Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johane 9:1-23

Johane 9:1-23 SUB1949

Wakati acipfuʋura, akaʋona munhu wakaŋga ari ɓofu kubva pakuɓerekwa kwake. Ʋadzidzi ʋake ʋakamubvunza, ʋaciti: Rabi, ndianiko wakatadza, uyu kana ʋaɓereki ʋake, ɀaakaɓerekwa riri ɓofu? Jesu akapindura, akati: Uyu haana‐kutadza, kunyaŋge naʋaɓereki ʋake; asi iɀi ɀakaitwa kuti maɓasa aMŋari aʋoneswe maari. Tinofanira kuɓate‐ɓasa rowakandituma, aciri masikati; ʋusiku bgunoʋuya, bgusiŋgagoni munhu kuɓate‐ɓasa nabgo. Ndiciri panyika, ndiri ciedza cenyika. Wakati areʋa iɀoɀo, akapfira mate pasi, akakanya ɗope namate, akazodza ɗope rawo pameso ake, akati kwaari: Enda undoshamba mudziʋa reSiroami, (ndokuti, kana ɀicishandurwa, Kutumŋa). Ipapo akaenda, akandoshamba, akadzoka aciʋona. Ʋakaŋga ʋagere naye, naʋaimuʋona kare, kuti ndiye waikumbira, ʋakati: Ko uyu haazi iye waigara acikumbira here? Ʋamŋe ʋakati: Ndiye; ʋamŋe ʋakati: Kwete, asi wakatodzana naye. Iye akati: Ndini. Ɀino ʋakati kwaari: Meso ako akagoȿinudzwa seiko? Akapindura, akati: Munhu unonzi Jesu wakakanya ɗope, akazodza meso aŋgu, akati kwandiri: Enda Siroami, undoshamba; naiɀoɀo ndakaenda, ndikashamba, ndikaʋona. Ʋakati kwaari: Iye uripiko? Akati: Handiziʋi. Ʋakamuisa kuʋaFarise, iye wakaŋga ari ɓofu kare. Ɀino raiʋa saɓata zuʋa iro Jesu raakakanya ɗope naro, akaȿinudza meso ake. Ɀino ʋaFarise ʋakamubvunza ɀe, kuti wakaʋoneswa sei. Akati kwaʋari: Wakaisa ɗope pameso aŋgu, ndikandoshamba, ndikaʋona. Ɀino ʋamŋe ʋaʋaFarise ʋakati: Munhu uyu haazi waMŋari, nokuti haaceŋgeti saɓata. Asi ʋamŋe ʋakati: Ko munhu mutadzi uŋgaita seiko ɀiratidzo ɀakaɗai? Ipapo kupesana kwakamuka pakati paʋo. Ɀino ʋakati ɀe kuɓofu: Iwe unoti kuɗiniko pamsoro pake, ɀaakaȿinudza meso ako? Akati: Muprofita. Naiɀoɀo ʋaJuda haʋana‐kutenda pamsoro pake, kuti wakaŋga ari ɓofu, akazoʋona, kuȿikira ʋaɗana ʋaɓereki ʋowakaʋoneswa, ʋakaʋabvunza, ʋaciti: Uyu ndiye mŋanakomana wenyu, wamunoti wakaɓerekwa riri ɓofu here? Ɀino unogoʋona seiko? Ʋaɓereki ʋake ʋakapindura, ʋakati: Tinoziʋa kuti uyu mŋanakomana weɗu, ʋuye kuti wakaɓerekwa riri ɓofu; asi hatiziʋi kuti ɀino woʋona sei; nowakaȿinudza meso ake, hatimuziʋi; mubvunzei henyu; waaruka, ucaɀireʋera hake. Ʋaɓereki ʋake ʋakareʋa iɀoɀo, nokuti ʋaitya ʋaJuda, nokuti ʋaJuda ʋakaŋga ʋatotenderana, kuti kana kuciŋge kunomunhu unotenda kuti ndiye Kristu, aɓuɗiswe musinagoge. Naiɀoɀo ʋaɓereki ʋake ʋakati: Waaruka hake, mubvunzei henyu.

Verenga chikamu Johane 9