Ipapo Jesu akati kwavari, “Ndichiri nemi nguva duku, ndigoenda kune akandituma. Muchanditsvaka, asi hamungandiwani; uye apo pandiri, imi hamungasvikipo.”
Zvino vaJudha vakataurirana, vachiti, “Uyo anoda kuendepiko, kwatisingazomuwani? Ko anoda kuenda kuna vakapararira pakati pavaGiriki, kuti anodzidzisa vaGiriki here? Rinoti kudiniko shoko iri raareva, rokuti, ‘Muchanditsvaka, asi hamungandiwani, uye, apo pandiri, imi hamungasvikipo?’ ”
Zvino nezuva rokupedzisira, zuva guru romutambo, Jesu akamira, akadanidzira, akati, “Ani naani, kana ane nyota, ngaauye kwandiri, anwe. ‘Anotenda kwandiri, sezvazvakarehwa noRugwaro, nzizi dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.’ ”
Asi izvi akareva Mweya, aizopiwa avo vaitenda kwaari, nokuti Mweya akanga asati avapo, nokuti Jesu akanga asati akudzwa.
Zvino vamwe pakati pavanhu vazhinji vakati vachinzwa mashoko awa, vakati, “Zvirokwazvo uyu muporofita.” Vamwe vakati, “Uyu ndiye Kristu.” Asi vamwe vakati, “Ko Kristu angabva Gariria here? Rugwaro haruna kureva here, kuti Kristu achabva kurudzi rwaDhavhidhi, napamusha weBheterehemu, paiva naDhavhidhi?” Naizvozvo kupesana kwakamuka pamusoro pake pakati pavazhinji. Vamwe vakanga vachida kumubata; asi kwakanga kusina akaisa maoko kwaari.
Zvino mapurisa akauya kuvapristi vakuru nokuvaFarisi, ivo vakati kwavari, “Makaregereiko kuuya naye?”
Mapurisa akapindura, akati, “Hakuna munhu akatongotaura nokutaura kwomunhu uyo.”
Naizvozvo vaFarisi vakavapindura, vakati, “Nemiwo matsauswa kanhi? Kuvakuru nokuvaFarisi kuno mumwe akatongotenda kwaari here? Asi vanhu ava vazhinji, vasingazivi murayiro, vakatukwa.”
Nikodhimo, (uya akambouya kwaari, aiva mumwe wavo), akati kwavari, “Murayiro wedu unotonga munhu, vasati vambomunzwa, nokuziva chaanoita here?”
Vakapindura, vakati kwaari, “Ko newewo uri weGariria here? Nzvera, uone kuti hakuna muporofita, anobva Gariria.”
[ Ipapo mumwe nomumwe akaenda kumba kwake.