Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 7:33-53

Johani 7:33-53 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jesu akati kwavari, “Ndinongova nemi kwechinguva chiduku, uye mushure maizvozvo ndichazoenda kuna iye akandituma. Muchanditsvaka, asi hamuchazondiwani; uye pandinenge ndiri, hamugoni kusvikapo.” VaJudha vakataurirana vachiti, “Munhu uyu ari kuda kuenda kupiko kwatisingazomuwani? Achaenda here kuvanhu vedu vakapararira pakati pavaGiriki, agondodzidzisa vaGiriki? Anga achireveiko paati, ‘Muchanditsvaka, asi hamuchazondiwani,’ uye ‘Pandinenge ndiri, imi hamugoni kusvikapo’?” Pazuva rokupedzisira uye zuva guru roMutambo, Jesu akasimuka akadanidzira nenzwi guru achiti, “Kana pane munhu ane nyota, ngaauye kwandiri azonwa. Ani naani anotenda kwandiri, sezvazvakarehwa muRugwaro, hova dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.” Nokutaura uku, akanga achireva zvoMweya Mutsvene, uyo waizogamuchirwa navaya vanotenda kwaari. Nokuti Mweya wakanga usati wapiwa, sezvo Jesu akanga asati apinda mukubwinya kwake. Vakati vanzwa mashoko ake, vamwe vanhu vakati, “Zvirokwazvo murume uyu muprofita.” Vamwe vakati, “Ndiye Kristu.” Asi vamwe vakati, “Kristu angabva seiko kuGarirea? Rugwaro harutauri here kuti Kristu achabva kurudzi rwaDhavhidhi uye nokuBheterehema, guta raigara Dhavhidhi?” Nokudaro vanhu vakapesana nokuda kwaJesu. Vamwe vakada kumubata, asi hapana akaisa ruoko paari. Pakupedzisira varindi vetemberi vakadzokera kuvaprista vakuru nokuvaFarisi, vakavabvunza vakati, “Seiko musina kuuya naye kuno?” Varindi vakati kwavari, “Hakuna munhu akatombotaura nenzira inoitwa nomurume uyu.” VaFarisi vakati, “Munoreva kuti atokunyengerai nemiwo? Pane mumwe wavatongi kana wavaFarisi ava kutenda kwaari here? Kwete! Asi vanhu vazhinji ava vasingatongozivi murayiro, vakatukwa ava.” Nikodhimasi, uya akanga amboenda kuna Jesu uye akanga ari mumwe wavo, akati, “Ko, murayiro wedu unopomera munhu mhosva asina kutanga ambonzwikwa kuti zvionekwe kuti ari kuitei here?” Vakapindura vakati, “Newewo uri weGarirea? Nzvera, uye uchaona kuti hakuna muprofita anobva kuGarirea.” Ipapo mumwe nomumwe akaenda kumba kwake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 7

Johani 7:33-53 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ipapo Jesu akati kwavari, “Ndichiri nemi nguva duku, ndigoenda kune akandituma. Muchanditsvaka, asi hamungandiwani; uye apo pandiri, imi hamungasvikipo.” Zvino vaJudha vakataurirana, vachiti, “Uyo anoda kuendepiko, kwatisingazomuwani? Ko anoda kuenda kuna vakapararira pakati pavaGiriki, kuti anodzidzisa vaGiriki here? Rinoti kudiniko shoko iri raareva, rokuti, ‘Muchanditsvaka, asi hamungandiwani, uye, apo pandiri, imi hamungasvikipo?’ ” Zvino nezuva rokupedzisira, zuva guru romutambo, Jesu akamira, akadanidzira, akati, “Ani naani, kana ane nyota, ngaauye kwandiri, anwe. ‘Anotenda kwandiri, sezvazvakarehwa noRugwaro, nzizi dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.’ ” Asi izvi akareva Mweya, aizopiwa avo vaitenda kwaari, nokuti Mweya akanga asati avapo, nokuti Jesu akanga asati akudzwa. Zvino vamwe pakati pavanhu vazhinji vakati vachinzwa mashoko awa, vakati, “Zvirokwazvo uyu muporofita.” Vamwe vakati, “Uyu ndiye Kristu.” Asi vamwe vakati, “Ko Kristu angabva Gariria here? Rugwaro haruna kureva here, kuti Kristu achabva kurudzi rwaDhavhidhi, napamusha weBheterehemu, paiva naDhavhidhi?” Naizvozvo kupesana kwakamuka pamusoro pake pakati pavazhinji. Vamwe vakanga vachida kumubata; asi kwakanga kusina akaisa maoko kwaari. Zvino mapurisa akauya kuvapristi vakuru nokuvaFarisi, ivo vakati kwavari, “Makaregereiko kuuya naye?” Mapurisa akapindura, akati, “Hakuna munhu akatongotaura nokutaura kwomunhu uyo.” Naizvozvo vaFarisi vakavapindura, vakati, “Nemiwo matsauswa kanhi? Kuvakuru nokuvaFarisi kuno mumwe akatongotenda kwaari here? Asi vanhu ava vazhinji, vasingazivi murayiro, vakatukwa.” Nikodhimo, (uya akambouya kwaari, aiva mumwe wavo), akati kwavari, “Murayiro wedu unotonga munhu, vasati vambomunzwa, nokuziva chaanoita here?” Vakapindura, vakati kwaari, “Ko newewo uri weGariria here? Nzvera, uone kuti hakuna muporofita, anobva Gariria.” [ Ipapo mumwe nomumwe akaenda kumba kwake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 7

Johani 7:33-53 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Jesu akati, “Ndichangova nemi kwekanguva kadiki; ndozodzokera kune wakandituma. Muchanditsvaka asi hamundiwani uye kwandinenge ndiri hamukwanisi kuuyako.” VaJudha vakataurirana vachiti, “Ko munhu uyu ari kuda kuenda kupiko, kwatisingakwanisi kumuwana? Arikuda kuenda kuvaJudha vakapararira kuvaGiriki achindodzidzisa vaGiriki here? Ko anoreveiko kana achiti, “ ‘Muchanditsvaka asi hamundiwani uye kwandinenge ndaenda imi hamukwanisi kuuyako.’ ” Pazuva rokupedzisa ramazuva makuru aya zuva racho rakanga riri guru kupinda ose zvawo Jesu akasimuka akaparidza achiti, “Aninani ane nyota ngaauye kwandiri anwe. Aninani anodavira mandiri, sokutaura kunoita Magwaro Matsvene mumwoyo make muchaerera nzizi dzemvura youpenyu.” Izvozvo aitaura nezvaMweya aizogamuchirwa navanotenda maari nokuti Mweya akanga asati apiwa kuvanhu nokuti Jesu akanga asati awaniswa mbiri yake. Vamwe vanhu vaiva mugungano iroro, pavakanzwa mazwi aya vakati, “Uyu ndiye chaiye muporofita uya.” Vamwewo vakati, “Uyu ndiye Mesia uyu.” Vamwe vakatiwo, “Mesia anofanira kubva kuGarirea here? Handiti Magwaro Matsvene anoti, ‘Mesia anofanira kuva chizvarwa chaDhavhidhi uye kuti anobva kuBheterehemu, musha waigara Dhavhidhi.’ ” Saizvozvo pakava nokutsaukana mukati mavanhu pamusana pake. Vamwe vaitoda kumusunga asi hapana kana neakambomubata zvake. Mapurisa aya akadzokera kuvapristi vakuru navaFarisei avo vakavati, “Sei musina kuuya naye?” Mapurisa akati, “Hapana munhu ati ambotaura somunhu uyu.” VaFarisei vakapindura vachiti, “Nemiwo marasiswa nhai? Pane mumwe wavakuru–vakuru kana mumwe wavaFarisei akatenda maari here kusiya vanamunhuwo zvavo ava vasingazivi mutemo uye vane rushambwa ava?” Nikodhimasi, uya akamboenda kwaari aiva mumwe wavo akati kwavari. “Zviya, handiti mutemo wedu haupe munhu mhosva asina kutanga ambonzwika uye kuziva zvaanoita?” Ivo vakapindura vachiti, “Asi newewo unobva kuGarirea su? Tsvagaka uone zvako kuti hakuna muporofita anobva kuGarirea.” Mumwe nomumwe akaenda kumusha kwake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 7

Johani 7:33-53 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ipapo Jesu akati kwaʋari: Ndiciri nemi ŋguʋa ɗuku, ndigoenda kunowakandituma. Mucanditȿaka, asi hamuŋgandiwani; ʋuye apo pandiri, imi hamuŋgaȿiki’po. Ɀino ʋaJuda ʋakataurirana, ʋaciti: Uyu unoɗa kuendepiko, kwatisiŋgazomuwani? Ko unoɗa kuenda kunaʋakapararira pakati paʋaGiriki, kuti andodzidzisa ʋaGiriki here? Rinoti kuɗiniko shoko iri raareʋa, rokuti: Mucanditȿaka, asi hamuŋgandiwani, ʋuye, apo pandiri, imi hamuŋgaȿiki’po? Ɀino nezuʋa rokupedzisira, zuʋa guru romutambo, Jesu wakamira, akaɗanidzira, akati: Aninani, kana anenyota, ŋgaaʋuye kwandiri, anwe. Unotenda kwandiri, seɀaɀakarebga noRugwaro, nzizi dzemvura mhenyu dzicayerera dzicibva mukati make. Asi iɀi wakareʋa ɀoMŋeya, waizopiwa aʋo ʋaitenda kwaari, nokuti Mŋeya wakaŋga usati waʋa’po, nokuti Jesu wakaŋga asati akudzwa. Ɀino ʋamŋe pakati paʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋacinzwa mashoko awa, ʋakati: Ɀirokwaɀo uyu muprofita. Ʋamŋe ʋakati: Uyu ndiye Kristu. Asi ʋamŋe ʋakati: Ko Kristu uŋgabva Garirea here? Rugwaro haruna‐kureʋa here, kuti Kristu ucabva kurudzi rwaDavidi, napamusha weBetrehema, paiʋa naDavidi? Naiɀoɀo kupesana kwakamuka pamsoro pake pakati paʋazhinji. Ʋamŋe ʋakaŋga ʋaciɗa kumuɓata; asi kwakaŋga kusina‐wakaisa maʋoko kwaari. Ɀino ʋatariri ʋakaʋuya kuʋaprista ʋakuru nokuʋaFarise, iʋo ʋakati kwaʋari: Makaregereiko kuʋuya naye? Ʋatariri ʋakapindura, ʋakati: Hakunomunhu wakatoŋgotaura nokutaura kwomunhu uyo. Naiɀoɀo ʋaFarise ʋakaʋapindura, ʋakati: Nemi ʋo matsauswa kanhi? Kuʋakuru nokuʋaFarise kunomumŋe wakatoŋgotenda kwaari here? Asi ʋanhu aʋa ʋazhinji, ʋasiŋgaziʋi murairo, ʋakatukwa. Nikodimo, (uya wakamboʋuya kwaari, waiʋa mumŋe waʋo), akati kwaʋari: Murairo weɗu unotoŋga munhu, usati wambomunzwa, nokuziʋa caanoita here? Ʋakapindura, ʋakati kwaari: Ko newe ʋo uri weGarirea here? Nɀera, uʋone kuti hakunomuprofita, unobva Garirea. [Ipapo mumŋe nomumŋe wakaenda kumba kwake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 7

Johani 7:33-53 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)