Joshua 23:1-13
Joshua 23:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino mazuva mazhinji akati apfuura uye Jehovha akanga azorodza vaIsraeri pavavengi vavo vose vakanga vakavapoteredza, Joshua akanga akwegura kwazvo ava namakore mazhinji panguva iyoyo. Akadana vaIsraeri vose, vakuru vavo, navatungamiri vavo, vatongi vavo, navatariri vavo, akati kwavari, “Ndakwegura uye ndava namakore mazhinji. Imi pachenyu makaona zvose zvakaitwa naJehovha Mwari wenyu kunyika idzi dzose nokuda kwenyu; ndiJehovha Mwari wenyu akakurwirai. Rangarirai kuti ndakakugoverai kuti ive nhaka yamarudzi enyu, nyika yose yendudzi dzakasara, ndudzi dzandakakunda pakati peJorodhani neGungwa Guru kumavirazuva. Jehovha Mwari pachake achavadzinga pamberi penyu. Achavabvisa pamberi penyu, uye imi muchatora nyika yavo ive yenyu, sezvamakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu. “Simbai kwazvo; muchenjerere kuti muteerere zvose zvakanyorwa mubhuku romurayiro waMozisi, musingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe. Musafambidzana nendudzi dzakasara pakati penyu, kana kudana kumazita avamwari vavo, kana kupika navo. Hamufaniri kuvashumira, kana kuvapfugamira. Asi namatirai pana Jehovha Mwari wenyu sezvamakaita kusvikira nhasi. “Jehovha akadzinga pamberi penyu ndudzi huru dzaiva nesimba, asi kana muri imi hakuna munhu akagona kumira pamberi penyu kusvikira nhasi. Munhu mumwe chete kwamuri achadzinga vanhu vane chiuru, nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye anokurwirai sezvaakavimbisa. Saka chenjererai kuti mude Jehovha Mwari wenyu. “Asi kana mukangodzokera mukandobatana navakasara vendudzi idzi, dzigere pakati penyu uye kana mukawanana navo mukafambidzana navo, ipapo zvirokwazvo Jehovha Mwari wenyu haangazodzingi ndudzi pamberi penyu. Asi vachava musungo neriva kwamuri, netyava kumisana yenyu neminzwa pameso enyu, kusvikira mapera panyika ino yakanaka, yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu.
Joshua 23:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, Jehovha azorodza vaIsiraeri pavavengi vavo vose vakanga vakavapoteredza, naJoshua akwegura, ava namakore mazhinji, Joshua akadana vaIsiraeri vose, vakuru vavo navatungamiriri vavo, navatongi vavo, navatariri vavo, akati kwavari, “Ndakwegura, ndava namakore mazhinji. Imi makaona zvose zvakaitirwa ndudzi idzi dzose naJehovha Mwari wenyu nokuda kwenyu; nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye wakakurwirai. Tarirai, ndakakupai ndudzi idzi dzasara, ive nhaka yamarudzi enyu, kubva paJorodhani, pamwechete nendudzi dzose dzandakaparadza, kusvikira kugungwa guru kumavirazuva. Jehovha Mwari wenyu amene uchadzibudisa pamberi penyu, nokudzidzinga murege kudziona, kuti mupiwe nyika yadzo, sezvamakaudzwa naJehovha Mwari wenyu. Naizvozvo simbai kwazvo kuti muchengete nokuita zvose zvakanyorwa mubhuku yomurayiro waMosesi, murege kutsauka kwazviri kana kurudyi kana kuruboshwe; kuti murege kuvhengana nendudzi idzo dzakasara pakati penyu, kana kureva mazita avamwari vavo, kana kupikisa navo, kana kuvashumira, kana kuvapfugamira; asi namatirai Jehovha Mwari wenyu, sezvamakaita kusvikira nhasi. Nokuti Jehovha wakadzinga pamberi penyu ndudzi huru dzaiva nesimba; asi kana murimi, hakuna munhu wakamira pamberi penyu kusvikira nhasi. Munhu mumwe kwamuri uchadzinga vanhu vane chiuru chezana, nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye unokurwirai, sezvakakuudzai. Naizvozvo chenjerai kuti mude Jehovha Mwari wenyu. Nokuti kana mukatongodzokera, mukanamatira vakasara vendudzi idzi, idzo dzakasara pakati penyu, mukawanana navo, mukapinda kwavari, naivo vakapinda kwamuri; muzive zvirokwazvo, kuti Jehovha Mwari wenyu haangadzingi ndudzi idzi pamberi penyu; asi vachava musungo neriva kwamuri, netyava kunhivi dzenyu, neminzwa pameso enyu, kusvikira mapera panyika iyo yakanaka yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu.

Joshua 23:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kwakati kwapera nguva ndefu mushure nokunge Tenzi apa vaIsiraeri runyararo kumativi ose vasisina kana mhandu zvayo yaivanetsa, iye Joshuwa akwegura makore ake aendedzana. Joshuwa akadaidza vaIsiraeri vose navakuru vakuru vavo navatungamiriri navatongi namachinda akati kwavari, “Ini ndachembera, mazuva angu aendedzana. Imi makaona zvose zvakaitwa naTenzi Mwari wenyu kumarudzi ose aya pamusana penyu nokuti iye Tenzi Mwari wenyu ndiye aikurwirai. Chionai ndakakugoverai senhaka yamadzinza enyu, nyika dzose dzendudzi dzavanhu dzisati dzakurirwa pamwechete nedzandakakurira kubvira kuna Jorodhani kusvikira kuGungwa guru kumadokero. Tenzi Mwari wenyu achakudzingirai achikutandanisira vanhu ivavo imi muchizotora nyika iyoyo sokutaura kwakaita Tenzi Mwari wenyu kwamuri. Naizvozvo ivai nomwoyo wechivindi chaiwo muchengete nokuita zvose zvakanyorwa mubhuku romutemo waMosesi. Musawane chimwe chamunotsaudzira pauri muchienda uku kana uku. Ndinodariro kuti murege kufambidzana nokudyidzana namarudzi akasara kuno ari mukati menyu modoma mazita avamwari vavo kana kupika navo kana kuvanamata kana kuvapfugamira. Asi imi munofanira kuramba makati kwati kwati naTenzi Mwari wenyu sezvamaita kusvikira nhasi uno, nokuti Tenzi akakudzingirai ndudzi dzavanhu huru dzine simba uye hapana munhu akagona kumirisana nemi kusvikira pari nhasi. Munhu mumwechete pakati penyu anomhanyisa chiuru chavanhu nokuti Tenzi Mwari wenyu ndiye anokurwirai sokukutsidzirai kwaakaita. Saka nyatsongwarirai kuda Tenzi Mwari wenyu. Asi mukapinduka mowirirana namarudzi aya akasara mukati menyu moroorerana navo vakadzi, nyatsozivai zvechokwadi kuti Tenzi Mwari wenyu haazoramba achikudzingirai marudzi, asi ivo vachava riva nechinhu chinokuteyai neshamhu inokurovai mativi neminzwa mumaziso enyu kudzamara matsakatika munyika ino yakanaka yamapiwa naTenzi Mwari wenyu.
Joshua 23:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mazuʋa mazhinji akati apfuʋura, Jehova azorodza ʋaIsraeri paʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋose ʋakaŋga ʋakaʋapoteredza, naJoshua akwegura, aʋa namakore mazhinji, Joshua akaɗana ʋaIsraeri ʋose, ʋakuru ʋaʋo naʋatuŋgamiriri ʋaʋo, naʋatoŋgi ʋaʋo, naʋatariri ʋaʋo, akati kwaʋari: Ndakwegura, ndaʋa namakore mazhinji. Imi makaʋona ɀose ɀakaitirwa ndudzi idzi dzose naJehova Mŋari wenyu nokuɗa kwenyu; nokuti Jehova Mŋari wenyu ndiye wakakurwirai. Tarirai, ndakakupai ndudzi idzi dzasara, iʋe nhaka yamarudzi enyu, kubva paJoridani, pamŋe cete nendudzi dzose dzandakaparadza, kuȿikira kuguŋgwa guru kumaʋirazuʋa. Jehova Mŋari wenyu amene ucadziɓuɗisa pamberi penyu, nokudzidziŋga murege kudziʋona, kuti mupiwe nyika yadzo, seɀamakaʋudzwa naJehova Mŋari wenyu. Naiɀoɀo simbai kwaɀo kuti muceŋgete nokuita ɀose ɀakanyorwa mubuku yomurairo waMosesi, murege kutsauka kwaɀiri kana kurudyi kana kuruɓoshwe; kuti murege kuveŋgana nendudzi idzo dzakasara pakati penyu, kana kureʋa mazita aʋamŋari ʋaʋo, kana kupikisa naʋo, kana kuʋashumira, kana kuʋafugamira; asi namatirai Jehova Mŋari wenyu, seɀamakaita kuȿikira nhasi. Nokuti Jehova wakadziŋga pamberi penyu ndudzi huru dzaiʋa nesimba; asi kana muri’mi, hakunomunhu wakamira pamberi penyu kuȿikira nhasi. Munhu mumŋe kwamuri ucadziŋga ʋanhu ʋanecuru cezana, nokuti Jehova Mŋari wenyu ndiye unokurwirai, seɀaakakuʋudzai. Naiɀoɀo cenjerai kuti muɗe Jehova Mŋari wenyu. Nokuti kana mukatoŋgodzokera, mukanamatira ʋakasara ʋendudzi idzi, idzo dzakasara pakati penyu, mukawanana naʋo, mukapinda kwaʋari, naiʋo ʋakapinda kwamuri; muziʋe ɀirokwaɀo, kuti Jehova Mŋari wenyu haaŋgadziŋgi ndudzi idzi pamberi penyu; asi ʋacaʋa musuŋgo neriʋa kwamuri, netyaʋa kunhiʋi dzenyu, neminzwa pameso enyu, kuȿikira mapera panyika iyo yakanaka yamakapiwa naJehova Mŋari wenyu.
Joshua 23:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)