Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kuungudza KwaJeremiya 5

5
Kuchema kwavanhu pamusoro pokutambudzika kwavo
1Rangarirai Jehovha, zvakatiwira;
tarirai, muone kushorwa kwedu.
2Nhaka yedu yaenda kuvatorwa,
nedzimba dzedu kune vokumwe.
3Tiri nherera navasina baba;
madzimai edu akaita sechirikadzi.
4Takanwa mvura yedu tichiita zvokutenga nemari;
huni dzedu takadzitengeserwa.
5Vanodzingana nesu vari pamitsipa yedu;
taneta hatine zororo.
6Takatambanudzira ruoko rwedu kuna vaIjipiti,
nokuna vaAsiria, kuti tigute zvokudya.
7Madzibaba edu akatadza,
zvino havachipo;
isu takatakura zvakaipa zvavo.
8Varanda vanotibata ushe,
hakuna angatirwira pamaoko avo.
9Tinozviwanira zvokudya zvedu upenyu hwedu huri panjodzi,
nemhaka yomunondo uri kurenje.
10Ganda redu rasviba sechoto,
nemhaka yokupisa kukuru kwenzara.
11Vakachinyira vakadzi paZioni,
nemhandara pamaguta aJudha.
12Machinda akasungirirwa namaoko avo,
vakuru havana kukudzwa.
13Majaya akatakura guyo,
vana vakagumburwa nokurema kwehuni.
14Vakuru vakarega kusvika pasuo,
majaya akarega kuimba kwavo.
15Mufaro womwoyo wedu waguma;
kutamba kwedu kwashanduka kuchema.
16Korona yawa pamisoro yedu;
tine nhamo! Nokuti takatadza.
17Nemhaka iyi mwoyo yedu yapera simba;
nemhaka yezvinhu izvi meso edu haachaoni zvakanaka;
18nokuda kwegomo reZioni, rava dongo;
makava anofambapo.
19Imi Jehovha muripo nokusingaperi;
chigaro chenyu choushe chiripo
kusvikira kumarudzi namarudzi.
20Munotikanganwireiko nokusingaperi,
munotirasireiko nguva huru yakadai?
21Tidzoserei kwamuri, Jehovha,
ipapo tichadzoka;
vandudzai mazuva edu ave sakare.
22Asi makatirasa chose here?
Makatitsamwira zvikuru here?

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda