Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 9:1-23

Johani 9:1-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Akati achifamba, akaona murume akanga aberekwa ari bofu. Vadzidzi vake vakamubvunza vakati, “Rabhi, ndianiko akatadza, murume uyu kana kuti vabereki vake, zvaakaberekwa ari bofu?” Jesu akapindura akati, “Hakusi kutadza kwomurume uyu kana kwavabereki vake kwakaita kuti zvidai, asi izvi zvakaitika kuti basa raMwari riratidzwe muupenyu hwake. Kana achiri masikati kudai, tinofanira kubata basa raiye akandituma. Usiku huri kuuya, husina munhu angagona kushanda basa nahwo. Ndichiri munyika, ndiri chiedza chenyika.” Akati ataura izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, uye akariisa pameso omurume uya. Akati kwaari, “Enda undoshamba mudziva reSiroami” (shoko iri rinoreva kuti Kutumwa). Saka murume uya akaenda akandoshamba, akadzoka ava kuona. Vavakidzani vake navaya vakanga vambomuona achipemha vakati, “Ko, uyu haasi iye murume uya aisimbogara achipemha here?” Vamwe vakati, “Ndiye.” Vamwe vakati, “Kwete, anenge akangofanana naye chete.” Asi iye pachake akaramba achiti, “Ndini iye.” Vakamubvunza vakati, “Meso ako akasvinudzwa sei?” Akapindura akati, “Murume anonzi Jesu akakanya dope akarizora pameso angu. Akandiudza kuti ndiende kuSiroami ndinoshamba. Saka ndakaenda ndikandoshamba, uye ipapo ndakagona kuona.” Vakamubvunza vakati, “Aripiko murume wacho?” Iye akati, “Handizivi.” Vakauyisa murume uya aimbova bofu kuvaFarisi. Zvino zuva iro rakakanyiwa dope rikazorwa pameso omurume uya naJesu, raiva zuva reSabata. Naizvozvo vaFarisi vakamubvunzawo kuti akasvinudzwa sei. Murume uya akapindura akati, “Azora dope pameso angu uye ndikandoshamba, zvino ndava kuona.” Vamwe vaFarisi vakati, “Murume uyu haabvi kuna Mwari, nokuti haachengeti Sabata.” Asi vamwe vakati, “Ko, mutadzi angaita zviratidzo zvakadai seiko?” Nokudaro vakabva vapesana. Pakupedzisira vakadzokerazve kumurume uya akaberekwa ari bofu vakati, “Ko, iwe unoti kudini naye, sezvo akasvinudza meso ako.” Murume uya akapindura akati, “Muprofita.” Kunyange zvakadaro, vaJudha havana kubvuma kuti akanga ari bofu uye kuti akanga asvinudzwa meso ake, kusvikira vadana vabereki vake. Vakati kwavari, “Mwanakomana wenyu here uyu? Ndiye here wamunoti akaberekwa ari bofu? Seiko ava kuona iye zvino?” Vabereki vake vakati, “Tinoziva kuti ndiye mwanakomana wedu, uye tinoziva kuti akaberekwa ari bofu. Asi kuti ari kuona sei nhasi kana kuti ndiani asvinudza meso ake, isu hatizivi. Mubvunzei. Akura; achazvidavirira oga.” Vabereki vake vakataura izvi nokuti vaitya vaJudha, nokuti vaJudha vakanga vatotenderana kuti ani naani anenge angopupura kuti Jesu ndiye Kristu aizofanira kubudiswa musinagoge. Ndokusaka vabereki vake vakati, “Akura mubvunzei iye.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 9

Johani 9:1-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Akati achipfuura, akaona munhu akanga ari bofu kubva pakuberekwa kwake. Vadzidzi vake vakamubvunza, vachiti, “Rabhi, ndianiko akatadza, uyu kana vabereki vake, zvaakaberekwa riri bofu?” Jesu akapindura, akati, “Uyu haana kutadza, kunyange navabereki vake; asi izvi zvakaitwa kuti mabasa aMwari aoneswe maari. Ndinofanira kubata basa rowakandituma, achiri masikati; usiku hunouya, husingagoni munhu kubata basa nahwo. Ndichiri panyika, ndiri chiedza chenyika.” Akati areva izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, akazodza dope pameso pake, akati kwaari, “Enda undoshamba mudziva reSiroami,” (ndokuti, kana zvichishandurwa, “Kutumwa.”) Ipapo akaenda, akandoshamba, akadzoka achiona. Vakanga vagere naye, navaimuona kare, kuti ndiye waikumbira, vakati, “Ko uyu haasi iye aigara achikumbira here?” Vamwe vakati, “Ndiye;” vamwe vakati, “Kwete, asi akatodzana naye.” Iye akati, “Ndini.” Zvino vakati kwaari, “Meso ako akagosvinudzwa seiko?” Akapindura, akati, “Munhu anonzi Jesu akakanya dope, akazodza meso angu, akati kwandiri, enda Siroami, undoshamba; naizvozvo ndakaenda, ndikashamba, ndikaona.” Vakati kwaari, “Iye aripiko?” Akati, “Handizivi.” Vakamuisa kuvaFarisi, iye akanga ari bofu kare. Zvino raiva Sabata zuva iro Jesu raakakanya dope naro, akasvinudza meso ake. Zvino vaFarisi vakamubvunzazve, kuti wakaoneswa sei. Akati kwavari, “Akaisa dope pameso pangu, ndikandoshamba, ndikaona.” Zvino vamwe vavaFarisi vakati, “Munhu uyu haasi waMwari, nokuti haachengeti Sabata.” Asi vamwe vakati, “Ko munhu mutadzi angaita seiko zviratidzo zvakadai?” Ipapo kupesana kwakamuka pakati pavo. Zvino vakatizve kubofu, “Iwe unoti kudiniko pamusoro pake, zvaakasvinudza meso ako?” Akati, “Muporofita.” Naizvozvo vaJudha havana kutenda pamusoro pake, kuti akanga ari bofu, akazoona, kusvikira vadana vabereki vowakaoneswa, vakavabvunza, vachiti, “Uyu ndiye mwanakomana wenyu, wamunoti akaberekwa riri bofu here? Zvino anogoona seiko?” Vabereki vake vakapindura, vakati, “Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu, uye kuti akaberekwa riri bofu; asi hatizivi kuti zvino woona sei; noakasvinudza meso ake, hatimuzivi; mubvunzei henyu; ayaruka, achazvirevera hake.” Vabereki vake vakareva izvozvo, nokuti vaitya vaJudha, nokuti vaJudha vakanga vatotenderana, kuti kana kuchinge kune munhu anotenda kuti ndiye Kristu, abudiswe musinagoge. Naizvozvo vabereki vake vakati, “Ayaruka hake, mubvunzei henyu.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 9

Johani 9:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Jesu paakanga achipfuura zvake akaona munhu akaberekwa ari bofu. Vadzidzi vake vakamubvunza vachiti, “Nhai Mudzidzisi ndiani akatadza, munhu uyu kana kuti vabereki vake zvakaita kuti aberekwe ari bofu?” Jesu akapindura achiti, “Haasi munhu uyu akatadza kana kuti vabereki vake, asi zvakaitirwa kuti mabasa aMwari aoneswe maari. “Tinofanira kuita mabasa euyo akandituma kuchakachena. Usiku huri kuuya hwokuti hapana anozokwanisa kushanda. Kana ndichiri pasi pano ndini chiedza chapasi.” Paakataura izvi akasvipira pasi, akakanya tudhaka ndokutwuisa pamaziso omunhu uya akamuti, “Chienda undoshamba mudziva reSiroamu” (zvinoreva kutumwa.) Ipapo akaenda akashamba akauya avakuona. Vavakidzani naye navamwe vaimbomuona achipemha vakati, “Uyu haasiri munhu uya here aigara pasi achipemha?” Vamwe vakati, “Ndiye.” Vamwewo vakati, “Kwete akangofanana naye.” Asi iye akati, “Ndini.” Vakati kwaari, “Ko maziso ako akazarurwa sei?” Iye akapindura achiti, “Munhu anonzi Jesu akanya tudhaka akazora maziso angu akanditi, ‘Enda kudziva reSiroamu ushambe.’ Saizvozvowo ndaenda ndikashamba ndikabva ndavakuona.” Vakati, “Ko zvino ari kupi?” Iye ndokuti, “Handizivi.” Vakaunza kuvaFarisei munhu uya akanga ari bofu. Zvino waiva musi weSabata Jesu paakakanya tudhaka akamuzarura maziso ake. VaFarisei vakamubvunzazve kuti aoneswa sei. Iye akavati aisa tudhaka pamaziso angu ndikashamba, zvino ndava kuona. Vamwe vaFarisei vakati, “Munhu uyu haabvi kuna Mwari nokuti haachengeti Sabata.” Vamwewo vakati, “Zvingaitike sei kuti munhu mutadzi aite zviratidzo zvakadai?” Pakabva pamuka nharo pakati pavo. Naizvozvo, vakatizve kubofu riya, “Ko iwe unotii nezvake zvaakusvinudza maziso.” Iye akati, “Munhu uyu muporofita.” VaJudha havana kudavira kuti akambenge ari bofu. Uye kuti akanga asvinudzwa maziso kusvikira vatodaidza vabereki vomunhu uya akanga asvinudzwa maziso. Vakavabvunza kuti, “Uyu mwana wenyu here uyu wamungati akaberekwa ari bofu; ko zvaitika sei kuti zvino avakuona?” Vabereki vake vakapindurawo vachiti, “Chatinoziva isu ndechokuti, uyu mwanakomana wedu, uye kuti akaberekwa ari bofu. Asi zvokuti iye zvino ava kuona sei isu hatizvizivi kana kuzivawo kuti ndiani wamusvinudza maziso. Mubvunzei iye, inga abve zero wani. Anozvidavirira.” Vabereki vake vakadaro pamusana pokuti vaitya vaJudha nokuti vaJudha vakanga vatorangana kuti munhu anenge angoti iye ndiye Mesia anofanira kudzingwa muSinagogu. Ndokusaka vabereki vake vakati, “Inga abve zero wani, mubvunzei iye.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 9

Johani 9:1-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Wakati acipfuʋura, akaʋona munhu wakaŋga ari ɓofu kubva pakuɓerekwa kwake. Ʋadzidzi ʋake ʋakamubvunza, ʋaciti: Rabi, ndianiko wakatadza, uyu kana ʋaɓereki ʋake, ɀaakaɓerekwa riri ɓofu? Jesu akapindura, akati: Uyu haana‐kutadza, kunyaŋge naʋaɓereki ʋake; asi iɀi ɀakaitwa kuti maɓasa aMŋari aʋoneswe maari. Tinofanira kuɓate‐ɓasa rowakandituma, aciri masikati; ʋusiku bgunoʋuya, bgusiŋgagoni munhu kuɓate‐ɓasa nabgo. Ndiciri panyika, ndiri ciedza cenyika. Wakati areʋa iɀoɀo, akapfira mate pasi, akakanya ɗope namate, akazodza ɗope rawo pameso ake, akati kwaari: Enda undoshamba mudziʋa reSiroami, (ndokuti, kana ɀicishandurwa, Kutumŋa). Ipapo akaenda, akandoshamba, akadzoka aciʋona. Ʋakaŋga ʋagere naye, naʋaimuʋona kare, kuti ndiye waikumbira, ʋakati: Ko uyu haazi iye waigara acikumbira here? Ʋamŋe ʋakati: Ndiye; ʋamŋe ʋakati: Kwete, asi wakatodzana naye. Iye akati: Ndini. Ɀino ʋakati kwaari: Meso ako akagoȿinudzwa seiko? Akapindura, akati: Munhu unonzi Jesu wakakanya ɗope, akazodza meso aŋgu, akati kwandiri: Enda Siroami, undoshamba; naiɀoɀo ndakaenda, ndikashamba, ndikaʋona. Ʋakati kwaari: Iye uripiko? Akati: Handiziʋi. Ʋakamuisa kuʋaFarise, iye wakaŋga ari ɓofu kare. Ɀino raiʋa saɓata zuʋa iro Jesu raakakanya ɗope naro, akaȿinudza meso ake. Ɀino ʋaFarise ʋakamubvunza ɀe, kuti wakaʋoneswa sei. Akati kwaʋari: Wakaisa ɗope pameso aŋgu, ndikandoshamba, ndikaʋona. Ɀino ʋamŋe ʋaʋaFarise ʋakati: Munhu uyu haazi waMŋari, nokuti haaceŋgeti saɓata. Asi ʋamŋe ʋakati: Ko munhu mutadzi uŋgaita seiko ɀiratidzo ɀakaɗai? Ipapo kupesana kwakamuka pakati paʋo. Ɀino ʋakati ɀe kuɓofu: Iwe unoti kuɗiniko pamsoro pake, ɀaakaȿinudza meso ako? Akati: Muprofita. Naiɀoɀo ʋaJuda haʋana‐kutenda pamsoro pake, kuti wakaŋga ari ɓofu, akazoʋona, kuȿikira ʋaɗana ʋaɓereki ʋowakaʋoneswa, ʋakaʋabvunza, ʋaciti: Uyu ndiye mŋanakomana wenyu, wamunoti wakaɓerekwa riri ɓofu here? Ɀino unogoʋona seiko? Ʋaɓereki ʋake ʋakapindura, ʋakati: Tinoziʋa kuti uyu mŋanakomana weɗu, ʋuye kuti wakaɓerekwa riri ɓofu; asi hatiziʋi kuti ɀino woʋona sei; nowakaȿinudza meso ake, hatimuziʋi; mubvunzei henyu; waaruka, ucaɀireʋera hake. Ʋaɓereki ʋake ʋakareʋa iɀoɀo, nokuti ʋaitya ʋaJuda, nokuti ʋaJuda ʋakaŋga ʋatotenderana, kuti kana kuciŋge kunomunhu unotenda kuti ndiye Kristu, aɓuɗiswe musinagoge. Naiɀoɀo ʋaɓereki ʋake ʋakati: Waaruka hake, mubvunzei henyu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 9

Johani 9:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)