Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 23:1-13

Joshua 23:1-13 SNA2002

Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, Jehovha azorodza vaIsiraeri pavavengi vavo vose vakanga vakavapoteredza, naJoshua akwegura, ava namakore mazhinji, Joshua akadana vaIsiraeri vose, vakuru vavo navatungamiriri vavo, navatongi vavo, navatariri vavo, akati kwavari, “Ndakwegura, ndava namakore mazhinji. Imi makaona zvose zvakaitirwa ndudzi idzi dzose naJehovha Mwari wenyu nokuda kwenyu; nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye wakakurwirai. Tarirai, ndakakupai ndudzi idzi dzasara, ive nhaka yamarudzi enyu, kubva paJorodhani, pamwechete nendudzi dzose dzandakaparadza, kusvikira kugungwa guru kumavirazuva. Jehovha Mwari wenyu amene uchadzibudisa pamberi penyu, nokudzidzinga murege kudziona, kuti mupiwe nyika yadzo, sezvamakaudzwa naJehovha Mwari wenyu. Naizvozvo simbai kwazvo kuti muchengete nokuita zvose zvakanyorwa mubhuku yomurayiro waMosesi, murege kutsauka kwazviri kana kurudyi kana kuruboshwe; kuti murege kuvhengana nendudzi idzo dzakasara pakati penyu, kana kureva mazita avamwari vavo, kana kupikisa navo, kana kuvashumira, kana kuvapfugamira; asi namatirai Jehovha Mwari wenyu, sezvamakaita kusvikira nhasi. Nokuti Jehovha wakadzinga pamberi penyu ndudzi huru dzaiva nesimba; asi kana murimi, hakuna munhu wakamira pamberi penyu kusvikira nhasi. Munhu mumwe kwamuri uchadzinga vanhu vane chiuru chezana, nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye unokurwirai, sezvakakuudzai. Naizvozvo chenjerai kuti mude Jehovha Mwari wenyu. Nokuti kana mukatongodzokera, mukanamatira vakasara vendudzi idzi, idzo dzakasara pakati penyu, mukawanana navo, mukapinda kwavari, naivo vakapinda kwamuri; muzive zvirokwazvo, kuti Jehovha Mwari wenyu haangadzingi ndudzi idzi pamberi penyu; asi vachava musungo neriva kwamuri, netyava kunhivi dzenyu, neminzwa pameso enyu, kusvikira mapera panyika iyo yakanaka yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu.

Verenga chikamu Joshua 23