaarege kudya zvinhu zvinoera. Asi kana mupristi akatenga muranda nemari kana muranda iyeyo anogona kuzvidya uye vakaberekwa mumusha make vangadye zvavo chokudya chaanodya iye. Kana mwanasikana womupristi akaroorwa nomutorwa haazobvumirwi kudya zvinhu zvemupiro inoera. Asi kana mwanasikana womupristi asina vana ari chirikadzi kana kuti akarambwa nomurume akadzokera kundogara kumusha kwake kuna baba wake, sapausikana hwake angadye zvake chokudya chinodyiwa nababa wake. Asi hakuna munhu, wokunze anobvumirwa kudya izvozvo. “Kana munhu akadya zvinhu zvinoera mukusaziva, ngaaripe chaanenge adya, awedzere pachiri makumi maviri pazana roga roga raanofanira kuripa, ape mupristi zvinhu zvinoera izvozvo. Vapristi ngavarege kun'oresa zvinhu zvinoera zvavaIsiraeri zvavanopira kuna Tenzi, vachivarega vachipara mhosva inotoripwa yokudya zvinhu zvavo zvinoera nokuti ini Tenzi ndini ndinovaita kuti vave vatsvene.”
Revhitiko 22:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Taura naAroni naʋanakomana ʋake, kuti ʋaɀitsaure paɀinhu ɀitȿene ɀavana ʋaIsraeri, ɀaʋanonditsaurira, kuti ʋarege kushatsa zita raŋgu dɀene; ndini Jehova. Uti kwaʋari: Aninani kuʋana ʋenyu kumarudzi enyu ose, unosweɗera kuɀinhu ɀitȿene, ɀakatsaurirwa Jehova naʋana ʋaIsraeri, asina‐kunaka, munhu uyo unofanira kubviswa pamberi paŋgu; ndini Jehova. Aninani kuʋana ʋaAroni unamaperembudzi kana uneɀinoyerera ŋgaarege kudya ɀinhu ɀitȿene kuȿikira anaka. Aninani unoɓata cinhu cakaȿiɓiswa nowakafa kana munhu unoɓuɗirwa nembeu yake; kana aninani unoɓata cinhu cipi necipi cinokambaira ciŋgamuȿiɓisa, kana munhu waaŋgaȿiɓiswa naye, unokusanaka kupi nokupi. Munhu unoɓata cinhu cipi necipi cakaɗai, ucaʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko; haafaniri kudya ɀinhu ɀitȿene asati ashambidza muʋiri wake nemvura. Kana zuʋa raʋira ucaʋa wakanaka; pashure uŋgadya hake ɀinhu ɀitȿene, nokuti ndiɀo ɀokudya ɀake. Ŋgaarege kudya cinhu cakafa coga, kana cakaʋurawa neɀikara, kuti aɀiȿiɓise naɀo; ndini Jehova. Naiɀoɀo ʋanofanira kuceŋgeta ɀandakaraira, kuti ʋarege kuʋa neɀiʋi nokuɗa kwaɀo, ʋafe naɀo, kana ʋaɀishatsa; ndini Jehova, ndinoʋatsaura. Mŋeni ŋgaarege kudya cinhu citȿene; mutorwa ugere nomuprista, kana muranda, ŋgaʋarege kudya cinhu citȿene. Asi kana muprista akateŋga munhu nomuteŋgo wemari yake, iye uŋgaɀidya; ʋuye ʋose ʋanoɓerekerwa mumba make, ʋaŋgadya ɀokudya ɀake. Kana mŋanasikana womuprista akawanikwa nomŋeni, ŋgaarege kudya cipiriso cinotsaurwa ceɀinhu ɀitȿene. Asi kana mŋanasikana womuprista iri cirikadzi, kana warambga nomurume, asinaʋana, akadzokera kumba kwaɓaɓa ʋake, sapaʋusikana bgake, iye uŋgadya ɀokudya ɀaɓaɓa ʋake; asi mŋeni ŋgaarege kuɀidya. Kana munhu akadya cinhu citȿene asiŋgaziʋi, ucafanira kuwedzera ceshanu caco kwaciri, kuti adzosere kumuprista cinhu citȿene. Ŋgaʋarege kushatsa ɀinhu ɀitȿene ɀaʋana ʋaIsraeri ɀaʋanopa Jehova; kuti ʋarege kuʋa nemhoȿa yeɀiʋi, kana ʋacidya ɀinhu ɀaʋo ɀitȿene; nokuti ndini Jehova ndinoʋatsaura.
Revhitiko 22:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)