Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 6:20-27

Joshua 6:20-27 SNA2002

Naizvozvo vanhu vakadanidzira, navapristi vakaridza hwamanda; zvino vanhu vakati vachinzwa kurira kwehwamanda, vanhu vakadanidzira nokudanidzira kukuru, rusvingo ndokukoromoka chose, vanhu vakakwira vachipinda muguta, mumwe nomumwe pakaruramana naye, vakakunda guta. Vakaparadza chose nomunondo unopinza zvose zvakanga zviri muguta, varume navakadzi, vaduku navakuru, nenzombe, namakwai, nembongoro. Joshua akati kuvarume vaviri vakanga vandoshora nyika, “Pindai muimba yechifeve, mubudise mukadzi nezvose zvaanazvo, sezvamakapika kwaari.” Zvino majaya iwayo, vashori, vakapinda, vakabudisa Rakabhi, nababa vake, namai vake, nehanzvadzi dzake, nezvose zvaakanga anazvo, vakabudisawo hama dzake dzose, vakavaisa kunze kwemisasa yaIsiraeri. Ipapo vakapisa guta nomoto, nezvose zvakanga zviri mukati maro; asi sirivha, nendarama, nemidziyo yendarira, neyamatare, vakazviisa muchivigiro chepfuma cheimba yaJehovha. Asi Joshua wakarega Rakabhi, chifeve chiya, ari mupenyu, iye naveimba yababa vake, nezvose zvaakanga anazvo; iye akagara pakati paIsiraeri kusvikira nhasi; nokuti wakanga avanza nhume dzakatumwa naJoshua kundoshora Jeriko. Nenguva iyo Joshua akavapikisa, achiti, “Munhu unozomuka akavaka guta iri reJeriko ngaatukwe; ucharashikirwa nedangwe rake kana achiteya nheyo dzaro, uye ucharashikirwa norugotwe rwake kana achimutsa masuo aro.” Naizvozvo Jehovha wakanga ana Joshua; mukurumbira wake ukanzwika panyika yose.

Verenga chikamu Joshua 6