Akati achipfuura, akaona munhu akanga ari bofu kubva pakuberekwa kwake. Vadzidzi vake vakamubvunza, vachiti, “Rabhi, ndianiko akatadza, uyu kana vabereki vake, zvaakaberekwa riri bofu?”
Jesu akapindura, akati, “Uyu haana kutadza, kunyange navabereki vake; asi izvi zvakaitwa kuti mabasa aMwari aoneswe maari. Ndinofanira kubata basa rowakandituma, achiri masikati; usiku hunouya, husingagoni munhu kubata basa nahwo. Ndichiri panyika, ndiri chiedza chenyika.” Akati areva izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, akazodza dope pameso pake, akati kwaari, “Enda undoshamba mudziva reSiroami,” (ndokuti, kana zvichishandurwa, “Kutumwa.”) Ipapo akaenda, akandoshamba, akadzoka achiona.
Vakanga vagere naye, navaimuona kare, kuti ndiye waikumbira, vakati, “Ko uyu haasi iye aigara achikumbira here?”
Vamwe vakati, “Ndiye;” vamwe vakati, “Kwete, asi akatodzana naye.” Iye akati, “Ndini.”
Zvino vakati kwaari, “Meso ako akagosvinudzwa seiko?”
Akapindura, akati, “Munhu anonzi Jesu akakanya dope, akazodza meso angu, akati kwandiri, enda Siroami, undoshamba; naizvozvo ndakaenda, ndikashamba, ndikaona.”
Vakati kwaari, “Iye aripiko?” Akati, “Handizivi.”
Vakamuisa kuvaFarisi, iye akanga ari bofu kare. Zvino raiva Sabata zuva iro Jesu raakakanya dope naro, akasvinudza meso ake. Zvino vaFarisi vakamubvunzazve, kuti wakaoneswa sei. Akati kwavari, “Akaisa dope pameso pangu, ndikandoshamba, ndikaona.”
Zvino vamwe vavaFarisi vakati, “Munhu uyu haasi waMwari, nokuti haachengeti Sabata.” Asi vamwe vakati, “Ko munhu mutadzi angaita seiko zviratidzo zvakadai?” Ipapo kupesana kwakamuka pakati pavo.
Zvino vakatizve kubofu, “Iwe unoti kudiniko pamusoro pake, zvaakasvinudza meso ako?” Akati, “Muporofita.”
Naizvozvo vaJudha havana kutenda pamusoro pake, kuti akanga ari bofu, akazoona, kusvikira vadana vabereki vowakaoneswa, vakavabvunza, vachiti, “Uyu ndiye mwanakomana wenyu, wamunoti akaberekwa riri bofu here? Zvino anogoona seiko?”
Vabereki vake vakapindura, vakati, “Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu, uye kuti akaberekwa riri bofu; asi hatizivi kuti zvino woona sei; noakasvinudza meso ake, hatimuzivi; mubvunzei henyu; ayaruka, achazvirevera hake.”
Vabereki vake vakareva izvozvo, nokuti vaitya vaJudha, nokuti vaJudha vakanga vatotenderana, kuti kana kuchinge kune munhu anotenda kuti ndiye Kristu, abudiswe musinagoge. Naizvozvo vabereki vake vakati, “Ayaruka hake, mubvunzei henyu.”