Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 23

23
Joshua unonyeʋera ʋanhu.
1Ɀino mazuʋa mazhinji akati apfuʋura, Jehova azorodza ʋaIsraeri paʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋose ʋakaŋga ʋakaʋapoteredza, naJoshua akwegura, aʋa namakore mazhinji, 2Joshua akaɗana ʋaIsraeri ʋose, ʋakuru ʋaʋo naʋatuŋgamiriri ʋaʋo, naʋatoŋgi ʋaʋo, naʋatariri ʋaʋo, akati kwaʋari: Ndakwegura, ndaʋa namakore mazhinji. 3Imi makaʋona ɀose ɀakaitirwa ndudzi idzi dzose naJehova Mŋari wenyu nokuɗa kwenyu; nokuti Jehova Mŋari wenyu ndiye wakakurwirai. 4Tarirai, ndakakupai ndudzi idzi dzasara, iʋe nhaka yamarudzi enyu, kubva paJoridani, pamŋe cete nendudzi dzose dzandakaparadza, kuȿikira kuguŋgwa guru kumaʋirazuʋa. 5Jehova Mŋari wenyu amene ucadziɓuɗisa pamberi penyu, nokudzidziŋga murege kudziʋona, kuti mupiwe nyika yadzo, seɀamakaʋudzwa naJehova Mŋari wenyu. 6Naiɀoɀo simbai kwaɀo kuti muceŋgete nokuita ɀose ɀakanyorwa mubuku yomurairo waMosesi, murege kutsauka kwaɀiri kana kurudyi kana kuruɓoshwe; 7kuti murege kuveŋgana nendudzi idzo dzakasara pakati penyu, kana kureʋa mazita aʋamŋari ʋaʋo, kana kupikisa naʋo, kana kuʋashumira, kana kuʋafugamira; 8asi namatirai Jehova Mŋari wenyu, seɀamakaita kuȿikira nhasi. 9Nokuti Jehova wakadziŋga pamberi penyu ndudzi huru dzaiʋa nesimba; asi kana muri’mi, hakunomunhu wakamira pamberi penyu kuȿikira nhasi. 10Munhu mumŋe kwamuri ucadziŋga ʋanhu ʋanecuru cezana, nokuti Jehova Mŋari wenyu ndiye unokurwirai, seɀaakakuʋudzai. 11Naiɀoɀo cenjerai kuti muɗe Jehova Mŋari wenyu. 12Nokuti kana mukatoŋgodzokera, mukanamatira ʋakasara ʋendudzi idzi, idzo dzakasara pakati penyu, mukawanana naʋo, mukapinda kwaʋari, naiʋo ʋakapinda kwamuri; 13muziʋe ɀirokwaɀo, kuti Jehova Mŋari wenyu haaŋgadziŋgi ndudzi idzi pamberi penyu; asi ʋacaʋa musuŋgo neriʋa kwamuri, netyaʋa kunhiʋi dzenyu, neminzwa pameso enyu, kuȿikira mapera panyika iyo yakanaka yamakapiwa naJehova Mŋari wenyu. 14Tarirai, nhasi ini ndoenda nenzira yenyika yose; ɀino imi munoziʋa mumŋoyo yenyu yose nomumŋeya yenyu yose, kuti hapanecinhu cimŋe paɀose ɀakanaka ɀakataurwa pamsoro penyu naJehova Mŋari wenyu, cakakona. 15Ɀino seɀamakaitirwa iɀo ɀinhu ɀose ɀakanaka, ɀakataurwa pamsoro penyu naJehova Mŋari wenyu, saiɀoɀo Jehova ucakuitirai ɀose ɀakaipa, kuȿikira akuparadzai panyika yakanaka, yamakapiwa naJehova Mŋari wenyu. 16Kana mukaɗarika suŋgano yaJehova Mŋari wenyu, yaakakurairai, mukandoshumira ʋamŋe ʋamŋari, mukafugama pamberi paʋo, ipapo kutsamŋa kwaJehova kucakumukirai, mukakurumidza kupera, nokubviswa panyika iyo yakanaka, yamakapiwa naye.

Zvasarudzwa nguva ino

Joshua 23: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda